2011
Ita Chiito cheRutendo
Zvita 2011


Vechidiki

Ita Chiito cheRutendo

Ngatiregei kungotaura pamusoro pekuverenga maropafadzo edu—ngatizviitei! Nyora udorongodzwa hwezvinhu zana zvaunotenda nazvo. Kana zvichiita sezvakawandisa, edza izvi:

  1. Nyora kwaniso dzemuviri gumi dzaunotenda nadzo.

  2. Nyora zvinhu zvauinazvo gumi zvaunotenda nazvo.

  3. Nyora vanhu vapenyu gumi vaunotenda navo.

  4. Nyora vanhu vakafa gumi vaunotenda navo.

  5. Nyora zvinhu gumi pamusoro pezvisikwa zvaunote nda nazvo.

  6. Nyora zvinhu gumi pamusoro pezuva ranhasi zvaunotenda nazvo.

  7. Nyora nzvimbo dzepanyika gumi dzaunotenda nadzo.

  8. Nyora zvinhu gumi zvakagadzirwa nguva ino zvaunotenda nazvo.

  9. Nyora zvekudya gumi zvaunotenda nazvo.

  10. Nyora zvinhu gumi pamusoro pevhangeri zvaunotenda nazvo.

Apotinoita udorongodzwa hwakadai, tinoona kuti udorongodzwa hwezana hautomboswedera padyo pezvinhu zvose zvatakapihwa naMwari.