2017
Mufaro seMudzidzi waJesu Kristu
Nyamavhuvhu 2017


Vechidiki

Mufaro seMudzidzi waJesu Kristu

Wakambova nezuva rakaipa here? Chii chawakaita kuti uve unofara? Mutungamiri Uchtdorf vanoziva kuti “tese tine marwadzo emwoyo edu, zvigumbu zvedu, rusuwo rwedu. Tingangogona kana kunzwa kuora mwoyo uye dzimwe nguva kukundikana.”

Mhinduro yavo ndeye kurarama zvavanodaidza kuti “upenyu hwemudzidzi”: “ramba wakatendeka uye ramba uchifambira mberi murutendo.” Apo patinofambira mberi murutendo, tinokwanisa kuvimba naMwari, kuchengeta mirairo Yavo, uye nekushandira vamwe—uye tichinzwa mufaro munguva dzazvo zvose! Sekutaura kwakaita Mutungamiri Uchtdorf, “Avo vanorarama upenyu hwemudzidzi … ndivo avo vane zviito zvidiki zvavo zvinowanzoita siyano huru.”

Funga kuita udorongodzwa hwenzira dzaunokwanisa kurarama upenyu hwemudzidzi. Semuenzaniso, unokwanisa kunyora pasi pfungwa dzekushandira dzakaita “Sekubatsira mubereki kugadzira kudya kwemanheru” kana pfungwa yekuchengeta mirairo “Sekunamatira kuti ndikwanise kuve nemwoyo murefu wakanyanya nevana vamai vangu.” Nguva inotevera paunonzwa kushatiriswa kana kukundikana, buritsa mudorongodzwa wako, wosarudza pfungwa, uye woiedza!