Kudzidzisa nemuNzira yeMuponesi: Kuitira Avo Vose Vanodzidzisa Mumba uye muChechi Chisumo Shoko kubva kuHutungamiri HwekutangaBhuku rino rinokwanisa kuva nhungamiro yako yekudzidza pamusoro pemadzidzisiro aiita Muponesi. Apo paunoedza kudzidzisa nemunzira Yake, Anozokubatsira kuva mudzidzisi waAnoziva kuti unokwanisa kuva. Chinangwa cheKudzidzisa nemuNzira yeMuponesiMisimboti yakatsanangurwa mubhuku rino inokwanisa kubatsira mudzidzisi wevhangeri woga woga kudzidzisa nemunzira yeMuponesi Chikamu 1: Nangisa pfungwa panaJesu Kristu Chikamu 1: Nangisa pfungwa panaJesu Kristu Dzidzisa pamusoro paJesu Kristu Zvisina Mhosva Nokuti Uri Kudzidzisa ChiiZvisina mhosva nokuti uri kudzidzisa chii, rangarira kuti chokwadi uri kudzidzisa pamusoro paJesu Kristu uye kuti tingava saIye sei. Batsira Vadzidzi Kuuya kuna Jesu KristuHapana chaungaita semudzidzisi chinozoropafadza vadzidzi kupfuura kuvabatsira kuziva Baba Vokudenga naJesu Kristu uye kunzwa rudo Rwavo (ona Johane 17:3). Chikamu 2: Misimboti yeKudzidzisa Kwakafanana nekwaKristu Chikamu 2: Misimboti yeKudzidzisa Kwakafanana nekwaKristu Ida Avo VaunodzidzisaApo rudo rweMuponesi parunenge ruri mumwoyo yedu, tinotsvaka nzira yose inokwanisika yokubatsira vamwe kudzidza nezva Kristu uye kuuya kwaAri. Rudo runova kurudziro yokudzidzisa kwedu. Dzidzisa kuburikidza neMweyaApo paunodzidzisa vhangeri raJesu Kristu, unokwanisa kuva neMweya Mutsvene uinewe kuti ukutungamirire uye nokupupura nezvechokwadi kupfungwa nemwoyo yeavo vaunodzidzisa (ona Dzidziso neZvibvumirano 8:2). Dzidzisa DzidzisoUnokwanisa kudzidzisa nesimba, sezvaiitwa neMuponesi, kuburikidza nokudzidzisa dzidziso yaBaba. Kurudzira Kudzidza NekushingairaApo patinotevera muenzaniso weMuponesi, tinokoka avo vatinodzidzisa kukumbira, kutsvaka, uye kugogodza—uye zvino vozowana (ona Mateo 7:7–8). Chikamu 3: Zvibatsiro neMazano Chaizvo Zvokushandisa Chikamu 3: Zvibatsiro neMazano Chaizvo Zvokushandisa Mazano eMamiriro eZvinhu eKudzidzisa Akasiyana siyana uye Vadzidzi Vakasiyana siyanaChikamu chino chinopa mamwe mazano akanangana navadzidzi vakasiyana siyanauye mamiriro ezvinhu ekudzidzisa akasiyana siyana. Muenzaniso weChinyorwa cheKuronga ChidzidzoHeuno muenzaniso wechingangogona kuva chinyorwa chekuronga chidzidzo. Kuzvinatsurudza soMudzidzisi Akafanana naKristu—Kuzviwongorora Kwako PachakoSevadzidzisi, tinofanira kuwongorora nguva nenguva kwaniso dzedu neutera hwedu kuitira kuti tikwanise kunatsurudza kwaniso yedu yokubatsira vadzidzi kuvaka rutendo muna Jesu Kristu uye kuva saIye zvakanyanya. Kuitira Vatungamiri—Kubatsira Vadzidzisi Kuti VabudirireApo paunosangana navadzidzisi, funga nzira dzokuvasimbisa uye nokuvakurudzira netsitsi uye neruvongo nekushandira kwavanopa.