2022
Rudo rweHumwari muChirongwa chaBaba
Chivabvu 2022


“Rudo rweHumwari muChirongwa chaBaba,” Liahona, Chivabvu 2022.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Chivabvu 2022

Rudo rweHumwari muChirongwa chaBaba

Zvikamu Zvakatorwa

Mufananidzo
makomo achibuda nemumakore

MuChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira yakadzorerwa, tine nzwisiso yakasiyana yechirongwa chaBaba vedu Vokudenga. Izvi zvinotipa nzira yakasiyana yokuona chinangwa cheupenyu hunofa, mutongo wehumwari unohutevera, uye magumisiro makurusa akanakisisa avana vose vaMwari. …

… Dzidziso yakazarurwa yeChechi yaJesu Kristu yakadzorerwa inodzidzisa kuti vana vose vaMwari—kusara kwavashomasa zvokutaurwa pano—vanozopedzisira vapinda muumambo hwekubwinya. …

… Hwapamusoro-soro hweuhwu ndehwe kusimudzirwa kumusoro-soro muumambo hweseresitiyaro, umo matinokwanisa kuva saBaba vedu neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu. …

… Basa reChechi yakadzorerwa ndere kubatsira vana vose vaMwari kukodzera izvo Mwari zvavanoda semugumisiro wavo mukurusa. …

Chakanyanyisa kukosha kwatiri ndechakazarurwa chaMwari chokuti kusimudzirwa kumusoro-soro kunokwanisa kuwanikwa chete kuburikidza norutendeko kuzvibvumirano zvemuchato wokusingaperi pakati pemurume nemukadzi. Dzidziso yohumwari iyoyo ndiyo chikonzero chatinodzidzisa kuti “hunhurume nohunhukadzi chimiro chakakosha zvikurusa chomunhu pachake chehunhu nechinangwa muupenyu tisati tauya pano pasi, muupenyu pano pasi, uye nokusingaperi” [“Mhuri: Chiziviso kuNyika,” ChurchofJesusChrist.org]. ….

… Tinosimbisa kuti chiziviso chemhuri, icho chakamisirwa padzidziso isingakwanisi kushandurwa, chinotsanangura rudzi rweukama hwemhuri umo chikamu chakakoshesesa chekukura kwedu chokusingaperi chinokwanisa kuitika. …

… Tinofanira kutsvaka kugoverana zvokwadi izvi zvekusingaperi navamwe. Asi nerudo rwatinopa kuvavakidzani vedu vose, nguva dzose tinotambira sarudzo dzavo dzokutambira kana kusatambira zvokwadi izvi. Sokudzidzisa kwakaita muporofita weBhuku raMormoni, tinofanira kuramba tichishingirira kufambira mberi, tiine “rudo kuna Mwari uye kuvanhu vose” [2 Nifai 31:20].