2014
Basa Dzvene raJesu Kristu: Mutariri
Chikumi 2014


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Chikumi 2014

Basa Dzvene raJesu Kristu: Mutariri

Nemunamato dzidza shoko rino uye tsvaga kuziva zvekugovera. Kunzwisisa upenyu nebasa reMuponesi zvinowedzera sei rutendo rwako maAri nekuropafadza avo vaunotaririra kuburikidza nedzidziso yekushanyirana? Kuwana rumwe ruzivo, enda kuwww.reliefsociety.lds.orgreliefsociety.lds.org.

Ruvimbo • Mhuri • Rubatsiro

Apo patinotaririra vamwe, tinova vateveri vechokwadi vaJesu Kristu, uyo akamisa muenzaniso kwatiri. Mutungamiri Thomas S. Monson vakati : “Takakomberedzwa neavo vane zvidikanwi. …Tiri maoko aIshe pano panyika, tinerairo yekushandira nekusimudza vana Vavo.1

Linda K. Burton, mutungamiri wepasi rose weChita choRubatsiro akadzidzisa kuti: “Nokudzidzira, mumwe nemumwe wedu anokwanisa kunyanya kuva seMuponesi apo patinenge tichishandira vana vaMwari. Kutibatsira [kutaririrana] zvirinani, ndinoda kupa mazwi mana okurangarira : “Tanga waongororora, zvino woshandira.” ….Apo patinodaro, tinenge tichichengeta zvibvumirano, uye kushandira kwedu, sezvakaiita kwaMutungamiri Monson, kunozova umboo hweudzidzi hwedu.”2

Tinokwanisa kunamata magwanani oga oga kuti tizive mikana yokushandira vamwe. “Baba Vokudenga vanozokutungamirira, uye ngirozi dzinozokubatsira,” akadaro David L. Beck, mutungamiri wepasi rose weVakomana Vechidiki. “Unozopiwa simba rokuropafadza upenyu nokununura mweya.”3

Kubva muMagwaro Matsvene

Mateo 20:25–28; 1 Nifai 11:27–28; 3 Nifai 28:18

Kubva muNhoroondo Yedu

Pamusangano mukuru wepasi rose waGumiguru wa1856, Mutungamiri Brigham Young (1801–77) vakataura kuti vaparuri vezvikochikari zvemaoko vakanga vachiri kufamba nemumapani kuenda kuUtah uye kuti munhu wese aifanira kubatsira kuvaunganidzira zvokudya nezvokushandisa pakarepo. Lucy Meserve Smith akanyora kuti madzimai “Akapfekenura masiketi emukati avo, masvokisi avo, nezvimwe zvose zvavaikwanisa kupa, ipapo chaipo paTabanekeri, uye vakazviisa muzvikochikari.”

Apo vaparuri vakanga vanunurwa ava pavakatanga kusvika muSalt Lake City, Lucy akanyora, “Handina kumbowana …. Rufaro rwakapfuura irworwo mubasa ripi zvaro randakaita muupenyu hwangu, nokuti paiva nekunzwa kukuru kwekubatana pakati pevanhu. Ndaingofanira chete kupinda muchitoro uye ndotsanangura zvadaida kuitira kubatsira vaparuri vakanga vanunurwa; kana waiva mucheka, waiyerwa wochekwa uye wopiwa kwandiri pasina mutengo.”4

Mutungamiri George Albert Smith (1870–1951) vachitaura nezvo kutaririra vamwe vakati: “Rufaro rwekusingaperi rwedu ruchazoerwa maererano nenzira yatinozvipira kubatsira vamwe.”5

Funga Izvi

  1. Munamato ungatitungamira sei kuti tive midziyo mumaoko aIshe?

  2. Kutaririra vamwe kungatibatsira sei kuchengeta zvibvumirano zvedu?

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Thomas S. Monson, “What Have I Done for Someone Today?” Liahona, Mbudzi 2009, 86.

  2. Linda K. Burton, “First Observe, Then Serve,” Liahona, Mbudzi. 2012, 78, 80.

  3. David L. Beck, “Your Sacred Duty to Minister,” Liahona, Kubvumbi 2013, 56.

  4. Lucy Meserve Smith, muDaughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2011), 36–37..

  5. George Albert Smith, in Daughters in My Kingdom, 77.