2014
Basa Dzvene raJesu Kristu: Munyaradzi
Gunyana 2014


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Gunyana 2014

Basa Dzvene raJesu Kristu: Munyaradzi

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga kuziva izvo zvekugovera. Kunzwisisa upenyu nebasa reMuponesi zvinowedzera sei rutendo rwako maAri nekuropafadza avo vaunotaririra kuburikidza nedzidziso yekushanyirana? Kuwana rumwe ruzivo, enda ku www.reliefsociety.lds.org.

Ruvimbo • Mhuri • Rubatsiro

Jesu Kristu akavimbisa, “Handingakusiyi muri nherera; ndinovuya kwamuri” (Johane 14:18). Anozotipa “korona panzvimbo yamadota, mafuta emufaro panzvimbo yokuchema” (Isaya 61:3). Nokuda kwekuti Kristu akatambudzikira Rudzikinuro kune mumwe nemumwe wedu, Haazotikanganwi” “Muponesi wedu akatora paAri….. marwadzo edu uye matambudziko nezvinetso zvedu kuitira kuti Agokwanisa kuziva manzwiro edu uye kuti anotinyaradza sei,” akadaro Linda S. Reeves, mutevedzeri wechipri muhutungamiri hukuru hweChita choRubatsiro.1

Kuziva kuti Kristu achatinyaradza kunokwanisa kutiunzira runyararo nokutikurudzira kutevera muenzaniso Wake kuburikidza nokutaririra vamwe. Mutungamiri Thomas S. Monson vakati: “Ruzivo rwedu rwevhangeri uye rudo rwedu rwaBaba vedu Vokudenga nerweMuponesi wedu zvinozoti nyaradza nokutitsigira nokuunza rufaro kumoyo yedu apo patinofamba zvakarurama nokuchengeta mirairo. Hapana chinhu munyika muno chinokwanisa kuti kurira.”2

Kubva muMagwaro Matsvene

Johane 14:18, 23; Aruma 7:11–13; Dzidziso neZvibvumirano 101:14–16

Kubva muNhoroondo Yedu

Elaine L. Jack, mutungamiri mukuru weChita choRubatsiro wechigumi nevaviri, akati: “Mudzidziso yekushanyirana tinonanavirana. Zviito zvedu kazhinji zvinotaura izvo mashoko edu zvaasingakwanisi kutaura. Kumbundira kunorudo kunotaura zvakawanda zvikuru. Kuseka pamwechete kunotibatanidza. Chinguva chokugoverana chinovandudza mweya yedu. Hatikwanisi nguva dzose kusimudza mutoro weuyo anedambudziko, asi tinokwanis akumukurudzira kuitira kuti agokwanisa kuritakura zvakanaka.”3

Masisita edu eChita cheRubatsiro aiva pakati pevaparuri vechiMormoni vekutanga “vakawana simba remweya murudo nemutsa wemumwe nemumwe wavo. …Apo pavaitambura nezviyedzo zveurwere nerufu, vakanamatirana murutendo uye vakanyaradzana. ‘Rudo rwaMwari rwakayerera kubva kumoyo kuenda kune umwe moyo.’ akanyora Helen Mar Whitney, “kusvikira uyo akaipa ashaya simba mukuedza kwake kuuya pakati pedu naIshe, uye miseve yake yeutsinye, pane dzimwe nguva, yakashayiswa uturu hwayo.”4

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Linda S. Reeves, “The Lord Has Not Forgotten You,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2012, 120.

  2. Thomas S. Monson, “Be of Good Cheer,” Ensign kana Liahona, Kubvumbi 2009, 92.

  3. Elaine L. Jack, mu Daughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2011), 119.

  4. Daughters in My Kingdom, 34.

Funga Izvi

Kunzwisisa kuti Ishe vanokuyeuka kunokuunzira nyaradzo sei?