Gadzirira kuenda kuImba yaIshe

Ita kuti chiitiko chako chive chako pachako uye chakanyanya kukosha

Gadzirira kuShanya Kwako kuTemberi

Zvisungo zveMutemberi uye Gwara reChibvumirano

“Temberi iri pakati pekusimbisa rutendo rwedu uye tsungiriro yepamweya nokuti Muponesi nedzidziso Dzake ndizvo chikamu chinokoshesesa chetemberi. Zvese zvinodzidziswa mutemberi, kuburikidza nemirairidzo uye kuburikidza neMweya, zvinowedzera nzwisiso yedu yaJesu Kristu. Zvisungo Zvake zvakakosha zvinotisunganidza kwaAri kuburikidza nezvibvumirano zvehupirisita zvinoera. Zvino, apo patinochengeta zvibvumirano zvedu, Anotipa simba Rake rinoporesa uye rinosimbisa.” (Mutungamiri Russell M. Nelson, “The Temple and Your Spiritual Foundation,” Musangano Mukuru, Gumiguru 2021)

Kugamuchira zvisungo zvemutemberi uye kuchengeta zvibvumirano chikamu chakakosha chekuzvipira kwako kutevera Jesu Kristu. Zvinokubatsirawo kugadzirira kuzodzokera rimwe zuva kunogara Naye uye naBaba vedu Vokudenga. Unokwanisa kuita zvizhinji kuva nechokwadi kuti wagadzirira. Kunzvera vhangeri raJesu Kristu uye kushandisa dzidziso idzodzo muupenyu hwako zvinofanira kusanganisirwa. Kuchengeta zvibvumirano izvo zvawakaita nechekare zvakakosha mukuva kwako wakagadzirira kuenda kutemberi.

Jesu akadzidzisa kuti, “Nokuti suwo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu, vanoiwana vashoma” (Mateo 7:14). Suwo ratinopinda rubhabhatidzo uye nzira yatinotevera ivhangeri Rake. Rubhabhatidzo ndicho chisungo chekutanga chevhangeri uye idanho rinodikanwa mugwara rechibvumirano rekudzokera kuna Mwari.

Zvimwe zvisungo zvinozokutungamirirawo munziramo. Izvi zvinosanganisira kugamuchira Mweya Mutsvene, kugadzwa kuHupirisita hwaMerkizedeki (kuvarume), kugamuchira endaumenti yemutemberi, uye kusunganidzwa mutemberi. Zvisungo zvehupirisita zvinoera izvi zvinotungamirira kumaropafadzo makurusa anopuwa naBaba Vokudenga kuvana Vavo—mufaro wekugara Navo nemhuri dzedu mushure meupenyu huno hwepanyika.

Unogona kunzwa kusava nechokwadi kana kutokurirwa apo paunogadzirira kuenda kutemberi. Usati washanya kokutanga, zvinowanikwa kuzvibvunza kuti maseremoni emutemberi anenge akaita sei. Zvimwe zvinhu zvinozova zvitsva kwauri, asi zvizhinji zvinoitika mutemberi zvinofanira kuva zvaunoziva zvakanyanya nokuti zvose zvakananga pavhangeri raJesu Kristu.

Haufanire kuziva kana kuyeuka zvose apo paunoenda kutemberi. Vashandi wemutemberi varipo nguva dzose kukubatsira. Vazvipiri ava vane rudo uye mutsa. Varipo kukubatsira kunzwa kutambirwa uye kugadzikana muimba yaIshe.

Nekuti wakabhabhatidzwa, unoziva nechekare zvimwe zvinhu pamusoro pezvisungo nezvibvumirano. Unoziva kuti zvine revo yemicherechedzo uye yezvepamweya. Semuenzaniso, wakadzidza kuti rubhabhatidzo rwunomirira kugezeswa uye kuzvarwa zvakare. Wakapfeka zvichena uye ukapinda mumvura. Ane hupirisita akasimudza ruoko rwake uye akataura mashoko echisungo. Zvino wakazovigwa (kunyikwa zvakazara) mumvura uye ukasimuka semunhu mutsva. Waiva wachena uye warurama uye wagadzirira kurarama upenyu hwako semudzidzi akatendeka waJesu Kristu. Mushure mekunge wabhabhatidzwa, wakagamuchira chipo cheMweya Mutsvene apo maoko paakagadzwa pamusoro wako.

Apo pawakabhabhatidzwa, wakaita chibvumirano naMwari. Wakavimbisa kuti waiva nechido chekutora pauri zita raJesu Kristu, kuMurangarira nguva dzose, kuchengeta mirairo Yake, uye kuMushandira kusvika kumagumo. Senhengo yeChechi Yake, unovandudza mukufananidzira chibvumirano chako cherubhabhatidzo uye nezvimwe zvibvumirano zvose apo paunotambira sakaramende.

Zvisungo zvemutemberi zvinotevera mutowo mumwechetewo. Unozopfeka zvichena, ugodzidziswa chirongwa chaMwari, uye wotora chinhano mumaseremoni anoera uye anemicherechedzo. Unozovimbiswawo maropafadzo apo paunobvumira kutevera dzidziso uye muenzaniso waJesu Kristu.

Yeuka kuti zvose zviri mutemberi zvinotinongedzera kuMuponesi uye Baba vedu Vokudenga. Zvose zvine vavariro yekusimudzira uye kukurudzira.

Maoko Akachena uye Mwoyo Wakarurama

Mubhuku raMapisarema, tinobvunzwa kuti, “Ndiani ungakwira mugomo raIshe? kana ndiani ungamira panzvimbo yake tsvene? Uyo una maoko akachena, uye nomwoyo wakanaka kwazvo” (Pisarema 24:3–4). Chikomo chaIshe itemberi Yavo. Hunhu huviri hunotaurwa hwokupinda—maoko akachena uye mwoyo wakarurama.

Vachitaura pamusoro pendima iyi, Gosa David A. Bednar vakati: “Regai ndipe pfungwa yekuti maoko anocheneswa kuburikidza nenzira yekubvisa munhu wenyama uye nekukunda zvivi nepesvedzero dzakaipa muupenyu hwedu kuburikidza neRudzikinuro rweMuponesi. Mwoyo inoruramiswa apo patinogamuchira simba Ravo rinosimbisa kuita zvakanaka uye kuva nani. Mabasa edu ose akakodzera nemabasa akanaka, sekukodzera kwaakaita, haambokwanisa kuumba maoko akachena uye mwoyo wakarurama. Rudzikinuro rwaJesu Kristu ndirwo rwunopa zvose simba rekuchenesa nokununura iro rinotibatsira kukunda zvivi uye simba rinotsvenesa nokusimbisa iro rinotibatsira kuva varinani kupfuura zvatingakwanisa kuita kuburikidza nekuvimba chete nesimba redu pachedu. Rudzikinuro rusina mugumo nderwe zvose mutadzi uye nemutendi ari mune mumwe nemumwe wedu” (“Clean Hands and a Pure Heart,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2007, 82).

Paunogadzirira kuenda kutemberi, unozoshanyirana nabhishopi wako. Unosanganawo nemutungamiri wako wesiteki, kana urikugamuchira endaumenti yako kana kuti uri kusunganidzwa. Mumwe nemumwe wavo anoita bvunzurudzo yebvumiro yekupinda mutemberi. Unozokwanisa kugoverana pfungwa dzako uye nemanzwiro ako navo, uye vanokupa rairo yakafemerwa. Paunopindura mibvunzo yavo, unozosimbisawo kuti une "maoko akachena uye mwoyo wakarurama." Nemamwe manzwi, unotaura kuti wakakodzera uye une chido chekupinda mutemberi, kutora chinhano muzvisungo zvinoera, uye kuchengeta zvibvumirano zvako.

Zvibvumirano Zvinoera Ndezvako Pachako uye Zvinesimba

Paunofambira mberi nemugwara rechibvumirano kuenda kutemberi, unozotanga kuyemura maropafadzo ezvibvumirano zvinoera muupenyu hwako zvakanyanya. Hezvino zvimwe zvinhu zvekufunga nezvazvo pamusoro pekukosha kwezvibvumirano:

1. Zvibvumirano zvinodzamisa hukama hwako naBaba Vokudenga uye naJesu Kristu.

Chibvumirano kazhinji chinotsanangurwa sevimbiso inoera pakati paMwari nevana Vavo. Kunyangwe zvazvo tsananguro iyi iri yemazvo, haina kuzara. Chibvumirano chinopfuura chitenderano. Kuzvipira kwemunhu pachake kunotsanangura uye kunodzamisa hukama hwedu naMwari. Zvibvumirano zvinoumba chisungo chinoera pakati paMwari nevana Vavo. Zvinomutsiridza mweya yedu, zvinoshandura mwoyo yedu, uye zvinotibatsira kuti tibatane Navo. Apo paunotendeka kuzvibvumirano zvako, kuzvipira kwako kuna Baba Vokudenga naJesu Kristu kunozowedzera. Manzwiro ako eruvongo anozowedzera. Kwaniso yako yekuda nekushandira vamwe inozowedzera. Uye maropafadzo akavimbiswa mutemberi anozoyerera kupinda muupenyu hwako.

2. Zvibvumirano zvinokubatsira kunangisa pfungwa pazvinhu zvakanyanya kukosha.

Muupenyu hwako, uchatarisana nesarudzo dzinoda nguva yako, simba rako, uye pfuma yako. Sarudzo zhinji dzakanaka dzinozoita makwikwi nedzimwewo dzakakosha. Unosarudza sei?

Mutungamiri Dallin H. Oaks vakadzidzisa kuti: “Nekuti chete chimwe chinhu chakanaka hachisi chikonzero chakakwana chekuchiita. … Zvimwe zvinhu zvirinani pane kunaka, uye izvi ndizvo zvinhu zvinofanira kuraira ngwariro yezvekukoshesa muupenyu hwedu. … Kumwe kushandisa nguva kwemunhu pachake uye kwemhuri kurinani, uye kumwe kwakanakisisa. Tinofanira kurega zvimwe zvinhu zvakanaka kuitira kuti tisarudze zvimwe zvirinani kana zvakanakisisa nekuti zvinovaka rutendo muna Ishe Jesu Kristu uye zvinosimbisa mhuri dzedu” (“Good, Better, Best,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2007, 104, 107).

Kuburikidza nezvibvumirano, Mwari vanotibatsira kunzwisisa misimboti, tsika, uye vimbiso dzaVanoziva kuti dzakanakisisa kwatiri. Tinokwanisa kuwana kumwe kunzwisisa pane zvikosheswa uye toita sarudzo dzine hungwaru apo patinonangisa pfungwa pekutanga pakuzvipira kunoera ikoko kwatakaita naMwari.

3. Zvisungo nezvibvumirano zvemutemberi zvinoropafadza iwe nevamwe.

Paunogamuchira endaumenti yako kana kusunganidzwa kumurume kana mudzimai wako kana mhuri yako, unozobva mutemberi uine vimbiso kubva kuna Ishe dzakananga kwauri. Kwete chete vimbiso dzakaitwa kune mumwe muporofita wechinyakare kana vanhu, asi vimbiso dzanoitwa kwauri. Unofanira kutsvaga kudzinzwisisa uye zvadzinoreva muupenyu hwako.

Mushure mekugamuchira zvisungo zvako pachako, unokwanisa kudzokera kutemberi kunogamuchira zvisungo pachinzvimbo chevamwe vakafa. Une basa rakakosha rekutsvaga madzitateguru ako uye wova nechokwadi chekuti vanogamuchira zvisungo zvemutemberi. Kushandira kwako kunozoropafadza upenyu hwavo uye kunokuyeuchidza nezve vimbiso nemaropafadzo ako pachako.

Edza Kuyeuka uye Udzokere

Apo paunogadzirira kutora chinhano muzvisungo zvemutemberi, yeuka kuti Mwari ndiBaba vako Vokusingaperi uye Jesu Kristu Mununuri wako. Vanokuziva iwe pachako. Vanokuda zvakakwana. Apo paunochengeta zvibvumirano zvako, unozoropafadzwa muupenyu huno uye hwunotevera.

Unokwanisa kuyeuka here nguva apo pawakanzwa kuva pedyosa naBaba Vokudenga uye naJesu Kristu? Manzwiro iwayo anozokura mutemberi. Temberi yakatsaurwa kubva pazvimhingaidzo, zvishusho, uye pesvedzero dzakaipa dzeupenyu. Munzvimbo tsvene iyi, unoyeuchidzwa kuti iwe nevadikanwi vako muri pano panyika nokuda kwechinangwa chikuru uye chinokudzwa. Unozowana runyararo rukurusa, uye nyaradzo, nhungamiro, netariro hurusa.

Unozowanawo kuti maropafadzo emutemberi anozopinda mumwoyo mako uye osimudzira mweya wako. Dzokera kutemberi kazhinji semakwanisiro aunoita. Paunodaro, unozonzwisisa zvizhinji pamusoro perudo urwo Mwari naJesu Kristu rwavainarwo kwauri nevanhu vose. Kunyangwe mushure mokubva kutemberi, Mweya Mutsvene unozoramba uchikudzidzisa. Unozokuyeuchidza zviitiko zvawakava nazvo, zvawakanzwa, uye kuti ungararama sei sezvinodiwa naMwari.

Apo paunogadzirira kuenda kutemberi, yeuka kuti Mwari vanoda kuti uve pedyo Navo. Vakapa temberi Yavo senzvimbo yakakosha yekuswedera pedyo Navo. Mufaro wako wokusingaperi mufarowo Wavo. Vakatipa maropafadzo etemberi kuti atitungamirire kudzokera kwaVari. Vakumbire rubatsiro Rwavo apo paunogadzirira uye nokugoverana Navo rwendo rwako. Vanozokutungamirira. Vanozokukurudzira. Uye Vanozokubatsira munzira imomo.