Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Zvakazarurwa 19


DJS, Zvakazarurwa 19:15, 21 (enzanisa Zvakazarurwa 19:15, 21)

(Mwari vanoshandisa izwi raKristu kurova marudzi.)

15 Uye kubva mumuromo make munobuda izwi raMwari, uye naro vacharova marudzi; uye vachavatonga nezwi remuromo wavo; uye anotsika chisvino chewaini mukutyisa nehasha dzaSamasimba Mwari.

21 Uye avo vakasara vakauraiwa nezwi reuyo akanga akagara pabhiza, riri izwi rakabuda mumuromo wake; uye dzose shiri dzakaguta nenyama yavo.