2022
Simba roRugwinyo rweZvepamweya
Chivabvu 2022


Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Chivabvu 2022

Simba roRugwinyo rweZvepamweya

Ndinoda kupa zano rezviito chaizvo zvishanu zvatinokwanisa kuita kutibatsira kuramba tiine rugwinyo rwezvepamweya rwakanaka.

Mabhuratha nemasisita angu anodiwa, ndinokudai. Ndinokudza mukana uno wokutaura nemi nhasi. Ndinonamata zuva nezuva kuti munozodzivirirwa kubva kukurwisa kunotyisa kwemuvengi uye kuti munozova nesimba rokuenderera mberi nemumiedzo ipi zvayo yamunotarisana nayo.

Mimwe miedzo mitoro yomuchivande yakadzama zvikuru zvokuti hakuna mumwe anokwanisa kuiona. Mimwe inoitika mudariro rapanyika pose. Hondo yerwisano kumabvazuva kweEurope ndeimwe yemiedzo yakadaro. Ndakaenda kuUkraine nokuRussia nguva zhinji. Ndinoda nyika idzodzo, vanhu vadzo, uye nemitauro yavo. Ndinochema nokunamatira avo vose vari kutambura nerwisano iyi. Sechechi tiri kuita zvose zvatinokwanisa kubatsira avo varikutambudzika nokunetseka kuti vararame. Tinokoka munhu wose kuti arambe achitsanya nokunamatira vanhu vose vari kurwadziswa nokukuvadzwa nedambudziko gurusa iri. Hondo ipi neipi zvayo kutyorwa kwakaipisisa kwezvinhu zvose izvo Ishe Jesu Kristu zvaanomirira nokudzidzisa.

Hapana wedu anokwanisa kudzora nyika kana zviito zvavamwe vanhu kana kunyangwe nhengo dzemhuri dzedu pachedu. Asi tinokwanisa kuzvidzora isu pachedu. Daidzo yangu nhasi, mabhuratha namasisita anodiwa, ndeye kugumisa rwisano dziri kupisa mumwoyo yenyu, mudzimba dzedu, uye nemuupenyu hwenyu. Vigai zvido zvose uye zvipi zvazvo zvamungava nazvo zvokurwadzisa vamwe—kana zvido izvozvo zvingava hasha, rurimi runotaura zvine utsinye, kana ruvengo kune mumwe munhu akakurwadzisa. Muponesi akatiraira kuti tinofanira kucheutsa rimwe dama,1 kuda vavengi vedu, uye kunamatira avo vanotitambudza.2

Zvinokwanisa kuva zvakaoma zvinorwadza kusiya kutsamwa uko kwaunonzwa sekwakafanira. Zvinokwanisa kuratidzika sezvisingabviri kuregerera avo vane zviito zvavo zvoruparadzo zvarwadzisa nokukuvadza vasina mhosva. Asi zvakadaro, Muponesi akatiyambira “kuregerera vanhu vose.”3

Tiri vateveri veMuchinda woRunyararo. Iyezvino kupfuura dzimwe nguva dzose, tinoda runyararo urwo Iye chete rwaanokwanisa kuunza. Tingatarisira sei runyararo kuti ruvepo panyika apo isu savanhu pachavo patinenge tisingatsvaki runyararo neruyanano? Mabhuratha nemasisita, ndinoziva kuti mazano andiri kupa haasi nyore kuita. Asi vateveri vaJesu Kristu vanofanira kumisa muenzaniso wokuti nyika yose itevere. Ndinokutetererai kuti muite zvose zvamunokwanisa kugumisa rwisano dzenyu pachenyu idzo parizvino dziri kupisa mumwoyo yenyu uye nemuupenyu hwenyu.

Ndingasimbisisa daidzo iyi nekurudziro yokuti muzviite nokukurukura pfungwa yandayeuchidzwa nezvayo chinguva chipfupi chapfuura icho apo pandaiva ndichiona mutambo webhasiketibhoro.

Mumutambo iwoyo, chikamu chokutanga chaiva makwikwi okuti imwe timu yokunda imwe yokunda, zvichingodaro. Zvino, panguva yemasekonzi mashanu okupedzisira echikamu chokutanga, mutambi wechinzvimbo chagadhi wekune imwe timu akamwisa bhora zvakavapa mapoinzi matatu. Nesekondi imwechete yaiva yasara, mumwe wake mutambi akabata bhora kubva kutimu yavaikwikwidzana nayo uye akarimwisa bhora chikamu chokutanga chichiguma. Saka timu iyoyo yakaenda mumupanda wokuzororera iri mberi nemapoinzi mana uye ichinzwa budiriro norugwinyo rukuru. Vakakwanisa kuramba vaine rugwinyo irworwo muchikamu chechipiri uye vakahwinha mutambo wacho.

Rugwinyo ipfungwa inesimba guru. Tose takamborunzwa neimwe nzira—somuenzaniso, mumotokari inotanga kumhanya zvikuru kana nekusawirirana uko kunoerekana kwashanduka kuva kupopotedzana.

Saka ndinobvunza, chii chinotungidza rugwinyo rwezvepamweya? Taona mienzaniso yezvose rugwinyo rwakanaka nerwakaipa. Tinoziva vateveri vaJesu Kristu avo vakatendeutswa uye vakakura murutendo. Asi tinozivawo vatendi avo vaimbozvipira vakatsauka. Rugwinyo runokwanisa kurerekera kudivi ripi zvaro.

Mufananidzo
musikana wechidiki

Hatina kumboda kuda rugwinyo rwezvepamweya rwakanaka kupfuura zvatinoita iyezvino, kuti tidzivirire kusimba nokukurumidza kuri kuita zviratidzo zvenguva zvohuipi uye zverima. Rugwinyo rwezvepamweya rwakanaka runozotichengeta tichifambira mberi pakati pekutya nokusagadzikana kunounzwa nematenda, namadutu emvura, kuputika kwemakomo, uye nehondo. Rugwinyo rwezvepamweya runokwanisa kutibatsira kukunda kurwisa kusina mugumo uye kwakaipa kwemuvengi uye nokudzivirira kuedza kwake kuparadza hwaro hwezvepamweya hwedu pachedu.

Zviito zvizhinji zvinokwanisa kutungidza rugwinyo rwezvepamweya rwakanaka. Kuteerera, rudo, runinipo, mushando, uye ruvongo4 ndizvo zvimwe zvishoma zvazvo.

Nhasi ndinoda kupa zano rezviito zvishanu chaizvo zvatinokwanisa kuita kutibatsira kuramba tiine rugwinyo rwezvepamweya rwakanaka.

Chokutanga: Pindai munzira yechibvumirano uye moramba murimo.

Chinguva chipfupi chapfuura icho, ndakaita chiroto chaiva chakajeka umo machiri ndakasangana neboka guru ravanhu. Vakandibvunza mibvunzo mizhinji, wainyanya kubvunzwa waiva pamusoro penzira yechibvumirano uye kuti sei yakakosha kudaro.

Muchiroto changu, ndakatsanangura kuti tinopinda munzira yechibvumirano kuburikidza nokubhabhatidzwa uye nokuita chibvumirano chedu chokutanga naMwari.5 Nguva yoga yoga yatinotora sakaramende, tinovimbisa zvakare kutora zita reMuponesi patiri, kuMurangarira, uye nokuchengeta mirairo Yake.6 Mukudzorera, Mwari vanotivimbisa kuti nguva dzose tinokwanisa kuva neMweya waIshe uinesu.

Pashure tinoita zvimwe zvibvumirano mutemberi, umo matinotambira vimbiso dzakatonyanya kukura. Zvisungo nezvibvumirano zvinotipa mvumo yokuwana simba raMwari. Nzira yechibvumirano ndiyo chete nzira inotungamirira kukusimudzirwa kumusoro-soro uye kuupenyu hwokusingaperi.

Muchiroto changu, mumwe mudzimai akabvunza kuti munhu uyo akatyora zvibvumirano zvake angakwanisa sei kudzokera munzira iyoyo. Mhinduro yangu kumubvunzo wake inotungamira kuzano rangu rechipiri:

Wanai mufaro werutendeuko rwezuva nezuva.

Rutendeuko rwakakosha sei? Aruma akadzidzisa kuti hatifaniri “kuparidza chimwe chinhu kunze kwokunge ruri rutendeuko norutendo muna Ishe.”7 Rutendeuko runodikanwa kubva kumunhu wose anozvidavirira anoda kubwinya kwokusingaperi.8 Hakuna anosiiwa nazvo. Muzvakazarurwa kuMuporofita Joseph Smith, Ishe vakatsiura vatungamiri veChechi vokutanga nokuda kwokusadzidzisa vhangeri kuvana vavo.9 Kutendeuka kwakakosha zvikurusa kukufambira mberi. Rutendo rwakarurama runotichengeta tichifambira mberi munzira yechibvumirano.

Ndapota musatya kana kunonoka kutendeuka. Satani anofara murusuwo rukuru rwenyu. Rugumisei rusati rwakura. Bvisai runziro yake kubva muupenyu hwenyu! Tangai nhasi kunzwa mufaro wokuisa munhu wenyama padivi.10 Muponesi anotida nguva dzose asi kunyanya apo patinotendeuka. Akavimbisa kuti kunyangwe “makomo angabva, uye zvikomo zvingabviswa … unyoro hwangu haungabvi kwauri.”11

Kana muchinzwa kuti makatsauka kubva munzira yechibvumirano kuenda kuresa kana kuti kwenguva yakarebesa uye hamuna nzira yokudzoka nayo, izvi hazvisi chokwadi zvachose.12 Ndapo taurai nabhishopi wenyu kana nemutungamiri webazi wenyu. Ndiye mumiririri waIshe uye anozokubatsirai kunzwa mufaro nezororo zvekutendeuka.

Zvino, yambiro: Kudzokera munzira yechibvumirano hazvirevi kuti upenyu hwunozova nyore. Nzira iyi inogozha uye dzimwe nguva inozonzwika semukwidza wakakwiririsa.13 Mukwidza uyu, zvisinei, wakagadzirirwa kutiyedza nokutidzidzisa, kunatsurudza hunhu hwedu, uye kutibatsira kuva vatendi. Ndiyo chete nzira inotungamirira kukusimudzirwa kumusoro-soro. Mumwe muporofita14 akatsanangura “mamiriro ekuropafadzwa nokufara kwaavo vanochengeta mirairo yaMwari. Nokuti tarisai, vakaropafadzwa muzvinhu zvose, zvose panyama napamweya; uye kana vakaramba vakatendeka kusvikira kumagumo vanogamuchirwa kudenga … [uye] vanogara naMwari mumamiriro emufaro usingaperi.”15

Kufamba munzira yechibvumirano, kwakasanganiswa nerutendeuko rwezuva roga roga, kunotsigira rugwinyo rwezvepamweya rwakanaka.

Mufananidzo
mudzimai achiona musangano mukuru

Uruguay

Zano rangu rechitatu: Dzidzai pamusoro paMwari uye mashandiro aVanoita.

Chimwe chezvinhu zvakaoma zvikurusa nhasi ndechokuziva musiyano pakati pezvokwadi zvaMwari namanyepo aSatani. Ndiko kusaka Ishe vachitiyambira kuti “namatai nguva dzose, … kuti [ti]kurire Satani, uye … kuti [ti]pukunyuke mumaoko avaranda vaSatani avo vanosumudzira basa rake.”16

Mosesi akapa muenzaniso wamaziviro atingaita pakati paMwari naSatani. Apo Satani paakauya achiedza Mosesi, akaziva hunyengedzi hwake nokuda kwokuti akanga achangotaura akatarisana chiso nechiso naMwari. Mosesi akaziva nokukurumidza kuti Satani aiva ani uye akamuraira kuti abve.17 Apo Satani paakaramba achienderera, Mosesi akaziva madaidziro okuita kuna Mwari kuti awane rubatsiro. Mosesi akatambira simba rehumwari uye akatsiura uyo akaipa zvakare, achiti; “Ibva pandiri Satani, nokuti ava Mwari vamwechete ndivochete vandichanamata.”18

Tinofanira kutevera muenzaniso iwoyo. Bvisai runziro yaSatani kubva muupenyu hwenyu! Ndapota regai kumutevera kudzika “kumukaha wake werusuwo rukuru uye nenhamo isingaperi.”19

Nechimbidzo inotyisa, uchapupu husingapuwi zvokudya zuva nezuva “kuburikidza neshoko rakanaka raMwari”20 hwunokwanisa kutsakatika. Nokudaro, mushonga wokukunda zvirongwa zvokunyengedza zvaSatani uri pachena: tinoda zviitiko zvezuva nezuva zvokunamata Ishe nokudzidza vhangeri Ravo. Ndinoteterera kwamuri kuti regai Mwari vagare nguva dzose muupenyu hwenyu. Vapei mugove wakafanira wenguva yenyu. Apo pamunoita kudaro, cherechedzai zvinoitika kurugwinyo rwenyu rwezvepamweya rwakanaka.

Zano nhamba 4: Tsvakai uye tarisirai zvishamiso.

Moronai akativimbisa kuti “Mwari havana kurega kuva Mwari vezvishamiso.”21 Bhuku roga roga rezvinyorwa zvitsvene rinoratidza madiro anoita Ishe kupindira muupenyu hwaavo vanotenda maVari.22 Vakaparadzanisa Gungwa Dzvuku kuitira Mosesi, vakabatsira Nifai kutora mahwendefa endarira, uye vakadzorera Chechi Yavo kuburikidza naMuporofita Joseph Smith. Chimwe nechimwe chezvishamiso izvi chakatora nguva uye pamwe chaiva chisiri izvo chaizvo vanhu ivavo zvavakanga vakumbira pokutanga kubva kuna Ishe.

Nenzira imwecheteyo, Ishe vanozokuropafadzai imi nezvishamiso kana muchitenda maVari, “musina chamunoshaya chokwadi nacho.”23 Itai basa rezvepamweya kutsvaka zvishamiso. Nomunamato kumbirai Mwari kuti vakubatsirei kushandisa rudzi irworwo rwerutendo. Ndinovimbisa kuti munokwanisa kuzvinzwira imi pachenyu kuti Jesu Kristu “vanoziya unovapa simba; unoshaiwa simba anomuwedzera simba rake.”24 Zvinhu zvishoma zvinozokurumidzisa rugwinyo rwezvepamweya rwenyu kupfuura kuziva kuti Ishe varikukubatsirai kusudurutsa gomo riri muupenyu hwenyu.

Mufananidzo
mhuri ichiona musangano mukuru

Taiwan

Zano nhamba 5: Gumisai rwisano iri muupenyu hwenyu pachenyu.

Ndinodzokorora daidzo yangu yokugumisa rwisano dziri muupenyu hwenyu. Shandisai kuzvininipisa, ushingi, uye nesimba zvinodikanwa zvose kuitira kuregerera uye kutsvaka ruregerero. Muponesi akavimbisa kuti “kana [ti]karegerera vanhu zvitadzo zvavo, Baba [vedu] vokudenga vanozotiregererawo [isu].”25

Mavhiki maviri kubva nhasi tinopemberera Isita. Pakati penguva ino nenguva iyoyo, ndinokukokai kutsvaka mugumo kurwisano dzenyu pachenyu idzo dzakakuremerai. Kunokwanisa here kuva nechiito chinonyanya kukodzera cheruvongo kuna Jesu Kristu nokuda kweRudzikinuro Rwake? Kana ruregerero parizvino ruchitaridzika sorusingabviri, tetererai muwane simba kuburikidza neropa rinodzikunura raJesu Kristu kuti rikubatsirei. Apo pamunoita kudaro, ndinovimbisa runyararo rwenyu pachenyu uye rugwinyo rwezvepamweya rukurusa.

Apo Muponesi paakadzikinura vanhu vose, Akazarura nzira yokuti avo vanoMutevera vakwanise kuwana simba rokuporesa, rokusimbisa, uye rokununura Rake. Maropafadzo ezvepamweya aya anowanikwa naavo vose vanotsvaka kuMunzwa uye nokuMutevera.

Mabhuratha naMasisita angu anodiwa, netetero dzose dzomwoyo wangu, ndinokukurudzirai kuti mupinde munzira yechibvumirano uye murambe murimo. Wanai mufaro wekutendeuka zuva nezuva. Dzidzai pamusoro paMwari uye mashandiro Avanoita. Tsvakai nokutarisira zvishamiso. Edzai kugumisa rwisaniso dziri muupenyu hwenyu.

Apo pamunoita chimwe chinhu pazviitwa izvi, ndinokuvimbisai kwaniso yokufambira mberi munzira yechibvumirano nerugwinyo rwakawedzerwa, zvisinei nezvimhingamupinyi zvipi zvazvo zvamunotarisana nazvo. Ndinokuvimbisai simba gurusa rokukunda zviedzo, runyararo rwakawanda rwepfungwa, rusununguko kubva mukutya, uye kubatana kukurusa mumhuri dzenyu.

Mwari vanorarama! Jesu ndiye Kristu! Anorarama! Anotida uye anozotibatsira. Nezve izvi ndinopupura muzita rinoera reMununuri wedu Jesu Kristu, ameni.

Manotsi

  1. Ona 3 Nifai 12:39.

  2. Ona 3 Nifai 12:44.

  3. Dzidziso neZvibvumirano 64:10; Onawo ndima 9.

  4. Sokutaura kwakaita muApositora Paul kuti “Vongai pazvinhu zvose” (1 Vatesaronika 5:18). Mumwe wemishonga yechokwadi wekukunda kupererwa, kuora mwoyo, uye kushaya simba mune zvepamweya ndowokuva neruvongo. Ndezvipi zvimwe zvinhu izvo zvatinokwanisa kupa ruvongo nazvo kuna Mwari? Vavongei nokuda kwerunako rwapanyika, nokuda kweKudzorerwa kwevhangeri, uye nokuda kwenzira dzisingaverengeki Ivo neMwanakomana Wavo dzavanoita kuti simba Ravo rivepo kwatiri panyika pano. Vavongei nokuda kwamagwaro matsvene, nokuda kwengirozi dzinopindura kuteterero dzedu kuna Mwari dzorubatsiro, nokuda kwezvakazarurwa, uye nokuda kwemhuri dzokusingaperi. Uye kupfuura zvose, vongai Mwari nokuda kwechipo cheMwanakomana Wavo uye Rudzikinuro rwaJesu Kristu, urwo rwunoita kuti zvikwanisike kwatiri kuzadzikisa mabasa ayo atakatumirwa panyika.

  5. Kuitira kunzwisisa nzira yechibvumirano, zvakakosha kunzwisisa kuti chibvumirano chinosanganisira kuzvipira kwavaviri pakati paMwari nemumwe wavana Vavo. Muchibvumirano, Mwari vanomisa zviga, uye isu tinobvuma kuzviga izvozvo. Mukudzorera, Mwari vanoita vimbiso kwatiri. Zvibvumirano zvizhinji zvinoperekedzwa nezviratidzo zvokunze—kana zvisungo zvinoera—umo matinotora chinhanho nezvapupu zviripo. Somuenzaniso, rubhabhatidzo chiratidzo kuna Ishe chokuti munhu ari kubhabhatidzwa aita chibvumirano chokuchengeta mirairo yaMwari.

  6. Ona Moronai 4:3; 5:2; Dzidziso neZvibvumirano 20:77, 79.

  7. Mosaya 18:20.

  8. Ona Mosesi 6:50–57.

  9. Ona Dzidziso neZvibvumirano 93:40–48.

  10. Ona Mosaya 3:19.

  11. Muporofita Isaya 54:10; kusimbiswa kwakawedzerwa; onawo 3 Nifai 22:10. Tsitsi ishoko rinodudzirwa kubva mushoko rechiHeberu rinoti hesedi, shoko rakasimba zvikuru rine revo yakadzama iyo inosanganisira tsitsi, ngoni, rudo rwechibvumirano, uye zvimwe zvakawanda.

  12. Zvinokwanisika kuita muripo wezvimwe zvivi asi kwete zvimwe. Kana mumwe munhu akashungurudza kana kurova mumwe, kana kuti mumwe akatora upenyu hwemumwe, muripo wakazara haukwanisi kuitwa. Mutadzi mumamiriro ezvinhu aya anokwanisa chete kungoita zvishoma, uye chikamu chikurusa chinosara chisina kuripirwa. Nokuda kwechido chaIshe chokuregerera chikamu chisina kuripirwa, tinokwanisa kuuya kwaVari zvisinei nokuti tatsaukira kure zvakadii. Apo patinotendeuka nemwoyo wose, Vanozotiregerera. Chikamu chipi zvacho chisina kuripirwa pakati pezvivi zvedu uye nekwaniso yedu yokuita muripo wakazara chinokwanisa kuripirwa chete nokushandisa Rudzikinuro rwaJesu Kristu, uyo anokwanisa kuita chipo chengoni. Chido Chake chokuregerera chikamu chedu chisina kuripirwa chipo chakakoshesesa chisina mutengo.

  13. Ona 2 Nifai 31:18–20.

  14. Muporofita wechiNifai Mambo Benjamini.

  15. Mosaya 2:41.

  16. Dzidziso neZvibvumirano 10:5; kusimbisa kwakawedzerwa.

  17. Ona Mosesi 1:16; onawo ndima 1–20.

  18. Mosesi 1:20.

  19. Hiramani 5:12.

  20. Moronai 6:4.

  21. Moronai 9:15; onawo ndima 19.

  22. Johane muApositora akazivisa kuti akanyora pasi zvishamiso zveMuponesi kuitira “kuti [isu] tigotenda kuti Jesu ndiye Kristu!” (Johane 20:31).

  23. Mormoni 9:21.

  24. Muporofita Isaya 40–29.

  25. Mateo 6:14.