Huyai, Munditevere 2024
Kushandisa Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi


“Kushandisa Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Kushandisa Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024

Mufananidzo
mhuri ichinzvera magwaro matsvene

Kushandisa Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi

Bhuku Rino Rinoshandiswa Nani?

Bhuku rino ndere munhu upi noupi zvake anoda kudzidza kubva muBhuku raMormoni—ari ega pachake, semhuri uye mumakirasi eChechi. Kana wanga usiri kunzvera magwaro matsvene nguva dzose munguva yakapfuura, bhuku rino rinokwanisa kukubatsira kuti utange. Kana wanga uchitova netsika yakanaka yokunzvera magwaro matsvene, bhuku rino rinokwanisa kukubatsira kuti uve nezviitiko zvakanyanya kukosha.

Vanhu paChavo uye Mhuri Kumba

Nzvimbo yakanakisisa yokudzidza vhangeri ndeye kumba. Vadzidzisi vako kuchechi vanokwanisa kukutsigira, uye unokwanisa kuwana kurudziro kubva kune dzimwe nhengo dzewadhi. Asi kuti upone pane zvepamweya, iwe nemhuri yako munoda zvokudya zuva nezuva kubva “kushoko rakanaka raMwari” (Moronai 6:4; onawo Russelll M. Nelson, “Mashoko eKuvhura,” Liahona, Mbudzi 2018).

Shandisa bhuku rino munzira ipi zvayo inobatsira kwauri. Zvidzidzo zvaro zvinosimbisa zvimwe zvokwadi zvinowanikwa muBhuku raMormoni uye zvinopa mazano nezviitwa zvinokubatsira kunzvera magwaro matsvene wega pachako, nemhuri yako, kana neshamwari. Apo paunonzvera, tevera nhungamiro yeMweya kuti uwane zvokwadi izvo zvakakosha kwauri. Tsvaka mashoko aMwari kwauri, uye tevera hurudziro dzaunogamuchira.

Vadzidzisi neVadzidzi kuChechi

Kana uchidzidzisa kirasi yePuraimari, Chikoro cheSvondo chevechidiki kana chavakuru, chikwata cheHupirisita hwaAroni, kana kirasi yeVasikana veChediki, unokurudzirwa kushandisa zvidzidzo zviri mubhukuru rino apo paunogadzirira kudzidzisa. Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi ndiro zvidzidzo zvekirasi yako yeSvondo. Mazano ekudzidza ari mubhuku rino akagadzirirwa kuitira kudzidza kumba uye kuchechi. Apo paunogadzirira kudzidzisa, tanga nokuva nezviitiko zvako pachako mumagwaro matsvene. Gadziriro yakanyanya kukosha yako inozoitika apo paunotsvagurudza magwaro matsvene uye nokutsvaka femero yeMweya Mutsvene. Tsvaka zvokwadi zvokusingaperi izvo zvinokubatsira kuti unyanye kuva saBaba Vokudenga naJesu Kristu. Huyai, Munditevere rinokwanisa kukubatsira kudoma zvimwe zvezvokwadi izvi uye kunzwisisa revo yakazara yemagwaro matsvene.

Chengeta mupfungwa kuti kudzidza vhangeri, pamanakiro ako makurusa, kunomisirwa kumba uye kuchitsigirwa neChechi. Nemamwe mashoko, basa rako gurusa ndere kutsigira vanhu vaunodzidzisa mukuedza kwavo kudzidza nokurarama vhangeri kumba. Vape mikana yokugovera zviitiko zvavo, pfungwa dzavo, uye nemibvunzo yavo pamusoro pendima dzemagwaro matsvene. Vakoke kuti vagovere zvokwadi zvokusingaperi zvavakawana. Izvi zvakanyanya kukosha kupfuura kupedza humwe huwandu hwezvinyorwa.

Puraimari

Gadziriro yako yokudzidzisa Puraimari inotanga apo paunonzvera Bhuku raMormoni iwe pachako uye nemhuri. Apo paunodaro, iva nechido chokutambira femero nenzwisiso dzezvepamweya kubva kuMweya Mutsvene pamusoro pevana vari mukirasi yako yePuraimari. Namata, uye Mweya unokwanisa kukufemera nemazano okuvabatsira kudzidza vhangeri raJesu Christu.

Apo paunogadzirira kudzidzisa, ungangowana imwe femero nokuwongorora mazano okudzidzisa ari mubhuku rino. Chidzidzo choga choga chiri muHuyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi chine chikamu chine musoro wenyaya unoti “Mazano eKudzidzisa Vana.” Funga nezve mazano aya sepfungwa dzinotungidza femero yako. Unoziva vana vari mukirasi yako yePuraimari—uye unozovaziva zvakanyanya kunaka paunotaurirana navo mukirasi. Mwari vanovazivawo, uye Vanozokufemera nenzira dzakanakisisa dzokuvadzidzisa nokuvaropafadza.

Zvinokwanisika kuti vana vari mukirasi vakatoita zvimwe zvezviitwa zviri muHuyai, Munditevere nemhuri dzavo. Izvi ZVAKANAKA. Dzokororo yakanaka. Funga pamusoro pokukoka vana kuti vagoverane navamwe izvo zvavakadzidza kumba—kunyangwe zvazvo uchifanirawo kuronga nzira dzokuti vana vatore chinhanho kunyangwe kana vasiri kudzidza kumba. Vana vanodzidza zvokwadi zvevhangeri zvakanyanya kusimba apo zvokwadi izvi pazvinodzokororwa kudzidziswa kuburikidza nezviitwa zvakasiyana siyana. Kana ukawana kuti chiitwa chokudzidza chinoshanda kuvana, funga kuchidzokorora, kunyanya kana uri kudzidzisa vana vadikisa. Ungangowongororawo chiitwa kubva kuchidzidzo chakare.

Mumwedzi iyo ine maSvondo mashanu, vadzidzisi vePuraimari vanokurudzirwa kutsiva chidzidzo chakatarwa chemuHuyai, Munditevere paSvondo rechishanu nechimwechete kana kupfuura chezviitwa zvekudzidza zviri “muChiwedzerwa B: ChePurairami—Kugadzirira Vana kuva Mugwara reChibvumirano raMwari kweUpenyu Hwose.”

Makirasi eChikoro cheSvondo eVechidiki uye Vakuru

Chikonzero chikurusa chimwechete chatinoungana mumakirasi eChikoro cheSvondo ndechekutsigirana nokukurudzirana apo patinoedza kutevera Jesu Kristu. Nzira yakareruka yokuita izvi ndeyokubvunza mubvunzo wakaita souyu “Chii chawakadzidziswa neMweya Mutsvene vhiki rino apo pawainzvera Bhuku raMormoni pamwechete neHuyai, Munditevere?” Mhinduro kumubvunzo uyu inokwanisa kutungamira kuhurukuro dzakakosha idzo dzinovaka rutendo muna Jesu Kristu nevhangeri Rake.

Zvino unokwanisa kukoka hurukuro inomisirwa pamazano okunzvera ari muna Huyai, Munditevere. Somuenzaniso, zano rokunzvera ringangopa pfungwa yokutsvagurudza Aruma 36 uye kuita mudorongodzwa wamashoko anodzidzisa pamusoro pebasa reMuponesi murutendeuko. Ungangobvunza nhengo dzekirasi kugovera uye kutaura pamusoro pamashoko avakawana. Kana kuti munokwanisa kupedza nguva muchigadzira mudorongodzwa wacho pamwechete sekirasi.

Makirasi eZvikwata zveHupirisita hwaAroni uye eVasikana veChidiki

Apo makirasi ezvikwata zveHupirisita hwaAroni, uye eVasikana veChidiki paanosangana pamisi yeSvondo, chinangwa chawo chakati siyanei kubva kukirasi yeChikoro cheSvondo. Pamusoro pokubatsirana kudzidza vhangeri raJesu Kristu, mapoka aya anosanganawo kurairana pamwechete pamusoro pokuzadzikisa basa reruponeso nekusimudzirwa kumusoro soro (ona General Handbook: Serving in The Church of Jesus Christ of Latter-day Saints, 1.2). Vanoita izvi vari pasi pehutungamiri hwevatungamiri vemakirasi nezvikwata.

Nokuda kwechikonzero ichi, musangano woga woga wechikwata kana wekirasi unofanira kutanga nenhengo yevatungamiri vechikwata kana vekirasi ichitungamirira hurukuro pamusoro pezviedzwa, semuenzaniso, zvokurarama vhangeri, kana kutora chinhanho mubasa retemberi nenhoroondo yemhuri.

Mushure menguva iyi yokurairana pamwechete, murairidzi anotungamira kirasi kana chikwata mukudzidza vhangeri pamwechete. Vatungamiri vechikuru kana nhengo dzekirasi kana chikwata vanokwanisa kupuwa basa rokudzidzisa. Vatungamiri vekirasi kana chikwata, mukutaurirana nevatungamiri vechikuru, ndivo vanopa mabasa aya.

Vanhu vanenge vapuwa basa rokudzidzisa vanofanira kugadzirira vachishandisa mazano okudzidza ari muchirongwa chechidzidzo chevhiki yoga yoga cheHuyai, Munditevere. Muchidzidzo choga choga, mufananidzo uno unoratidza chiitwa icho chakanyanya kukodzera kune vechidiki. Zvisinei, mazano api zvawo ari muchidzidzo anokwanisa kushandiswa sechiitwa chokudzidza chevechidiki.

Kuti uwane muenzaniso wehurongwa hwemisangano yechikwata nekirasi, ona Chiwedzerwa D.