2014
Kukurumidzisa Basa
Chikumi 2014


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Chikumi 2014

Kukurumidzisa Basa

Mufananidzo
Mutungamiri Thomas S. Monson

Unocherechedza here kuti Chechi yakadzorerwa yakanga vaya namakore makumi mapfumbamwe nemasere isati yava nemasiteki mazana? Asi mushure memakore asingasviki makumi matatu, Chechi yakanga yaronga chikamu chechipiri chayo chemasiteki zana. Uye makore masere chete mushure maizvozvo Chechi yakanga yava nemasiteki mazana matatu. Nhasi tava masiteki anopfuura zvuru zvitatu.

Sei kukura uku kuri kuitika nokukurumidza kwakadaro? Ndokuda here kwekuti tavakunyanya kuzivikanwa? Ndokuda here kwekuti tine machechi akanaka?

Zvinhu izvi zvakakosha, asi chikonzero chekukura kweChechi nhasi ndechekuti Ishe vakataura kuti ichakura. MuDzidziso neZvibvumirano, Vakati, “Tarisai, ndichakurumidzisa basa rangu munguva yaro.”1

Isu, sevana vemweya vaBaba vedu Vokudenga, takatumwa panyika panguva ino kuitira kuti tigokwanisa kutora chinhano mukukurumidzisa basa guru rino.

Mukuziva kwangu, Ishe havana kumbotaura kuti basa Ravo rinongoitwa muupenyu huno chete. Panokudaro, basa Ravo rinosanganisira kusingaperi kose. Ndinobvuma Vari kukurumidzisa basa Ravo munyika yemweya. Ndinobvumawo kuti Ishe, kuburikidza nevaranda Vavo ikoko, vari kugadzirira mweya yakawanda kuti itambire vhangeri. Basa redu ndere kutsvaka vakafa vedu uye zvino toenda kutemberi tonoita zvisungo zvinoera izvo zvinozounzira avo vari seri kwechidzikatidzo mikana mimwecheteyo yatinayo.

Mutendi weMazuva Ekupedzisira wese wakanaka ari munyika yemweya ane basa raari kuita, vakadaro Mutungamiri Bringham Young (1801–77). “Chii chavari kuita ikoko? Varikuparidza, kuparidza nguva dzose, uye kutigadzirira nzira yekuti tikurumidzise basa redu mukuvaka matemberi pano uye nokumwewo.”2

Zvino, basa renhoroondo yemhuri harisi nyore. Kune avo venyu vanobva kunyika dzekuma Scandinavia, ndinonzwirana nemi mukunetsekana kwenyu. Somuenzaniso, pakati pemadziteteguru angu echiSwedish, zita rasekuru vangu raiva Nels Monson; zita rababa vavo rakanga risiri Monson zvachose asi raiva Mons Okeson. Zita rababa vaMons raiva Oke Pederson, uye zita rababa vaOke raiva Peter Monson —kudzokera kuna Monson zvakare.

Ishe vanotarisira iwe neni kuti tiite basa renhoroondo yemhuri yedu zvakanaka uye neushingi. Ndinofunga kuti chinhu chokutanga chatinofanira kuita kana tichida kuita basa redu zvakanaka ndechekuva neMweya waBaba vedu Vokudenga uinesu. Apo patinorarama zvakarurama semaziviro atinoita mararamiro atinofanira kuita, Vanozovhura nzira yokuzadzikiswa kwemaropafadzo ayo atinotsvaka nemwoyo wose uye neushingi.

Tichaita zvikanganiso, asi hapana wedu unokwanisa kuva nyanzvi mubasa renhoroondo yemhuri asina kutanga ari mudzidzi asina ruzivo. Naizvozvo, tinofanira kuita basa iri neushingi, uye tinofanira kugadzirira kusangana nezvinetso apo patinenge tichiita kudaro. Iri harisi basa riri nyore, asi Ishe vakaripa kwamuri imi mese nhengo dzechechi uye Vakaripa kwandiri.

Apo paunoita basa renhoroondo yemhuri, uchazviwana uchisangana nezvinetso zvinokudzivirira kuenderera mberi nebasa iri, uye uchazozviudza kuti, “Hapana zvimwe zvandichakwanisa kuita.” Apo paunosvika pakudaro, gwadama nemabvi ako uye kumbira Ishe kuti Vavhure nzira, uye Vanozokuvhurira nzira. Ndinopupura kuti ichi ichokwadi.

Baba Vokudenga Vanoda vana Vavo vari munyika yemweya samadiro aVanoita iwe neni. Maererano nebasa rokununura vakafa vedu, Muporofita Joseph Smith vakati, “Uye zvino apo zvinangwa zvikuru zvaMwari pazviri kukurumidza kusvika pakubudirira kwazvo, uye zvinhu zvakataurwa nezvazvo muHuporofita zviri kuzadzikiswa, apo umambo hwaMwari pahuri kumiswa panyika, uye hurongwa hwakare hwezvinhu pahuri kudzorerwa, Ishe vakataridza kwatiri basa iri nemukana wakanaka uyu”3

Maererano nemadziteteguru edu akafa asina ruzivo rwevhangeri, Mutungamiri Joseph F. Smith (1838–1918) vakataura kuti, “Kuburikidza nekuedza kwedu takavamiririra ngetani dzavo dzeusungwa dzinodonha kubva pavari, uye rima rakavakomberedza rinobva, kuitira kuti chiedza chigopenya pavari uye vachanzwa munyika yemweya nezve basa ravakaitirwa nevana vavo pano, uye vanozofara nemi mukuita kwenyu mabasa aya.”4

Kune mamiriyoni nemamiriyoni avana vemweya vaBaba vedu Vokudenga vasina kumbonzwa zita raKristu vasati vafa nokuenda kunyika yemweya. Asi zvino vakadzidziswa vhangeri uye vakamirira zuva iro iwe neni ratichatsvaga nhoroondo inodikanwa kuzarura nzira kuitira kuti tigokwanisa kuenda muimba yaIshe nokunovaitira basa iro ivo pachavo ravasingakwanisi kuita.

Mabhuratha nemasisita angu, ndinopupura kuti Ishe vachatiropafadza apo patinotambira nokuzadzikisa basa rakaoma iri.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Funga nezve nyaya yaunonyanya kufarira kubva munhoroondo yemhuri yako uye goverana nyaya iyi naavo vaunoshanyira. Ungangoda kushandisa mibvunzo iri muchikamu chevana cheShoko raVatungamiri Vokutanga (peji 6) kukurudzira avo vaunoshandira kuti vagovere nyaya dzavo. Funga kuverenga Dzidziso neZvibvumirano 128:15 uye kukurukura kukosha kwekuita zvisungo zvemutemberi takamiririra madziteteguru edu.

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  • Dzidziso neZvibvumirano 88:73.

  • Teachings of Presidents of the Church: Brigham Young (1997), 280.

  • Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith (2007), 409.

  • Teachings of Presidents of the Church: Joseph F. Smith (1998), 247.