2014
Basa Dzvene raJesu Kristu: Muponesi neMununuri
Kubvumbi 2014


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Kubvumbi 2014

Basa Dzvene raJesu Kristu: Muponesi neMununuri

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga kuziva izvo zvekugovera. Kunzwisisa upenyu nebasa reMuponesi zvinowedzera sei rutendo rwako maAri nekuropafadza avo vaunotaririra kuburikidza nedzidziso yekushanyirana? Kuwana rumwe ruzivo, enda ku www.reliefsociety.lds.org.

Ruvimbo, Mhuri, Rubatsiro

Pakati pemazita akanyanya kukosha anotsanangura Jesu Kristu izita rokuti Mununuri,” vakadaro Gosa D. Todd Christofferson veChikwata cheVaapositora Gumi neVaviri. “Nunura zvinoreva kuripira sungiro kana chikwereti. Nunura zvinokwanisawo kureva kuti kudzikinura kana kusunungura nekuripa tsikinuro. …Zvazvinoreva zvega zvega izvi zvinoratidza mativi akasiyana eRununuro rukuru rwakaitwa naJesu Kristu kuburikidza neRudzikinuro Rwake, izvo zvinosanganisira, sekutaura kunoita duramazwi, ‘kusunungura kubva kuchivi nemirango yacho, nekuzvipira kwakaitirwa mutadzi.’”1

Linda K. Burton, mutungamiri mukuru weChita cheRubatsiro, akati “Baba Vekudenga… Vakatumira Wavo Mumwechete Wekuberekwa uye Mwanakomana akarurama kuti atambudzikire zvivi zvedu, marwadzo emwoyo edu, nezvose zvinoratidzika kuva zvisina ruenzaniso muupenyu hwedu pachedu.

“… Mumwe mudzimai akanga asangana nemakore mazhinji emuedzo nerusuwo akataura achichema kuti, ‘ndakasvika pakuziva kuti ndakaita se20 dhora yebepa—yakaunyana, yakabvaruka, inetsvina, yakabatwa zvakaipa, ine mavanga. Asi …ndichiri kukosha madhora makumi maviri iwayo akazara.’ Mudzimai uyu anoziva kuti akanga … akakosha zvakakwana kuna [Mwari] kuti Vatumire Mwanakomana Wavo kuti amudzikinure, iye pachake. Sisita wese ari muChechi anofanira kuziva zvinozivikanwa nemudzimai uyu.”2

Kubva muMagwaro Matsvene

2 Nifai 2:6; Hiramani 5:11–12; Mosesi 1:39

Kubva muNhoroondo Yedu

Testamende Itsva inosanganisira nyaya dzemadzimai akaratidza rutendo munaJesu Kristu, akadzidza nekurarama dzidziso Dzake, akapupura nezveushumiri, zvishamiso, nehumambo hwake.

Jesu akati kumudzimai aiva patsime:

“Aninani anonwa mvura yandichamupa ini haachazovi nenyota nekusingaperi; asi mvura yandichamupa ichava mukati make tsime remvura inovaira kuupenyu husingaperi.

“Mukadzi akati kwaari, Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzova nenyota. …

“Ndinoziva kuti [Mesiya] achauya, … : apo paanouya, achatiudza zvinhu zvose.

“Jesu akati kwaari, Ini ndinotaura kwauri ndini iye.”

“Zvino akasiya dende rake remvura” akanopupura neZvake muguta. (Ona Johane 4:6–30.)

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. D. Todd Christofferson, “Redemption,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2013, 109.

  2. Linda K. Burton, “Is Faith in the Atonement of Jesus Christ Written in Our Hearts?” Ensign kana Liahona, Mbudzi. 2012, 114.