Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Marko 14


DJS, Marko 14:20–25 (enzanisa Marko 14:22–25; DJS, Mateo 26:22, 24–25)

(Jesu akamisa sakaremende.)

20 Uye pavakanga vachidya, Jesu akatora chingwa uye akachiropafadza, uye akachimedura, uye akapa kwavari, uye akati, Chitorei, uye mudye.

21 Tarisai, izvi ndezvenyu imi kuti muite muchirangariro chemuviri wangu; nokuti pamunenge muchiita izvi mucharangarira nguva ino yandanga ndiinemi.

22 Uye akatora mukombe, uye paakanga atenda, akaupa kwavari; uye vose vakanwa kubva mauri.

23 Uye akati kwavari, Izvi zviri muchirangariro cheropa rangu iro richadeurirwa vazhinji, uye testamende itsva iyo yandiri kupa kwamuri: nokuti muchapupura kunyika yose.

24 Uye pamunenge muchiita chisungo chino, muchandirangarira munguva ino yandange ndiinemi uye ndikanwa nemi mumukombe uyu, kunyangwe munguva yekupedzisira mubasa rangu.

25 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Yezvizvi muchapupura; nokuti handichazonwa, zve muchero wemudzambiringa nemi, kudakara zuva iro randichaunwa patsva muumambo hwaMwari.

DJS, Marko 14:36–38 (enzanisa Marko 14:32–34)

(PaGetsemani, kunyangwe vamwe vevaneGumi neVaviri havana kubata zvizere basa raJesu saMesia.)

36 Uye vakauya panzvimbo yainzi Getsemani, iyo yaive bindu; uye vadzidzi vakatanga kushamiswa zvikuru, nokutambudzika, uye nokunyunyuta mumwoyo mavo, vachibvunza kuti angave ndiye here Mesia uyu.

37 Uye Jesu achiziva mwoyo yavo, akati kuvadzidzi vake, Garai imi pano, ini ndichambonamata.

38 Uye akatora, Petro, naJakobo, naJohane, uye akavatsiura, uye akati kwavari, Mweya wangu wakasuwa zvikuru, kunyangwe kusvika mukufa, sarai imi pano uye mutarise.