Riahona
Kutenda muna Kristu Asati Auya Zvakare
Kubvumbi 2024


“Kutenda muna Kristu asati Auya Zvakare,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Kubvumbi. 2024.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki) Kubvumbi 2024

Jaromu

Kutenda muna Kristu asati Auya Zvakare

VaNifai vaiva nerutendo Muponesi asati auya, uye nesu tinokwanisa kuva nerutendo asati Auya zvakare.

Mufananidzo
Jesu Kristu achishanyira vaNifai

Wakambofunga here zvazvingava zvakaita kutenda muMuponesi asati Auya panyika? VaNifai vechinyakare vakaita sokudaro—“vakatarisira Mesiasi, nokutenda maari kuti achauya sokunge akatouya nechekare” (Jaromu 1:11).

Mazuva ano, tine rondedzero dzemagwaro matsvene nenhoroondo dzinopupura kuti Jesu Kristu akararama, akafa uye akamuka zvakare. Tinotenda muMuponesi uyo akatouya nechekare. Asi tinotendawo muMuponesi achazouya zvakare.

Jesu Kristu Asati Auya, vaNifai Vakanga vaine Rutendo:

Mufananidzo
Mambo Benjamini nemudzimai wake vachinamata

Rwekuregererwa kwezvivi zvavo.

“Aninani zvake achatenda kuti Kristu achauya, mumwecheteyo anogona kugamuchira ruregerero rwezvivi zvavo, uye ofara nemufaro mukurusa, kunyangwe sekunge akanga atouya pakati pavo nechekare” (Mosaya 3:13; kusimbisa kwakawedzerwa).

Mufananidzo
Enosi

Rwekuzviregerera.

“Uye kwakauya inzwi kwandiri richiti: Enosi, zvivi zvako zvaregererwa. … Naizvozvo, mhosva dzangu dzakabviswa. Uye ndakati: Ishe, zvinoitwa sei? Uye vakati kwandiri: Nokuda kworutendo rwako munaKristu, uyo wausati wambonzwa kana kuona. Uye, makore akawanda achapfuura asati azviratidza pachake panyama; … rutenda rwako rwakuchenesa” (Enosi 1:5–8; kusimbisa kwakawedzerwa).

Mufananidzo
Jakobo achiparidza

Rwekuita zvishamiso.

“Taiziva nezvaKristu, uye takanga tiinetariro yekubwinya kwake mazana mazhinji emakore kuuya kwake kusati kwaitika. … Zvokuti tinokwanisa zvechokwadi kuraira muzita raJesu uye miti chaiyo inotiteerera, kana makomo, kana masai-sai egungwa” (Jakobo 4:4, 6; kusimbisa kwakawedzerwa).

Mufananidzo
Moronai achinyora pamahwendefa

Rwekugamuchira zvakazarurwa.

“Kwaiva nevazhinji avo rutendo rwavo rwaiva rwakasimba zvikurusa, kunyangwe Kristu asati auya, vasina kuchengetwa vari kunze kwechidzitiro, asi vakaona zvechokwadi nemaziso avo” (Eta 12:19; kusimbisa kwakawedzerwa).

Jesu Kristu asati Auya Zvakare, Tinokwanisa kuva neRutendo:

Rwekuregererwa, kuzviregerera, kuita zvishamiso, uye kugamuchira zvakazarurwa ( sevaNifai).

Mufananidzo
mukomana wechidiki achiimba muchechi

Rwekuzvigadzirira pachedu kuuya Kwake.

Apo patinoedza kuchengeta zvibvumirano zvedu, tirikugadzirira kugara muhumambo hweseresitiyaro. “Nokuti tarisai, upenyu huno ndiyo nguva yokuti vanhu vagadzirire kusangana naMwari, hongu, tarisai zuva reupenyu huno ndiro zuva rokuti vanhu vaite mabasa avo”. (Aruma 34:32).

Mufananidzo
vechidiki pamberi petemberi

Rwekugadzirira Nyika kuuya Kwake.

Takakokwa neMutungamiri Russell M. Nelson kuti tive chikamu “chebasa gurusa panyika”—kuunganidza Isiraeri. “Baba vedu Vokudenga vakachengetedza mizhinji yemweya inoremekedzwa Yavo—pamwe, ndingati, chikwata Chavo chakanakisisa—chenguva ino yokupedzisira. Mweya iyoyo noremekedzwa—vatambi ivavo vakanakisisa, ayo magamba iwayo—anova iwe!”1

Mufananidzo
vasikana vechidiki vachimbundirana

Iva netariro munguva dzakaoma.

Apo Muponesi paanouya zvakare, vakarurama vanozogara murunyararo. Muponesi anozotonga, uye kusaenzana kunozoruramiswa. “Nokuti Ishe vachava pakati pavo, uye kubwinya kwavo kuchava pavari, uye vanozova mambo wavo uye nemupi wemutemo wavo” (Dzidziso neZvibvumirano 45:59).

Mufananidzo
musikana wechidiki

Rwekuvimba muKumuka kweVakafa.

Vanhu vose vanozomutswa kuvakafa. Tinozova nemiviri yakarurama, isingazofa. Tinozokwanisa kuona zvakare vadikanwi vedu vakafa. “Mweya nomuviri zvichabatanidzwa zvakare muchimiro chawo chakarurama; zvose mitezo nenhengo dzose zvichadzorerwa pachimiro chazvo chakarurama kunyangwe sezvatakaita panguva ino” (Aruma 11:43).

Mufananidzo
Jesu Kristu achizviratidza kuvaNifai

VaNifai vekare vakanga vaine rutendo muMuponesi Asati auya. Tinokwanisa kuva nerutendo kuti Muponesi anozouya zvakare—apo “patichaMuona mumakore edenga, akapfeka simba nekubwinya kukuru” (Dzidziso neZvibvumirano 45:44; onawo Mabasa aVaApositora 1:11). Kuziva kuti Anozouya zvakare kunoshandurasei zvaunozoita nhasi?

Noti

  1. Russell M. Nelson, “Tariro yeIsiraeri” (munamato wevechidiki wepasi rose, Chikumi 3, 2018), Raibhurari yeVhangeri.