2017
Kunangisa Pakati
Ndira 2017


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Ndira 2017

Kunangisa Pakati

Munguva ichangopfuura ndakatarisa chitsama chevanhu vaidzidzira mutambo weuta nemiseve. Kuburikidza nekungotarisa zvakabuda pachena kwandiri kuti kana uchida kuva nyanzvi yekubaya neuta nemiseve, zvinotora nguva uye zvinoda kudzidzira.

Handifungi kuti unokwanisa kuita mbiri yekuva nyanzvi yekubaya neuta nemiseve kubudikidza nekubaya pamudhuri pasina chinhu zvino wozotara minango uchitenderedza miseve. Unofanira kudzidzira zvidawado zvekunangisa pamunango uye nokubaya pakati pawo.

Kutara Minango

Kutanga wapfura museve zvino wozotara munango pashure zvinoita kunge zvisina tsarukano asiwo nedzimwe nguva isu pachezvedu tinotaridza tsika iyoyo mune mamwe mamiriro ehupenyu.

Senhengo dzeChechi tinemaitiro ekuzvibatanidza kuzvirongwa zvevhangeri, zviitikwa uye kunyangwe dzidziso izvo zvinoratidzika sezvinonakidza, zvakakosha uye zvinotifadza. Tinoedzwa kutara minango yakapoteredza pazviri zvichiita kuti isu titende kuti tiri kutevera zvikamu zvakanyanya kukosha zvevhangeri.

Izvi zviri nyore kuita.

Munguvadzose dzapfuura takatambira rairo yakanakisisa nekurudziro kubva kuvaporofita vaMwari. Tinowanawo gwara netsanangudzo kubva muzvishambadzwa zvakasiyanasiyana, mabhuku erairo uye nemabhuku edzidziso eChechi. Tinokwanisa kusarudza zvirinyore musoro wenyaya wevhangeri wedu watinonyanya kufarira, totara pakati pemunango tichitenderedza musoro wenyaya iwoyo, uye tozvipwisa kuti tawana chikamu chinonyanya kukosha chevhangeri.

Muponesi Anojekesa

Iri harisi dambudziko rinowanikwana chete munguva yedu ino. Makarekare vatungamiriri vevhangeri vakapedza nguva yakawanda vachironga nekuita midorongodzwa, nekukakavadzana kuti ndeupi pamazana emirairo wakanga wakakosha zvikuru.

Nerimwe zuva chikwata chevadzidzi vechitendero chakaedza kukweva mununuri mugakava. Vakamukumbira kuti ape pfungwa dzake pamusoro penyaya iyo yaiwiriranwa nevashoma.

“Mudzidzisi”, vakamubvunza, “murairo mukuru pamirairo ndoupiko?”

Tose tinoziva mapinduriro akaita Jesu: “Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wese nokufunga kwako kwose.

“Ndiwo murairo mukuru wekutanga.

“Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida wokwako sezvaunozvida iwe.

“Murairo wose navaporofita zvakabatanidzwa pamirairo iyi miviri.”1

Ndinokukukumbirai kuti mutarisise mutsara iwoyu wokupedzisira: “Murairo navaporofita zvakabatanidzwa zvose pamirairo iyi miviri ”

Muponesi haana kutiratidza munango chete; asi Akatiratidzawo chikamu chinonyanya kukosha chevhangeri.

Kurova paMunango

Senhengo dzeChechi tinotsidzira kutakura patiri zita raJesu Kristu. Zviripachena muchitsidzirano ichochi inzwisiso yekuti tinozotsungirira kudzidza nezvaMwari, kuMuda, kuwedzera rutendo rwedu maAri, kuMukudza, kufamba nemunzira Yake, uye nekumira takatsungirira sezvapupu Zvake.

Apo tinodzidza zvakawanda nezvaMwari uye tonzwa rudo Rwavo kwatiri, ndipo patinonyanya kucherechedza kuti kuzvipira kusina magumo kwaJesu Kristu chipo cheumwari chinobva kuna Mwari. Uye rudo rwaMwari runotifemera kuti tishandise gwara rekutendeuka pachokwadi, iro rinotitungamirira kuchishamiso cheruregerero. Iri gwara rinotiita kuti tive nerudo rwakadzama, uye netsiyenyoro kune avo vakatipoteredza. Tinozodzidza kuona zvakapfurikidza mazita okumhura anoiswa pavanhu nokuda kwezvavanenge vaita. Tinozokurira miedzo yekupomera mhosva kana kutonga vamwe kuburikidza nezvivi zvavo, kukundikana kwavo, kutadza kwavo, zvematongerwo enyika zvavanotenda, zvitendero zvavo, rudzi rwavo kana neruvara rweganda ravo.

Tinozoona munhu wose watinosangana naye semwana waBaba vedu Vokudenga—mukoma, munin’ina kana hanzvadzi.

Tinokwanisawo kunanavira kuna vamwe mukunzwisisana nemurudo– kunyangwe avo vasiri nyore kupawo rudo. Tinozochema nevanochema nekunyaradza avo vanenge vachida kunyaradzwa.2

Uye tinozocherechedza kuti hapana faniro yekuti tinetsekane pamusoro pemunango wechokwadi wevhangeri.

Mirairo mikuru miviri ndiyo munango. Murairo wose navaporofita zvakabatanidzwa pamirairo iyi miviri.3 Apotinogamuchira izvi zvimwe zvinhu zvose zvakanaka zvinobva zvanzwisiswa maererano nekukosha kwazvo chaiko.

Kana tarisiro dzedu, pfungwa dzedu, nekuedza kwedu zvikanangana nekukudza rudo rwedu kuna Mwari Samasimba, nekupa moyo yedu kune vamwe, tinokwanisa kuziva kuti tawana munango wechokwadi uye kuti takanangisa pakati pemunango wemuseve chaipo—wekuva vadzidzi vaJesu Kristu.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Usati wagovera shoko rino, mungangoimba “Our Savior’s Love”, (Hymns, no.113). Zvino funga kukurudzira avo vamunodzidzisa kuti vafungisise pamusoro “peminango” muhupenyu hwavo pachavo. Munokwanisa kukurukura nzira dzekuita chokwadi kuti mirairo mikuru miviri “kuda Ishe Mwari wako” “nekuda wokwako sezvaunozvida iwe”, (ona Mateo 22:37, 39)—inotungamirira maitiro avo nguva dzose. Unokwanisawo kugovera dzimwe nzira dzawakashandisa kuti unangise upenyu hwako pana Kristu nekupupura huchapupu hwekuti izvozvo zvakakuropafadza sei.