Jesu Kristu

Minamato yeChirairo

  • Zvirimukati

  • Ropafadzo paChingwa

  • Ropafadzo paMvura

Minamato yeChirairo


Minamato yeChirairo

  • Ropafadzo paChingwa

    Mwari, Baba Vokusingaperi, tinokukumbirai muzita reMwanakomana wenyu, Jesu Kristu, kuti muropafadze nokutsvenesa chingwa ichi kumweya yeavo vose vanochidya, kuti vagochidya mukurangarira muviri weMwanakomana wenyu, uye vapupure kwamuri, Mwari, Baba Vokusingaperi, kuti vanoda kutora pavari zita reMwanakomana wenyu, nokumurangarira nguva dzose nokuchengeta mirairo yake iyo yaakavapa; kuti vave neMweya wake nguva dzose kuti uve navo. Ameni.


  • Ropafadzo paMvura

    Mwari, Baba Vokusingaperi, tinokukumbirai muzita reMwanakomana wenyu, Jesu Kristu, kuti muropafadze nokutsvenesa mvura iyi kumweya yeavo vose vanoinwa, kuti vave vanozviita mukurangarira ropa reMwanakomana wenyu, iro ravakadeurirwa; kuti vagopupura kwamuri, Mwari, Baba Vokusingaperi, kuti vangomurangarira nguva dzose, kuti vave neMweya wake kuti uve navo. Ameni.