2025
Mushure meUpenyu Hwuno: Mhinduro kune Mimwe Mibvunzo
For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki) Chikumi 2025


Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Chikunguru 2025

Mushure meUpenyu hwuno

Mhinduro kune Mimwe Mibvunzo

Chirongwa chaBaba Vokudenga chinokwanisa kutipa nzwisiso nerunyararo pamusoro peupenyu mushure merufu.

manera ari mumakore

Mufananidzo naThomas Arnaud

Chii chinoitika mushure mokunge tafa?

Uyu pamwe ndiwo mubvunzo unobvunzwa muzvitendero zvose. Mhinduro idzo dzatinadzo kuburikidza naJesu Kristu uye nevhangeri Rake dzinesimba guru. Upenyu hwuno hahwusirihwo magumo. Nokuda kwokuti Jesu Kristu akamuka kuvakafa, mweya yedu inozobatana zvakare nemiviri yedu, uye tose tinozomutswa kuvakafa nerimwe zuva.

Chokwadi, kune rumwe ruzivo pamusoro peupenyu mushure merufu urwo rwakauya kwatiri kuburikidza nezvakazarurwa zvemazuva ano urwo rwunokwanisa kupindura mimwe mibvunzo yatingava nayo. Heino mibvunzo mishoma yakadaro, pamwepo nedzimwe mhinduro pfupi.

Miviri yemweya yakaita sei?

Mweya nderumwe rudzi rwezviumbwa, asi “wakanyanya kunaka kana kururama” (Dzidziso neZvibvumirano 131:7). Miviri yemweya inoratidzika semiviri yavanhu vakuru.

Nyika yemweya iri kupi?

Pano, yakatikomberedza.

Chii chinoitika munyika yemweya?

Pakati pezvimwe zvinhu, mweya iyo yakatambira vhangeri yakarongwa kuti iparidze vhangeri kumweya isina kutambira vhangeri. Mweya iyoyo inokwanisa kusarudza kuritambira kana kuriramba.

Miviri yakamutswa kuvakafa yakaita sei?

Miviri yakamutswa kuvakafa haikwanisi kufa, ine nyama nemapfupa, uye yakarurama. Inobwinya uye yakanaka zvikuru. “Hakuna chimwe chinhu chakanaka kutarisa kupfuura murume kana mudzimai akamutswa kuvakafa.”

Chii chinoitika muumambo hweseresitiyaro?

Avo vari mudanho repamusorosoro reumambo hweseresitiyaro vanova saBaba Vokudenga uye vanowana kuzara kwemufaro; Vanogamuchira zvose izvo Baba zvavanazvo. Vanotora chinhanho mubasa Ravo nemukubwinya Kwavo. Vakasunganidzwa mumuchato nokusingaperi uye iyezvino vanorarama mumhuri dzokusingaperi, vaine vana vemweya vokusingaperi vavo pachavo.

Ko vanhu avo vasina kumbochata muupenyu hwuno?

Baba Vokudenga vane ruenanziso nengoni zvakarurama. “Ishe vakavimbisa kuti mukusingaperi hapana ropafadzo rinozorambidzwa kuvanakomana nevanasikana vavo avo vanochengeta mirairo, vari pachokwadi kuzvibvumirano zvavo, uye vanoda izvo zvakanaka.”

Vabereki vangu vakasunganidzwa mutemberi, asi iyezvino vakarambana. Ndiani wandakasunganidzwa kwaari?

Unogona kunge “wakazvarwa muchibvumirano” (zvinoreva kuti, wakazvarwa mushure mokunge vabereki vako vasunganidzwa mutemberi), kana kuti unogona kunge wakasunganidzwa kuvabereki vako mutemberi mushure mokunge vasunganidzwa ivo pachavo. Mumamiriro ezvinhu api zvawo, maropafadzo anoramba aripo kunyangwe kana vabereki vako vakasarudza kurambana uye vakaita kuti sunganidzo yavo ikanzurwe.

Sarudzo dzavabereki vako hadzishanduri maropafadzo ako. Chinhu chakakosha ndechokuti iwe urambe wakatendeka uye utsvake maropafadzo emutemberi iwe pachako. Maererano neukama hwemhuri yako, unofanira “kuvimba muna Ishe uye kutsvaka nyaradzo Yavo,” uchiziva kuti “Baba Vokudenga vanozoita chokwadi chokuti munhu woga woga anogamuchira maropafadzo ose ayo zvido zvake nesarudzo dzake zvazvinobvumira.”

Chii chinoitika kuvanhu vanofa kuburikidza nokuzviuraya?

Hatizivi zvinoitika kuvanhu vanofa kuburikidza nokuzviuraya, uye hatingavatongi (sezvatisingaitiwo nevanhu vose, pokupedzisira). “Zvisinei nokuedza kwose kwevadikanwi, vatungamiri, uye nyanzvi, kuzviuraya hakukwanisi kudzivirirwa nguva dzose. …

“Hachisi chinhu chakanaka kuti munhu atore upenyu hwake pachake. Zvisinei, Mwari chete ndivo vanokwanisa kutonga pfungwa, zviito, uye mwero wokuzvidavirira womunhu (ona 1 Samueri 16:7; Dzidziso neZvibvumirano 137:9). …

“Avo vakashaikirwa nemudikanwi kuburikidza nokuzviuraya vanokwanisa kuwana tariro neruporeso muna Jesu Kristu uye neRudzikinuro Rwake.”

Manotsi

  1. Ona Eta 3:16; Teachings of Presidents of the Church: Joseph F. Smith (1998), 131–32.

  2. Ona Teachings of Presidents of the Church: Brigham Young (1997), 279.

  3. Ona Dzidziso neZvibvumirano 138.

  4. Ona Aruma 11:45.

  5. Ona Ruka 24:39.

  6. Ona Aruma 11:43.

  7. Lorenzo Snow, The Teachings of Lorenzo Snow, ed. Clyde J. Williams (1996), 99.

  8. Ona Mosesi 1:39.

  9. Ona Pisarema 16:11; 3 Nifai 28:10; Dzidziso neZvibvumirano 76:59, 62; 130:2; 132:19–23.

  10. Dallin H. Oaks, musangano mukuru waGumiguru 1993 (Ensign, Mbudzi 1993, 75).

  11. Ona General Handbook: Serving in The Church of Jesus Christ of Latter-day Saints 38.4.2.8 , Gospel Library

  12. General Handbook, 38.4.2, Gospel Library.

  13. General Handbook, 38.6.20 , Gospel Library.