Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Johane 13


DJS, Johane 13:8–10 (enzanisa Johane 13:8–10)

(Jesu akageza tsoka dzeVaapositori.)

8 Petro akati kwaari, Hamufanire kugeza tsoka dzangu. Jesu akamupindura, Kana ndikasadzigeza, iwe hauna hukama neni.

9 Simoni Petro, akati kwaari, Ishe, kwete tsoka dzangu chete, asiwo nemaoko angu nemusoro wangu.

10 Jesu akati kwaari, Uyo ageza maoko ake nemusoro wake, haachafanira kunze kwekugeza tsoka dzake, asi akachena kwose; uye imi makachena, asi kwete mose. Zvino iyi yaive tsika yemaJuda pasi pamutemo wavo; nokudaro, Jesu akaita izvi kuti mutemo ugozadzikiswe.