Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Johane 4


DJS, Johane 4:1–4 (enzanisa Johane 4:1–2)

(Jesu akabhabhatidza.)

1 Zvino zvakadaro vaFarise pavakanga vanzwa kuti akanga aita uye abhabhatidza vadzidzi vazhinji kupfuura Johane,

2 Vakatsvaga nesimba dzimwe nzira dzekuti vamuuraye; nokuti vazhinji vakanga vakagashira Johane semuporofita, asi vakanga vasingatende kuna Jesu.

3 Zvino Ishe vakaziva izvi, kunyangwe ivo pachavo vakange vasina kubhabhatidza vazhinji sevadzidzi vavo;

4 Nokuti akavabvumira semuenzaniso, kuratidza kukudzana kwavo.

DJS, Johane 4:26 (enzanisa Johane 4:24)

(Mwari vakavimbisa Mweya wavo kune vatendi vechokwadi.)

26 Nokuti kune vakadaro Mwari vakavimbisa Mweya wavo. Uye avo vanovanamata, vanofanira kumunata mumweya nemuchokwadi.