Huyai, Munditevere 2024
Rutendeuko Ndicho Chinangwa Chedu


“Rutendeuko Ndicho Chinangwa Chedu,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Rutendeuko Ndicho Chinangwa Chedu,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024

Mufananidzo
baba nevana vachipa gwayana zvokudya

Rutendeuko Ndicho Chinangwa Chedu

Chinangwa chekudzidza nekudzidzisa vhangeri kwose ndechekudzamisa rutendeuko rwedu uye kutibatsira kuva saJesu Kristu zvakanyanya. Nechikonzero ichi, apo patinonzvera vhangeri, hatisi kungotsvaga ruzivo rutsva; tinoda kuva “chisikwa chitsva” (2 Vakorinte 5:17). Izvi zvinoreva kuvimba naBaba Vokudenga uye naJesu Kristu kuti vatibatsire kushandura mwoyo yedu, maonero edu, zviito zvedu, uye nehunhu hwedu chaihwo.

Asi rudzi rwekudzidza vhangeri runosimbisa rutendo rwedu uye ruchitungamirira kuchishamiso cherutendeuko harusi runongoitika rwose pakarepo. Runopfuurira mberi kudarika kudzidza kwemukirasi kuenda mukati memwoyo nemumba memunhu pachake. Runoda kuedza kwezuva nezuva uye kwenguva dzose kuitira kunzwisisa nekurarama vhangeri. Rutendeuko rwechokwadi runoda kurudziro yeMweya Mutsvene.

Mweya Mutsvene unotitungamirira kuchokwadi uye unopa uchapupu hwechokwadi ichocho (ona Johane 16:13). Unojekesa pfungwa dzedu, unokurumidzisa nzwisiso dzedu, uye unobata mwoyo yedu nezvakazarurwa zvinobva kuna Mwari, manyuko echokwadi chose. Mweya Mutsvene unochenesa mwoyo yedu. Unokurudzira matiri chido chekurarama nechokwadi, uye Unozevezera kwatiri nzira dzekuita izvi. Zvirokwazvo, “Mweya Mutsvene … ucha[ti]dzidzisa zvinhu zvose” (Johane 14:26).

Nokuda kwezvikonzero izvi, mukuedza kwedu kurarama, kudzidza, uye kudzidzisa vhangeri, chinhu chekutanga uye chakakoshesesa chatinofanira kuita ndeche kutsvaga hufambidzani hweMweya. Chinangwa ichi chinofanira kutonga sarudzo dzedu uye kutungamira pfungwa dzedu nezviito zvedu. Tinofanira kutsvaga chipi nechipi zvacho chinokoka hurudziro yeMweya uye kuramba chipi nechipi zvacho chinodzinga hurudziro iyoyo—nekuti tinoziva kuti kana tikakwanisa kuva takakodzera huvepo hweMweya Mutsvene, tinokwanisawo kuva takakodzera kurarama pamberi paBaba Vokudenga neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu.