2014
Ronga Mukoho Wako
Nyamavhuvhu 2014


Vana

Ronga Mukoho Wako

Mutemo waMwari wekukohwa ndewekuti kana tichida chimwe chinhu pashure, tinofanira kuchishandira iyezvino. Kana tichida kurima bindu, tinofanira kudyara mbeu, todzidiridza, uye todzisakurira tichibvisa masora. Kana tikasaita izvi, hatizokwanisi kuva nemukoho pashure!

Pazasi pane mudorongodzwa wemimwe “michero” yakanaka yaungangoda muupenyu hwako. Nyora pasi zvimwe zvinhu zvaungakwanisa kuita mwedzi uno zvinokubatsira kutambira maropafadzo aya.

  • Mumba mune mufaro

  • Dzidzo

  • Shamwari dzakanaka

  • Rubhabhatidzo neKusimbiswa

  • Uchapupu hwaJesu Kristu