Kudzidzisa nemuNzira yeMuponesi
Misangano yeDare reVadzidzisi—yeVabereki uye neVadzidzisi Vakadaidzwa


“Misangano yeDare reVadzidzisi—Kuitira Vabereki uye neVadzidzisi Vakadaidzwa,” Kudzidzisa neNzira yeMuponesi: Kuitira Avo Vose Vanodzidzisa Mumba uye muChechi (2022)

“Misangano yeDare reVadzidzisi,” Kudzidzisa neNzira yeMuponesi

Kirasi yeChikoro cheSvondo

Misangano yeDare reVadzidzisi—yeVabereki uye neVadzidzisi Vakadaidzwa

Wadhi yoga yoga inofanira kuita misangano yedare revadzidzisi mushure memwedzi mitatu yoga yoga pagore, zvose yevabereki uye nevadzidzisi vakadaidzwa muwadhi. Mumisangano iyi, vabereki nevamwe vadzidzisi vanokwanisa kurairana pamwechete pamusoro pemisimboti yekudzidzisa kwakafanana nekwaKristu (ona General Handbook: Serving in The Church of Jesus Christ of Latter-day Saints, 13.4, 13.5, 17.4, 17.5, Gospel Library).

Mhando dzose dzemisangano yedare revadzidzisi dzinoitwa kamwechete mushure memwedzi mitatu yepagore panguva yekirasi yemaminitsi makumi mashanu pamusi weSvondo.

Misangano yeDare raVadzidzisi yeVabereki

Ndiani Anotungamirira Misangano Iyi? Kazhinji, nhengo yehutungamiri hweChikoro cheSvondo ndiyo inotungamirira misangano yedare ravadzidzisi yevabereki. Zvisinei, vehubhishopiriki vanogona kupa dzimwe nhengo dzewadhi basa rekutungamirira misangano pane dzimwe nguva.

Dare rewadhi, neruyamuro kubva kuvatungamiri veChikoro cheSvondo, rinotaririra misangano yedare revadzidzisi yevabereki. Vanorairana pamwechete pamusoro pezvidikanwi zvevabereki uye zvemhuri, uye vanoshanda pamwechete kuti vasarudze kuti ndeipi misimboti kubva muKudzidzisa neNzira yeMuponesi inozonyatsozadzikisa zvidikanwi izvozvo.

Ndiani Anofanira Kupinda Misangano Yacho? Dare rewadhi rinosarudza kukoka vamwe vabereki kana kubvumira kuti vanhu vose vanoda kutora chinhanho vapinde.

Misangano Iyi Inofanira Kuitwa Riinhi? Misangano yedare revadzidzisi yevabereki inokwanisa kuitwa paSvondo ipi zvayo, sekusarudza kunenge kwaitwa nedare rewadhi.

Misangano yeDare raVadzidzisi yeVadzidisi Vakadaidzwa

Ndiani Anotungamirira Misangano Iyi? Kazhinji, nhengo yehutungamiri hweChikoro cheSvondo ndiyo inotungamirira misangano yedare ravadzidzisi yevadzidzisi vakadaidzwa. Zvisinei, vehubhishopiriki vanogona kupa dzimwe nhengo dzewadhi basa rekutungamirira misangano pane dzimwe nguva.

Dare rewadhi, neruyamuro kubva kuvatungamiri veChikoro cheSvondo, rinotaririra misangano yedare ravadzidzisi yevadzidzisi vakadaidzwa. Vanorairana pamwechete pamusoro pezvidikanwi zvevadzidzisi uye zvevadzidzi, uye vanoshanda pamwechete kuti vasarudze kuti ndeipi misimboti kubva muTeaching in the Savior’s Way (Kudzidzisa neNzira yeMuponesi) inozonyatsozadzikisa zvidikanwi izvozvo.

Ndiani Anofanira Kupinda Misangano Yacho? Munhu wose anodzidzisa chikwata kana kirasi muwadhi anofanira kupinda misangano yedare revadzidzisi. Nhengo dzehutungamiri hwezvikwata nehwemapato dzinokokwawo.

Misangano Iyi Inofanira Kuitwa Riinhi? Vadzidzisi vanopinda mumisangano yedare ravadzidzisi pamusi weSvondo apo pavanenge vasingadzidzise kirasi dzavo dzemazuva ose.

  • Vadzidzisi veChikwata cheHupirisita, veBato reRubatsiro, uye veVasikana veChidiki vanokwanisa kupinda misangano yacho paSvondo yokutanga kana yechitatu, sekusarudza kunenge kwaitwa nevatungamiri vemunzvimbo.

  • Vadzidzisi veChikoro cheSvondo vanokwanisa kupinda misangano yacho paSvondo yechipiri kana yechina, sekusarudza kunenge kwaitwa nevatungamiri vemunzvimbo.

  • Vadzidzisi vePuraimari vanokwanisa kupinda misangano yacho paSvondo ipi zvayo, sekusarudza kunenge kwaitwa nevatungamiri vemuwadhi vePuraimari neChikoro cheSvondo. Kana zvichidiwa, vadzidzisi vePuraimari vanogona kusangana pavo vega kubva kune vamwe vadzidzisi kuti varairane pamusoro pezvinhu izvo zvinoenderana chete nekudzidzisa vana. Izvi zvinokwanisa kuitika panguva yekuimba yemaminitsi makumi maviri, misangano yeSvondo yemazuva ose isati yaitwa kana mushure mokunge yaitwa, kana pane rimwe zuva revhiki. Misangano inopfuura mumwechete yedare revadzidzisi inogona kuitwa mushure memwedzi mitatu yoga yoga navadzidzisi vePuraimari kuitira kuti vose vasatadza kuenda kumakirasi ePuraimari muvhiki imwecheteyo. (Cherechedza: Apo pazvinodiwa, vatungamiri vePuraimari vanopa basa rokudzidzisa kune dzimwe nhengo kuti dzifanodzidzisa, vanosanganisa makirasi, kana kuti vanoita zvimwe zvirongwa kuitira kubvumira vadzidzisi vePurairami kuti vapinde misangano yedare revadzidzisi.)

Chimiro cheMisangano

Misangano yeDare reVadzidzisi—zvose yevabereki neyevadzidzisi vakadaidzwa—inotevedzera chimiro ichi:

  1. Goveranai nekurairana pamwechete (kwemaminitsi makumi maviri). Koka vabereki kana vadzidzisi kuti vagovere izvo zviri kushanda zvakanaka apo pavanodzidzisa vhangeri kumba kana mumakirasi avo. Vanokwanisawo kugovera matambudziko avanosangana nawo kana zvinhu zvavanoda kunatsurudza.

  2. Dzidzai pamwechete (mumamitsi gumi nemashanu). Kurukura nevabereki kana vadzidzisi imwe yemisimboti iri muTeaching in the Savior’s Way (Kudzidzisa neNzira yeMuponesi). Huyai, Munditevere rinokwanisa kushandiswa sechishandiso muhurukuro idzi.

  3. Ronga uye koka (mamitsi angangoita gumi). Koka vabereki kana vadzidzisi kuti vagovere izvo zvavadzidza panguva yemusangano uye kuti vanoronga kuzvishandisa sei.

6:15