Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Johane 1


DJS, Johane 1:1–34 (enzanisa Johane 1:1–34)

(Vhangeri raJesu Kristu rakaparidzwa kubvira pakutanga. Mumwe Eria [Johane muBapatidzi] aive wekugadzirira nzira yaKristu, uye mumwe Eria [Kristu] aive wekudzorera pakare zvose zvinhu.)

1 Pakutanga vhangeri rakaparidzwa kuburikidza neMwanakomana. Uye vhangeri raive izwi, uye izwi raive neMwanakomana, uye Mwanakomana aiva naMwari, uye Mwanakomana waive waMwari.

2 Iye mumwecheteyo akanga aripo pakutanga naMwari.

3 Zvose zvinhu zvakaitwa naiye; asi pasina iye hapana chaiitwa chakaitwa.

4 Maari maive nevhangeri, uye vhangeri raive upenyu, uye upenyu hwaive chiedza chevanhu;

5 Uye chiedza chinopenya munyika, uye nyika haichione kwete.

6 Paive nemurume akatumwa kubva kunaMwari, uyo ane zita rainzi Johane.

7 Mumwecheteyo akauya munyika kuzove mupupuri, kuve mupupuri wechiedza, kupupura nezve vhangeri kuburikidza neMwanakomana, kune vose, kuti kuburikidza naye vanhu vangatende.

8 Akanga asiri iye chiedza ichocho, asi akauya kuzopupura chiedza ichocho,

9 Icho chaive chiedza chechokwadi, icho chinovhenekera wose munhu anouya munyika;

10 Kunyangwe Mwanakomana waMwari. Uyo akanga ari munyika, uye nyika yakagadzirwa naye, uye nyika haina kumuziva.

11 Akauya kune vekwake, uye vekwakwe havana kumugashira.

12 Asi kune avo vazhinji vakamugashira, kwavari akavapa simba rekuti vave vanakomana vaMwari; kune avo chete vanotenda muzita rake.

13 Akazvarwa, kwete neropa, kana nekuda kwenyama, kana nekuda kwemunhu, asi kwaMwari.

14 Uye izwi rimwechetero rakaitwa nyama, uye rikagara mukati medu, uye tikaona kubwinya sekweMumwechete Akaberekwa waBaba, azere nenyasha nechokwadi.

15 Johane akapupura pamusoro pake uye akadaidzira, achiti, Ndiyeyu uyo wandakataura nezvake; Uyo anouya mushure mangu, anodiwa kupfuura ini, nokuti aivepo ndisati ndavepo.

16 Nokuti pakutanga paive neZwi, kunyangwe Mwanakomana, uyo akaitwa nyama, uye akatumirwa kwatiri nekuda kwaBaba. Uye sevazhinji vanotenda muzita rake vachagashira kuzara kwake. Uye kuri kuzara kwake tose takakugashira, kunyangwe kusafa neupenyu hwokusingaperi, kubirikidza nenyasha dzake.

17 Nokuti mutemo wakapihwa kuburikidza naMosesi, asi upenyu nechokwadi zvakauya kuburikidza naJesu Kristu.

18 Nokuti mutemo wakanga uri murairo wezvenyama, unosvitsa murufu; asi vhangeri rakanga riri resimba yeupenyu husina magumo, kuburikidza naJesu Kristu, Mwanakomana Mumwechete Akaberekwa, uyu ari muchipfuva chaBaba.

19 Uye hakuna munhu ati aona Mwari panguva ipi zvayo, asi kuti ari apupura nezve Mwanakomana; nokuti kunze kwekunge zviri kuburikidza naiye hapana munhu angaponeswe.

20 Uye iyi ndiyo rondedzero yaJohane, apo maJuda akatumira mupirisita namaRevi kubva kuJerusarema, kuti vanomubvunza; Ndiwe ani?

21 Uye akareurura, haana kuramba kuti ndiye Eria; asi akareurura, achiti; Handisini Kristu.

22 Uye vakamubvunza, vachiti; Ko zvino uri Eria sei? Uye iye akati, Handizini uya Eria anozove wekudzorera pakare zvose zvinhu. Uye vakamubvunza, vachiti, Hauzi muporofita uya here? Uye iye akapindura, kuti, Kwete.

23 Ipapo vakati kwaari, Iwe ndiwe ani? kuti tigopa mhinduro kune avo vatituma. Unotii nezvako iwe?

24 Akati, Ndini izwi reari kuchema murenje, Twasanudzai nzira dzaIshe, sekutaura kunoita muporofita Isayasi.

25 Uye avo vakanga vatumwa vaive vechiFarise.

26 Uye vakabvunza, uye vakati kwaari; Ko unobhabhatidzirei zvino, kana usiri iye Kristu, kana Eria ainzi anodzorera pakare zvose zvinhu, kana muporofita iyeyo?

27 Johane akavapindura, achiti; Ini ndinobhabhatidza nemvura, asi pamire mumwe pakati penyu uyo wamusingazive;

28 Iyeyo ndiye wandinopupura. Ndiye muporofita uya, kunyangwe Eria, uyo, achiuya shure kwangu, anodiwa kupfuura ini, uyo tambo dzeshangu dzake handikodzere kudzisunungura, kana nzvimbo yake handigone kugara; nokuti iye achabhabhatidza, kwete nemvura chete, asi nemoto, uye neMweya Mutsvene.

29 Zuva raitevera Johane anoona Jesu achiuya kwaari, uye akati; Tarisai Gwayana raMwari, rinobvisa chitadzo chenyika!

30 Uye Johane akapupura nezvake kuvanhu, achiti; Uyu ndiyeyu wandakataura ndichiti; Mushure mangu munouya munhu anodiwa kupfuura ini; nokuti aivepo ini ndisati ndavepo, uye ndaimuziva, uye kuti achaziviswa pachena kuIsraeri; zvakadaro ini ndauya ndichibhabhatidza nemvura.

31 Johane akapupura, achiti; Paakabhabhatidzwa neni, ndakaona Mweya uchiburuka kubva kudenga wakaita senjiva, uye ukagara paari.

32 Uye ini ndakamuziva; nokuti iye akandituma kuti ndibhabhatidze nemvura, iyeyo akati kwandiri; Pane uyu wauchaona achigarwa neMweya uchidzika, uye ucharamba uri paari, iyeyo ndiye mumwecheteyo achabhabhatidza neMweya Mutsvene.

33 Uye ndakaona, uye ndikapupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.

34 Izvi zvinhu zvakaitwa muBetebara, mhiri kweJordani, uko Johane aibhabhatidzira ari.

DJS, Johane 1:42 (enzanisa Johane 1:42)

(Kefasi zvinoreva “muoni” kana “dombo.”)

42 Uye akamuunza kuna Jesu. Uye apo Jesu paakatarisa, akati, Ndiwe Simoni, mwanakomana waJona, uchadaidzwa kunzi Kefasi, zvinoreva kuti, nokududzira, muoni kana dombo. Vakanga vari vabati vehove. Uye pakarepo vakasiya zvose, uye vakateera Jesu.