Pamusoro peRubhabhatidzo Muchinzvimbo cheVakafa neRusimbiso

Chii chinonzi Rubhabhatidzo Muchinzvimbo cheVakafa?

Rubhabhatidzo neRusimbiso Zvakakosha

Musimboti weChitendero wechina unotaura kuti zvisungo zvokutanga zvevhangeri raJesu Kristu ndeizvi “rubhabhatidzo rwekunyikwa zvakazara kuitira ruregerero rwezvivi” uye “nekuiswa maoko pamusoro kuitira chipo cheMweya Mutsvene.” Jesu akadzidzisa kuti rubhabhatidzo nerusimbiso zvinodikanwa kuitira vose vanoda kuMutevera nokudzokera kuna Baba Vokudenga mushure meupenyu hwuno. Rubhabhatidzo rwunova naizvozvo suwo rekuenda kugwara rechibvumirano iro rinotungamirira mukugamuchira maropafadzo ose ayo Baba Vokudenga avanoshuvira kutipa. Ndirwo zvekare nzira yesuwo rekuva “takarurama muna Kristu" (Moronai 10, 32, 33) apo patinogamuchira zvakazara vhangeri Rake.

Pakutanga kwehushumiri Hwake, Jesu akafamba kubva kuGarirea kusvika kuRwizi rweJordani. Johane Mubhabhatidzi aivako, achidzidzisa vanhu kuti vatendeuke uye vabhabhatidzwe. Jesu akakumbira kuti abhabhatidzwe, asi Johane akazengurira nokuti aiziva kuti Jesu aiva asina zvivi. Muponesi akatsanangura kuti Aida kubhabhatidzwa kuti “azadzise kururama kwose” (Mateo 3:15) uye ave anoteerera mirairo yaBaba vedu Vokudenga. Naizvozvo Jesu Kristu akamisa muenzaniso kwatiri tose apo paakapinda mumvura uye Johane akamubhabhatidza (ona 2 Nifai 31:5).Johane akagamuchirawo uchapupu hwake pachake hwechiitiko chinoera ichi:

“Uye Jesu, wakati abhabhatidzwa, pakarepo akabuda mumvura: zvino, tarira, denga rakamuzarurirwa, uye akaona Mweya waMwari uchiburuka senjiva, uye ukauya pamusoro pake:

“Uye tarira akanzwa inzwi rakabva kudenga, richiti, Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira” (Mateo 3:16–17).

Johane Mubhabhatidzi naJesu vari muRwizi rweJordani.
Johane Mubhabhatidzi naJesu vari muRwizi rweJordani

Mushure, mumwe mutongi wechiJuda ainzi Nikodimo akauya kuna Jesu neusiku. Akaziva kuti Jesu waiva “mudzidzisi wakabva kuna Mwari” (Johane 3:2), uye aida kudzidza zvimwe zvakawanda. Jesu akamudzidzisa kuti zvose rubhabhatidzo nekugashira Mweya Mutsvene kuburikidza norusimbiso zvaidikanwa kuitira ruponeso:

“Zvirokwazvo, zvirokwazvo, Ndinoti kwauri, Kana munhu asingaberekwi nemvura noMweya, haangagoni muumambo hwaMwari” (Johane 3:5).

Kuva unoberekwa nemvura kunoreva rubhabhatidzo. Kuva unoberekwa neMweya kunoreva kugamuchira chipo cheMweya Mutsvene (uyo unozivikanwawo seMweya Mutsvene) kuburikidza nekusimbiswa. Zvisungo izvi zvinoera, uye tinoita zvibvumirano zvakakomba apo patinozvigamuchira. Tinovimbisa kuti tinoda kutora patiri zita raJesu Kristu, kuMurangarira nguva dzose, nokuchengeta mirairo yaMwari. Apo patinochengeta vimbiso idzi, tinoratidza rutendo rwedu munaJesu Kristu uye chido chedu chekuMutevera.

Mushure Mekumuka Kuvakafa Kwake, Muponesi akadzidzisa zvakare kukosha kwerubhabhatidzo. Akatumira vaApositora mberi kuti vaparidze vhangeri Rake kuvanhu vose, vachiti, “Uyo anotenda akabhabhatidzwa uchaponeswa” (Marko 16:16).

Apo Muponesi paakadzorera Chechi Yake kuburikidza neMuporofita Joseph Smith, Akadzidzisa zvakare kuti rubhabhatidzo rwuchiri kudiwa (Dzidziso neZvibvumirano 22:4). Akazivisawo nzira kwayo yerubhabhatidzo. Akajekesa kuti rubhabhatidzo rwunofanira kuitwa nekunyudzwa zvakazara uye kuburikidza nemvumo kwayo yehupirisita (Dzidziso neZvibvumirano 20:73–74).

Mwari Vanoda Vana Vavo Vose.

Munhu wose mwana waMwari. Wose akakosha kwaVari. Vanovaziva uye Vanovada. Vakazivisa kuti “Nokuti tarisai iri ibasa rangu nekubwinya kwangu—kuunza kusafa neupenyu hwokusingaperi hwevanhu” (Mosesi 1:39). Vakapa nzira yekuti vose vevana Vavo vadzokere kwaVari mushure meupenyu hwuno. Nzira iyoyo ivhangeri raJesu Kristu.

Vanhu vakawanda vane mukana wekutambira vhangeri nekubhabhatidzwa muupenyu hwuno. Asi ko avo vanofa vasina kubhabhatidzwa kana kunyangwe kuziva pamusoro paJesu? Vangakwanisawo kuponeswa sei? Mwari havana kuvakanganwa!

Rufu handirwo magumo eupenyu, asi kuti inhanho parwendo rwedu rwekudzokera kuna Mwari. Apo patinofa, mweya yedu inosiya miviri yedu kwechinguva chipfupi. Tinopinda munyika yemweya uye tobatana nenhengo dzemhuri nevamwe vakafawo. Imomo tinogadzirira zuva iroro rinoshamisa apo patinozomutswa kuvakafa uye mweya yedu inozobatanidzwazve nemiviri yakaruramiswa. Ipapo tinezenge tasununguka kubva kuzvirwere, hosha, uye hurema hwose noutera hwatirikutsungirira ikozvino. Munyika yemweya, avo vakafa vasina mukana wekudzidza pamusoro pevhangeri muupenyu hwuno vanodzidziswa pamusoro peMuponesi nechirongwa cheruponeso (1 Petro 3:18–20; Dzidziso neZvibvumirano 138:16–19).Vanozokwanisa zvino kusarudza kutambira vhangeri nokutendeuka.Asi havakwanise kubhabhatidzwa ikoko nokuti havana miviri yavo yenyama. Baba Vokudenga vane mutsa vakapa imwe nzira yekuti vagamuchire rubhabhatidzo.

Mutemberi, tinokwanisa kubhabhatidzwa nokusimbiswa kuitira avo vakafa vasina kuwana mukana iwoyo. Nemamwe mashoko, tinokwanisa kuvamiririra nokuita chinhu muchinzvimbo chavo. Zvisungo zvinoitirwa vamwe zvinonzi zvisungo zvemuchinzvimbo chemumwe (kana kuti zvisungo zvemuchinzvimbo chevakafa). MuApositora Pauro akadzidzisa vaKorinte kuti rubhabhatidzo rwevakafa rwaiitwa nokuti vanhu vose vanozomutswa kuvakafa kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu (1 VaKorinte 15:29, 55–57).

Dzidziso yezvisungo zvekuitira muchinzvimbo chevakafa yakagara iri chikamu chevhangeri raJesu Kristu. Chokwadi ndechekuti, Rudzikinuro Rwake ndicho chiito chikurusa chekuita pachinzvimbo choumwe munhoroondo yepanyika. Kuburikidza nekuzvipira Kwake, Akaitira vanhu vose izvo zvatisingakwanise kuzviitira isu pachedu. Nokuda Kwake, vanhu vose vanozomuka kuvakafa. Vose vanozonzwa vhangeri, uye vose vanozova nemukana wokudzokera kune Vabereki vedu Vokudenga.

Rubhabhatidzo rwemutemberi nerusimbiso zvinoitirwa avo vakafa zvipo zvakapuwa murudo. Uye nokuti tinotenda kuti hupenyu hunoenderera mberi mushure mekufa, tinotendawo zvakare kuti avo vakafa vanoziva nezve zvisungo izvi. Ivo zvino vanozosarudza kana vachida kuzvitambira kana kuti kwete.

Chidziva cheRubhabhatidzo (muTemberi yeOgden Utah)
Chidziva cheRubhabhatidzo (muTemberi yeOgden Utah)

Unokwanisa Kushandira Vamwe muTemberi

Mukati metemberi yoga yoga mune pokubhabhatidzira pane chidziva cherubhabhatidzo chikuru. Chidziva ichi chakagara pamisana yezviumbwa zvenzombe gumi nembiri idzo dzinomiririra marudzi gumi nemaviri aIsraeri. Izvi zvinotevera tsika dzinodzokera kumazuva etemberi yaSoromoni muTestamente yaKare (ona 2 Makoronike 4:2–4). Nzombe dzinomiririrawo simba nemasimba evhangeri raJesu Kristu.

Nhengo dzechechi dzakatendeka dzingangowana bvumiro yekupinda mutemberi yokuita rubhabhatidzo nerusimbiso kutanga muna Ndira wegore ravanosvitsa makore gumi nemaviri. Kuti uwane bvumiro yekupinda mutemberi, ronga "bvunzurudzo yekuwana bvumiro yekupinda mutemberi” nabhishopi kana mutungamiri webazi wako. Unogona zvino kuenda kutemberi kunobhabhatidzwa nokusimbiswa muchinzvimbo cheavo vakafa.

Sezvakangoita rubhabhatidzo rwako pachako, unozova nenzvimbo yakavanzika yekupfekera umo maunozochinja uchipfeka zvipfeko zvichena kuti uite rubhabhatidzo muchinzvimbo cheavo vakafa. Mushure merubhabhatidzo, unozodzokera kunzvimbo yako yekupfekera uye wochinja kupfeka zvipfeko zvakaoma. Unozobva zvino woenda kune umwe mupanda werusimbiso uri munzvimbo yekubhabhatidzira. Vane Hupirisita vanozoisa maoko avo pamusoro wako uye vogadza chipo cheMweya Mutsvene cheavo vakafa. Mushure mokunge zvisungo izvi zvaitwa, vanokwanisa kusarudza kana vachida kuzvitambira. Rubhabhatidzo rwemuchinzvimbo chevakafa nerusimbiso zvinoitwa mumatemberi chete.

Mupanda weRusimbiso (muTemberi yeMeridian Idaho)
Mupanda weRusimbiso (muTemberi yeMeridian Idaho)

Mutemberi, unokwanisawo kuva nemukana wakakosha wekubhabhatidzirwa nhengo dzemhuri yako idzo dzakafa. Apo paunotsvagurudza nhoroondo yemhuri yako, unozowana madzitateguru ako. Kuenda kutemberi nokubhabhatidzwa uye kusimbiswa wakamiririra ivo zvinokwanisa kuva chiitiko chinoshamisa uye chako pachako.

Unokwanisa kupa mushando uyu, kuvabereki, vanambuya nasekuru, vaberekedzani, vanamainini, vanamaiguru vanatete, vanasekuru, vanababamunini, vanababamukuru, nevamwe. Mhuri dzinokwanisa kusimbiswa kuburikidza nechiito chemutsa ichi. Unokwanisa kunzwa rubatano rwakadzama kumhuri yako uye kuva pedyo naMwari. Manzwiro ehukama aya anokwanisa kukupa simba, gwara, nechivimbo uye anozokuropafadza munzira dzisingaverengeki. Unokwanisa kuwana runyararo uye nzwisiso yeupenyu hwako pachako apo paunowana nokushandira madzitateguru ako. Unozonzwisisa nokuziva Muponesi zvirinani apo paunoitirawo vamwe izvo zvavasingakwanise kuzviitira pachavo.

Vimbiso Yakakosha Kwauri

Gosa David A. Bednar vakati: “Ndinokukurudzirai kuti munzvere, mutsvage madzitateguru enyu, uye muzvigadzirire kuita rubhabhatidzo muchinzvimbo chevamwe muimba yaIshe makamiririra hama dzenyu dzakafa. … Apo pamunodavira murutendo kukokero iyi, mwoyo yenyu ichatendeukira kumadzibaba. Vimbiso dzakaitwa kuna Abrahama, Isaka, naJakobo dzinozoiswa mumwoyo yenyu. … Rudo uye noruvongo rwenyu kumadzitateguru enyu zvinozowedzera. Uchapupu hwenyu uye nerutendeuko rwenyu kuMuponesi zvinozova zvakadzika uye zvinozogara kweupenyu hwose. Uye ndinokuvimbisai kuti munozodzivirirwa kubva kurunziro irikusimba zvikuru yemuvengi. Apo pamunotora chinhanho uye nokuda basa iri dzvene, munozochengetedzwa … muupenyu hwenyu hwese” (“The Hearts of the Children Shall Turn,” Ensign kana Liahona (Riahona), Mbudzi 2011, 26–27).