2014
Mukoho waMwari
Nyamavhuvhu 2014


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Nyamavhuvhu 2014

Mukoho waMwari

Mufananidzo
Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf

Mumwe mudzimai ainzi Christa paneimwe nguva akamboshandira kambani diki yembeu. Aida basa rake. Raipa chishamiso chikuru chekuti kambeu kadiki diki koga koga kaaitengesa kaiva nesimba rokuzvishandura kuita chimwe chinhu chinoshamisa zvikuru — karotsi, kabheji, kana kunyangwe zimuti ziguru reoak.

Christa aifarira kugara pakombiyuta yake achitora maodha kubva kuvatengi uye achipindura mibvunzo. Asi rimwe zuva akatambira runyunyuto kubva kune mumwe mutengi rwakamushamisa.

“Mbeu idzi hadzishandi,” mutengi akataura. “Ndakadzitenga mwedzi miviri yakapfuura asi nazvino hapana chakaitika.”

“Makadzidyara here muivhu rakanaka uye mukadzidiridza nemvura yakakwana nokuona kuti dzinowana zuva rakakwana?” Christa akabvudza.

“Kwete, asi ndakaita chikamu changu,” mutengi akapindira. “Ndakatenga mbeu dzacho. Kunze kwezvose, dzaka vimbiswa kuti dzinokura.”

“Asi hamuna kudzidyara?”

“Kwete zvachose. Zvaizoreva kuti ndaisvibisa maoko angu.”

Christa akafunga pamusoro peizvi uye akaona kuti mirairo yekudyara yaitofanira kunyorwa. Akasarudza kuti murairo wekutanga waizoti: “Unofanira kutevera mirairo yekudyara kuitira kuti mbeu dzimere. Haukwanisi kudziisa pasherefu uye wozotarisira kuti dzikure.”

Hakuna kupera nguva yakareba rumwe runyunyuto rusati rwamushamisa.

“Mbeu idzi hadzisi kubereka,” mutengi akataura.

“Makadzidyara here muivhu rakanaka?” Christa akapindura. “Makadzidiridza here nemvura yakakwana uye mukaona kuti dzinowana zuva rakakwana?”

“Chokwadi chaizvo,” mutengi akasimbisa. “Ndakaita zvose izvozvo – chaizvo sezvazvinotaura papakiti. Asi hadzishandi.”

“Pane chimwe chakaitika here? Dzakamera here?”

“Hapana chakaitika,” mutengi akataura. “Ndakadzidyara sokurairwa chaiko kwakaitwa. Ndangandichitarisira kuva nematomatisi ekubikisa kudya kwemanheru. Zvino ndagumbuka zvikuru.”

“Mirai,” Christa akapindura. “Murikuti madyara mbeu idzi nhasi?”

“Musaita zvokuseka,” mutengi akapindura. “Ndakadzidyara vhiki yakapfuura iyo. Handina kutarisira kuona matomatisi pazuva rokutanga; ndaiva nemwoyo murefu. Rega ndikuudze, paiva nekudiridza nekumirira kwakawanda kubvira musi wandadzidyara kusvikira nhasi.”

Christa akaziva kuti aizofanira kuwedzera mumwe murairo: “Mbeu idzi dzinoenderana nemitemo yebhayoroji. Kana ukadyara mbeu magwanani uye wotarisira kudya matomatisi pashure muvhiki iyoyo, uchazogumbuka. Unofanira kuva nemwoyo murefu uye womirira kuti basa remakuriro ezvinomera riitike pamberi pako.”

Zvinhu zvose zvakaenderera mberi zvakanaka kusvikira Christa atambira rumwe runyunyuto.

“Ndakagumbuka zvikuru nembeu dzenyu,” mutengi akatanga. “Ndakadzidyara sekuraira kwakaitwa papakiti. Ndakadzidiridza nemvura, uye ndikaita chokwadi kuti dzaiwana zuva, uye ndakamirira kusvikira pokupedzisira dzabereka mukoho wadzo.”

“Zvinotaridzika sokuti makaita zvose nemazvo.” Christa akataura.

“Izvozvo zvose zvakanaka chose,” mutengi akapindura. “Asi chandakawana aiva mapudzi!”

“Marekodhi angu anotaridza kuti ndiyo mbeu yamakaodha,” Christa akataura.

“Asi handidi mapudzi; ndinoda manhanga!”

“Handisi kunzwisisa zvamuri kureva.”

“Ndakadyara mbeu iyi mubindu rangu remanhanga—muivhu rimwechetero rakaburitsa manhanga gore rapera. Ndakarumbidza mbeu idzi zuva rega rega, ndichidziudza kuti dzichava manhanga akanakisa. Asi panokuwana manhanga makuru, akatenderera, eorenji, ndakawana mapudzi akareba egirini. Mazana nemazana awo!”

Christa akaziva ipapo kuti mirairo chete yakanga isina kukwana uye kuti zvaiva zvakafanira kutara musimboti: “Mbeu dzaunodyara uye nguva yanodzidyara ndizvo zvinoreva kuti uchakohwa chii.”

Mutemo weMukoho

MuApositora Pauro akadzidzisa pamusoro pemukoho waMwari:

“Musanyengerwa: Mwari haasekwi; nokuti izvo zvinodyara munhu, ndizvo zvaanocheka.

“Nokuti unodyarira nyama yake; uchacheka kuvora, kunobva panyama; asi unodyarira Mweya, uchacheka vupenyu husingaperi, hunobva kuMweya.

“Zvino ngatirege kuneta pakuita zvakanaka: nokuti tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingavori mwoyo” (VaGaratia 6:7–9).

Munguva pfupi dzapfuura, Ishe vakatipa humwe huchenjeri nekwaniso yekunzwisisa huchokwadi hwemutemo usingashanduki uyu:

“Kune mutemo, wakatsidzwa kudenga zvisingabvisike, hwaro hwenyika ino husati hwavepo, panove ndipo panobva maropafadzo ose —

“Uye kana tikawana maropafadzo api zvawo kubva kuna Mwari, zvinokonzerwa nokuteerera kumutemo iwoyo panova ndipo paanobva” (D&Z 130:20–21).

Izvo zvatinodyara, ndizvo zvatinokohwa.

Mukoho waMwari unoshamisa zvinopfuura mafungiro. Kuna avo vanoVakudza, maropafadzo aVo akawanda zvikuru anouya “nechiyero chakanaka, chakatsikirirwa, chakazunguzirwa, chakaita mupfunga; ….Nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayerwa nacho” (Ruka 6:38).

Sokuda kunoita mbeu dzepasi kushingirira uye mwoyo murefu, ndizvowo zvinodikanwa nemaropafadzo mazhinji ekudenga. Hatikwanisi kuisa chitendero chedu pasherefu uye totarisira kukohwa maropafadzo emweya. Asi kana tikadyara nokuchengeta mwero yevhangeri muhupenyu hwemazuva ose hwemhuri yedu, pane mukana mukuru wekuti vana vedu vanozokura nokubereka michero yemweya yakakosha zvikuru kwavari nekuzvizvarwa zvinotevera.

Mhinduro dzaMwari kuminamato yedu hadzisi dzinouya pakarepo nguva dzose — dzimwe nguva dzinotaridzika kusauya zvachose— asi Mwari vanoziva izvo zvakanyanya kunakira vana Vavo. Noruvimbiso, rimwe zuva tichazoona zvakanyanya kujeka; uye pazuva iroro tinozoziva runako nemutsa wekudenga.

Kusvikira panguva iyoyo, chinangwa chedu nerufaro rukuru rwedu nderwe kufamba nemutsoka dzaTenzi neMuponesi wedu uye nekurarama upenyu hwakanaka uye hwakarurama kuitira kuti mukoho wakavimbiswa uye wakakosha wemaropafadzo asina mutengo aMwari ugokwanisa kuva wedu.

Izvo zvatinodyara, ndizvo zvatinokohwa.

Ndiwo mutemo wekudenga.

Ndiwo mutemo wemukoho waMwari.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Kurukura neavo vamunodzidzisa kuti mutemo waMwari wemukoho unoenderana sei neukama, kutendeuka neuchapupu, kana kuzvinangwa zvebasa nezvedzidzo. Unokwanisa kuverenga nokufunga zvinyorwa zvitsvene zvinoenderana nemutemo uyu, sezvakaita Zvirevo 11:18; 2 Vakorinte 9:6; na Aruma 32. Vakurudzire kuti vawongorore zvinangwa zvakare uye vamise zvinangwa zvitsva zvokubudirira pazvinhu zvakarurama. Vabatsire kuti vamise chirongwa chokuita zvinhu nemutoo usingachinji kuitira kuti vabudirire pachinangwa chavo chenguva yakareba.