“Kuitira Vatungamiri—Kusuma noKutsigira Vadzidzisi,” Kudzidzisa neNzira yeMuponesi: Kuitira Avo Vose Vanodzidzisa Mumba uye muChechi (2022)
“Kusuma noKukurudzira Vadzidzisi,” Kudzidzisa neNzira yeMuponesi
Kuitira Vatungamiri—Kusuma noKutsigira Vadzidzisi
Semutungamiri, une basa “rekusangana navadzidzisi vachangodaidzwa” mubato rako uye “kuvabatsira kugadzirira daidzo dzavo” (General Handbook, 17.3, Gospel Library). Misangano iyi ndiyo mukana wokusuma vadzidzisi vatsva kudaidzo dzavo dzinoera uye kuvakurudzira nechiratidzo cheizvo zvazvinoreva kudzidzisa neNzira yeMuponesi. Semutungamiri, unokwanisa kubatsira vadzidzisi vatsva kugadzirira kushandira kuburikidza nokuita zvinotevera:
-
Taura ruvimbo rwokuti Muponesi anozovabatsira mudaidzo dzavo (ona Dzidziso neZvibvumirano 88:78).
-
Ipa vadzidzisi vatsva kopi yebhuku rino, uye wovakurudzira kutsvaga nzira dzekushandisa nadzo misimboti yaro mukudzidzisa kwavo.
-
Goverana nevadzidzisi vatsva zvinhu zvipi zvazvo pamusoro pebato renyu izvo zvinozova zvinobatsira kwavari kuti vazive.
-
Sekudikanwa kwazvinoitwa, taurira vadzidzisi vatsva mupanda wekudzidzisira uye chidzidzo chokutanga nacho. Ipa ruzivo rupi zvarwo rwavanoda pamusoro pekirasi yavo uye pamusoro penhengo dzekirasi yavo.
-
Tsanangura kuvadzidzisi vatsva kuti unokwanisa kuvabatsira nedaidzo yavo. Ipa tsigiro mukirasi uye vape zvishandiso zvekudzidzisa zvinodikanwa.
-
Taura chido chako chekuona makirasi evadzidzisi nguva nenguva, uye ipa pfungwa dzako sekufemerwa kwaunoitwa neMweya.
-
Koka vadzidzisi kuti vatore chinhanho mumisangano yedare revadzidzisi inoitwa mushure memwedzi mitatu yoga yoga pagore.
Nemukushandira kwose kwavadzidzisi, enderera mberi nokusangana navo nguva nenguva kuti uvape tsigiro inoenderera. Semuenzaniso, unokwanisa kuva nehurukuro pfupi nemudzidzisi kirasi isati yatanga kana kuti yapera kuti mukurukure misimboti yeTeaching in the Savior’s Way (Kudzidzisa neNzira yeMuponesi). Bvunza mudzidzisi pamusoro pezvaanonzwa kuti ari kuita zvakanaka uye nzira dzaanoda kunatsurudza. Vakurudzire zvine tsitsi uye neruvongo nokuda kwokushandira kwavanopa.
Unokwanisa kugadzirira hurukuro idzi nokuwongorora mudzidzisi achidzidzisa. Tsvaga kunzwisisa zvirinani kwaniso dzemudzidzisi uye wowana nzira dzaunokwanisa kupa rutsigiro nadzo. Kukudziridza pakwaniso yemudzidzisi kwakangokoshawo sokudoma mikana yekunatsurudza nayo.