2022
Kutsiga muMadutu
Chivabvu 2022


“Kutsiga muMadutu,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Chivabvu 2022.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Chivabvu 2022

Kutsiga muMadutu

Zvikamu Zvakatorwa

Mufananidzo
imba yechiedza

Kuna avo vedu isu vanonetsekana pamusoro pedu pachedu uye pamusoro paavo vatinoda, kune tariro muvimbiso Mwari yavakaita yenzvimbo yoruchengeteko mumadutu ari mberi. …

Mashoko ehuporofita amambo Benjamini anoshanda kwatiri muzuva redu. …

Akakoka vanhu vake uye nesu kuvakira padombo chete rakasimba reruchengeteko, uyo anova Muponesi. Akajekesa kuti takasungunuka kusarudza pakati pechakanaka nechakaipa uye kuti hatikwanisi kudzivirira mhedzisiro dzesarudzo dzedu. …

Hunhu hwedu hwunoshanduka kuva semwana mudiki, tichiteerera kuna Mwari uye nokuva tinonyanya kuda. Rushanduko irworwo rwunozoita kuti tikodzere kuwana zvipo zvinouya kuburikidza neMweya Mutsvene. Kuva nehufambidzani hweMweya kunozotinyaradza, kutitungamira, uye nokutiporesa. …

Apo madutu muupenyu paanouya, unokwanisa kutsiga nokuda kwokuti wakamira padombo rorutendo rwako muna Jesu Kristu. Rutendo irworwo rwunozotungamira kurutendeuko rwezuva nezuva uye kukuchengeta zvibvumirano nguva dzose. Zvino unozoMurangarira nguva dzose. Uye kuburikidza nemadutu eruvengo nohunyangadzi, unozonzwa kutsiga uye tariro. …

… Semwana munyoro uye ane rudo, tambira rubatsiro Rwake. Ita uye chengeta zvibvumirano zvaAnopa muChechi yaJesu Kristu yaVatendi Vamazuva Ekupedzisira. Zvinozokusimbisa. Muponesi anoziva madutu uye nzvimbo dzeruchengeteko munzira yokuenda kumusha kwaAri uye kuna Baba vedu Vokudenga. Anoziva nzira yacho. Ndiye Nzira.