Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Zvakazarurwa 12


DJS, Zvazarurwa 12:1–17 (enzanisa Zvakazarurwa 12:1–17; Dzidziso neZvibvumirano 77)

(Mukadzi [Chechi], mwana [umambo hwaMwari], danda resimbi [shoko raMwari], chikara [Satani], naMikaeri zvino tsanangurwa. Hondo yekudenga inoenderera mberi munyika.)

1 Uye kwakaonekwa chiratidzo chikuru mudenga, chakafanana nezvinhu zviri panyika; mukadzi akapfeka zuva, uye mwedzi uri pasi petsoka dzake, uye pamusoro pake korona yenyenyedzi gumi nembiri.

2 Uye mukadzi uyu ari ane pamuviri, akachema, achirwadziwa mukuzvara uye nokurwadziswa mukuda kusununguka.

3 Uye akazvara mwana wechirume, uyo aizotonga ose marudzi nedanda resimbi; uye mwana wake ndokutorwa kuna Mwari nechigaro chavo chehushe.

4 Uye kwakaonekwa chimwe chiratidzo mudenga; uye tarisai, chikara chikuru chitsvuku, chaive nemisoro minomwe nenyanga gumi, uye nemakorona manomwe pamisoro yacho. Uye muswe wacho wakakweva chikamu chechitatu chenyenyedzi dzedenga, uye ndokudzikanda kunyika. Uye chikara chakamira pamberi pemukadzi akanga asununguka, chave kuda kudya mwana wake mushure mekuzvarwa kwake.

5 Uye mukadzi akatizira murenje, umo maakanga aine nzvimbo yakanga yakagadzirwa naMwari, kuti vagomupira kudya ipapo kwemakore anoita chiuru nemazana maviri ane makore makumi matanhatu.

6 Uye kwaive nehondo kudenga; Mikaeri nengirozi dzake vakarwa nechikara; uye chikara nengirozi dzacho zvakarwa naMikaeri;

7 Uye chikara hachina kukurira Mikaeri, kana mwana, kana mukadzi iri iyo chechi yaMwari, yakanga yasunungurwa kurwadziwa kwayo, uye yakaunza umambo hwaMwari vedu naKristu wavo.

8 Hakuna kuwanikwa nzvimbo kudenga yechikara chikuru, icho chakakandwa kunze; zinyoka riya rekare rinonzi dhiabhorosi, uye zvakare rinonzi Satani, iro rinonyengedza pasi rose; akakandwa kunze munyika; uye nengirozi dzake dzakakandwa pamwechete naye.

9 Uye ndakanzwa izwi guru richiti kudenga, Zvino kwauya ruponeso, nesimba, neumambo hwaMwari vedu, nesimba raKristu wavo;

10 Nokuti mupomeri wehama dzedu akakandwa pasi, uyo akange achivapomera pamberi paMwari vedu siku nesikati.

11 Nokuti vamukurira neropa reGwayana, uye nezwi reuchapupu hwavo; nokuti vakanga vasingade upenyu hwavo, asi vakachengeta uchapupu kunyangwe kusvika murufu. Nokudaro, farai matenga, uye nemi munogara maari.

12 Uye mushure mezvinhu izvi ndakanzwa rimwe izwi richiti, Dambudziko kuvagari vepasi, hongu, uye neavo vachagara muzvitsuwa zvegungwa! nokuti dhiabhorosi auya pasi kwamuri, aine hasha zvikuru, nokuti anoziva kuti ane nguva shoma-shoma chete.

13 Nokuti chikara pachakaona kuti chakandwa pasi, chakashungurudza mukadzi uyo akabereka mwana wechirume.

14 Naizvozvo, kumudzimai kwakapihwa mapapiro maviri egondo guru, kuti agone kutizira murenje, munzvimbo yake, umo maachachengetwa kwechinguvana, uye nenguva, uye nechidimbu chenguva, kubva pameso penyoka.

15 Uye nyoka inoburitsa kubva mumuromo mayo mvura semafashamu shure kwemukadzi, kuti zvimwe ingaite kuti atorwe nemafashamu.

16 Uye pasi panoyamura mukadzi, uye pasi panoshama muromo wapo, uye pomedza mafashamu ayo iri kuburitswa nechikara mumuromo macho.

17 Naizvozvo, chikara chakashatirirwa mukadzi, uye chikaenda kunoita hondo nezvizvarwa zvembeu yake, iyo inochengeta mirairo yaMwari, uye iine uchapupu hwaJesu Kristu.