2010–2019
Vadziviriri veChiziviso cheMhuri kuNyika
Kubvumbi 2015


Vadziviriri veChiziviso cheMhuri kuNyika

Ngatibatsirei kuvaka umambo hwaMwari kuburikidza nekumira zvakasimba uye nokuva vadziviriri vemichato, hubereki nepamba.

Makomborero nemufaro kuva chikamu chegungano rino rinoshamisa revasikana nemadzimai. Takakomborerwa zvikuru isu semadzimai kubatanidzwa pamwechete mauro ano muyanano uye murudo.

Mufananidzo
mufananidzo Marie Madeleine Cardon

Munguva pfupi ichangopfuura ndakaverenga nyaya yaMarie Madeline Cardon, uyo, pamwepo nemhuri yake akatambira shoko revhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu kubva kuvashumiri vekutanga kudaidzwa kushandira muItaly muna 1850. Akanga ari musikana wechidiki wemakore gumi nemanomwe kana gumi nemasere apo pavakabhabhatidzwa. Mumwe musi weSvondo, apo mhuri yake payaiita munamato mumba mavo kumusoro kuMakomo ekuchamhembe kweItaly, mhomho yevarume vainge vakatsamwa, kusanganisira vamwe vafundisi vemunzvimbo iyoyo, vakaungana pamba apa uye vakatanga kupopota, vachiita zhowezhowe, uye vachidaidzira kuti vashumiri ngavaburitswe panze. Handifunge kuti vaishuwira kudzidziswa vhangeri—vaida kuvakuvadza. Akanga ari Marie mudiki akafamba kubuda mumba kunotarisana nemhomho iyi.

Vakaenderera mberi nezhowezhowe ravo raityisa uye nokumanikidzira kuti vashumiri vaburitswe panze. Marie akasimudza Bhaibheri rake muruoko rwake uye akavaraira kuti vaende. Akavaudza kuti magosa aiva pasi pedziviriro yake uye kuti havaikwanisa kukuvadza kana vhudzi rimwechete zvaro remumisoro yavo. Teererai kumashoko ake pachake: “Vese vakamira vakashamisika. Mwari vaive neni. Vakaisa mashoko iwawo mumuromo mangu nokuti ini handaikwanisa kuzoataura. Pakava nerunyararo, pakarepo. Chikwata chevarume vaityisa chakamira chapererwa nesimba pamberi pemusikana aiva asina simba, aidedera, asi asingatye.” Vafundisi vakaudza mhomho iyi kuti ibve, izvo zvayakaita chinyararire mukunyara, kutya, uye kudemba. Boka diki iri rakapedzisa musangano waro murunyararo.1

Mungafungidzira here musikana wechidiki iyeye, uyo angangova zera rimwechete nevazhinji venyu, achipikisana nemhomho uye achirwira chitendero chake chitsva neushingi nerutendeseko?

Masisita, vashoma vedu vanozombofa vakatarisana nemhomho yakatsamwa, asi pane hondo iri kuitika muupenyu hwuno umo dzidziso dzedu dzinodiwa zvikuru uye dzakakosha madziri kurwiswa. Ndiri kutaura kunyanya nezve dzidziso yemhuri. Utsvene hwepamba nezvinangwa zvakakosha zvemhuri zviri kupokanwa nazvo, kushoropodzwa, nekurwiswa nenzira dzese.

Apo Mutungamiri Gordon B.Hinckley pavakaverenga kekutanga “Mhuri: Chiziviso Kunyika” makore makumi maviri akadarika ayo gore rino, takatenda nekukoshesa rujekeso, rureruko, uye nechokwadi chegwaro iri rezaruro. Hatina kuziva panguva iyoyo kuti taizoda zvikuru sei zvirevo zvekutanga izvi munyika yanhasi semwero uyo watinokwanisa kutonga nayo dzidziso itsva yoga yoga yemunyika inouya kwatiri kubva kunhepfenuro, paIndaneti, kunyanzvi dzezvidzidzo, paterevhizheni nemafirimu, uye kunyangwe kuvatemi vemitemo. Chiziviso pamhuri chakava mwero wedu wekuyera nawo dzidziso dzenyika, uye ndinopupura kuti misimboti yakamiswa pamberi muchirevo ichi ndeye chokwadi nhasi sezvayakanga iri apo payakapiwa kwatiri nemuporofita waMwari makore angangoita makumi maviri akapfuura ayo.

Ndingaratidza here chimwe chinhu chiri pachena? Hupenyu hauwanzoenda chaizvo maererano nehurongwa kuna ani zvake, uye isu tinoziva kwazvo kuti haazi madzimai ese ari kuwana izvo zvinotsanangurwa nechiziviso ichi. Zvichiri zvinhu zvakakosha kunzwisisa uye kudzidzisa mutoo waIshe uye kuyedza nesimba rose kuwana ruzadzikiso rwemutoo iwoyo nepatinogona napo.

Mumwe nemumwe wedu ane basa rake rekuita muchirongwa ichi, uye mumwe nemumwe wedu anokosheswa zvakaenzana mumaziso aIshe. Tinofanira kurangarira kuti Baba Vokudenga vane rudo vanoziva zvido zvedu zvakarurama uye vanozozadzikisa zvivimbiso zvavo zvekuti hapana chinozonyimwa kune avo vanochengeta norutendeko zvibvumirano zvavo. Baba Vokudenga vane basa nechirongwa chemumwe nemumwe wedu, asiwo Vane nguva yakatarwa yavo pachavo. Chimwe chezvinetso zvakaomesesa muhupenyu hwuno ndechekuva nerutendo munguva yaIshe. Ipfungwa yakanaka kuva nechimwe chirongwa mupfungwa, icho chinotibatsira kuva madzimai anochengeta chibvumirano, anobatsira, uye akarurama ayo anovaka umambo hwaMwari zvisinei nekuti zviitiko zvehupenyu hwedu zvinoitika semarongero edu kana kwete. Isu tinofanira kudzidzisa vanasikana vedu kuti vavavarire mamiriro ezvinhu akanaka asi varongere zviitiko zvinongoerekana zvaitika.

Mukati megore rino remhembero yemakumi maviri rechiziviso chemhuri, ndinoda kupa daidzo kwatiri tese semadzimai eChechi kuva vadziviriri “veMhuri: Chiziviso kuNyika.” SaMarie Madeline Cardon akashinga kudzivirira vashumiri uye nechitendero chake chaakanga achangowana, tinofanira kushinga kudzivirira dzidziso dzakazarurwa dzaIshe dzinotsanangura muchato, mhuri, mabasa matsvene evarume namadzimai, uye kukosha kwedzimba senzvimbo dzinoyera—kunyangwe apo nyika pairi kushevedzera munzeve dzedu kuti misimboti iyi ndeye chinyakare isisashandi munguva ino, inodzivisa zvakawanda, kana kuti haichaenderana nenguva ino. “Munhu wese, zvisinei nemamiriro emuchato wavo kana huwandu hwevana vavo, vanokwanisa kuva vadziviriri vechirongwa chaIshe chakatsanangurwa muchiziviso chemhuri. Kana chiri chirongwa chaIshe, chinofanirawo kuva chirongwa chedu!

Pane misimboti mitatu inodzidziswa muchiziviso ichi iyo yandinofunga kuti inonyanya kuda vadziviriri vasingazungunuki. Chekutanga muchato pakati pemurume nemukadzi. Tinodzidziswa mumagwaro matsvene, “Kunyangwe zvakadaro muna Ishe mukadzi haazi kunze kwomurume, nomurume kunze kwomukadzi.”.2 Kuitira kuti ani zvake awane kuzara kwemaropafadzo ehupirisita, panofanira kuve nemurume nemukadzi vakabatanidzwa muimba yaIshe, vachishanda pamwechete muururami uye vachiramba vakatendeka kuzvibvumirano zvavo. Ichi chirongwa chaIshe chevana Vavo, uye hapana huwandu hwehurukuro yeruzhinji kana kushoropodzwa kunozoshandura izvo zvakaziviswa naIshe. Tinofanira kuramba tiri mienzaniso yemichato yakarurama, totsvaga chikomborero ichocho muhupenyu hwedu, uye tova nerutendo kana chiri chichinonoka kuuya. Ngativei vadziviriri vemuchato sokugadzwa kwawakaitwa naIshe tichiramba tichiratidza rudo netsitsi kune avo vane maonero akasiyana.

Musimboti unotevera unoda manzwi erudziviriro edu ndeuyo wekuremekedza mabasa ehumwari anaamai nanababa. Isu tinodzidzisa nechido vana vedu kuvavarira kumusoro muhupenyu huno. Tinoda kuita chokwadi kuti vanasikana vedu vanoziva kuti vane kwaniso yokubudirira uye kuva chero icho chavanogona kufungidzira. Tinotarira kuti vanozoda kudzidza, kuve vakadzidza, vane matarenda, uye pamwe kunyangwe kuzova saMarie Curie kana Eliza R. Snow.

Tinodzidzisawo here vanakomana nevanasikana vedu kuti hakuna rukudzo rukuru, hakuna zita rakakwidziridzwa, uye hakuna basa rakakosha muhupenyu huno kupfuura iro raamai kana baba? Ndinovimba kuti apo patinokurudzira vana vedu kuti vasvike kune zvakanakisa muhupenyu huno kuti tinovadzidzisawo kukudza nekusimudzira kumusoro-soro mabasa anoitwa nanaamai nanababa muchirongwa chaBaba Vekudenga.

Mwanasikana wedu wekupedzisira, Abby, akaona mukana wakasiyana neimwe yose wekumira semudziviriri webasa raamai. Rimwe zuva akatambira chiziviso kubva kuchikoro chevana vake kuti vaive nezuva retaridzo pachikoro dzezvemabasa akasiyana vana avangangoda kuzoita ramangwana. Vabereki vakakokwa kuti vatumire chikumbiro kana vaida kuuya kuchikoro kuzodzidzisa vana nezve mabasa avo, uye Abby akanzwa kukurudzirwa kunyorera kuti auye kuzotaura nezvekuva amai. Haana kunzwa mhinduro kubva kuchikoro, uye apo zuva retaridzo dzezvemabasa parakanga roswedera, akazofonera chikoro, achifunga kuti vanogona kunge vakarasa chikumbiro chake. Varongi vakatsvaga vakawana vadzidzisi vaviri vakabvuma kuti Abby auye kuzotaura nemakirasi avo pakupera kwezuva racho retaridzo dzezvemabasa.

Muratidzo yake yainakidza zvikuru kuvana, Abby akavadzidzisa, pakati pezvimwe zvinhu, kuti saamai aifanira kuve nyanzvi mune zvemishonga yekurapa, zveutano hwepfungwa, zvechitendero, kudzidzisa, mumhanzi, zvinyorwa, hunyanzvi hweati, zvemari, kushongedza dzimba, kugadzira vhudzi, kutyaira motokari uchiendesa vana kunzvimbo dzakasiyana-siyana, mitambo, unyanzvi munezvekubika, uye nezvimwewo zvakawandisa. Vana vakashamiswa zvikuru. Akapedzisa nekuita kuti vana varangarire vanaamai vavo nekuvanyorera tsamba dzekuvatenda vachiratidza kutenda nezviito zvemishando zvorudo zvakawanda zvavaigamuchira zuva nezuva. Abby akanzwa kuti vana vakaona vanaamai vavo nemamwe mafungiro matsva uye kuti kuva amai kana baba kwaiva chimwe chinhu chakakosha zvikuru. Akanyorera achikumbira kuti agovere zvakare gore rino pazuva retaridzo yezvemabasa uye akakokwa kuzoita ratidzo kumakirasi matanhatu.

Mufananidzo
mukadzi akabata mufananidzo wevana

Abby akataura nezvechiitiko chake achiti: “Ndinonzwa sekuti zvinogona kuve nyore munguva yeupenyu huno kuti mwana awane pfungwa yekuti kuve mubereki ibasa risinakukosha kana kunyangwe dzimwe nguva sechinetso chakafanira. Ndinoda kuti mwana wese anzwe sekuti ndiye anokosheswa zvakanyanya nemubereki wake, uye pamwe kuvaudza makoshero akaita kuva mubereki kwandiri kunozovabatsira kuona zvese izvo zvavanoitirwa nevabereki vavo uye nokuti sei.”

Muporofita wedu anodikanwa, Mutungamiri Thomas S. Monson, muenzaniso unoshamisa wekukudza vanhukadzi uye humai, kunyanya amai vavo pachavo. Vachitaura nezvanaamai vedu vepanyika, vakati: “Mumwe nemumwe wedu ngaakoshese chokwadi ichi; munhu haukwanise kukanganwa amai uye worangarira Mwari. Munhu haakwanisi kurangarira amai uye wokanganwa Mwari. Sei? Nekuti vanhu vanoyera vaviri ava, Mwari naamai [vedu vepanyika], vanobatana mukusika, murudo, mukuzvipira, mukushandira, vakaita semunhu mumwechete.”3

Musimboti wekupedzisira watinofanirwa kumira tichidzivirira ndewe utsvene hwepamba. Isu tinofanira kutora shoko iro dzimwe nguva rinotaurwa nezvaro neruseko torisimudzira. Izwi rekuti mumisi nemutariri wemba. Tose isu-vakadzi, varume, vechidiki, uye vana, vasina kuchata kana vakachata—tinogona kushanda pakuve vamisi nevatariri vedzimba. Tinofanira “kuita dzimba dzedu” nzvimbo dzakarongeka, dzehutiziro, dzeutsvene, uye dzeruchengeteko. Dzimba dzedu dzinofanira kuve nzvimbo dzinonzwikwa Mweya waIshe wakawanda zvikuru uye umo magwaro matsvene nevhangeri mazvinonzverwa, nokudzidziswa uye nokuraramwa. Zvingaite mutsauko mukuru munyika kana vanhu vese vakazviona sevamisi vedzimba dzakarurama. Ngatidzivirirei pamba senzvimbo inotevera mushure metemberi chete muhutsvene.

Masisita, ndinotenda kuva mudzimai mumazuva ano ekupedzisira. Isu tine mikana nekwaniso izvo zvisina kumbova nechimwe chizvarwa chipi zvacho chemadzimai munyika. Ngatibatsirei kuvaka umambo hwaMwari kuburikidza nekumira zvakasimba uye nokuva vadziviriri vemichato, hubereki nepamba. Ishe vanoda kuti tive varwi vakashinga, vasingazungunuki uye vasingasunduruki avo vanozodzivirira chirongwa Chavo nekudzidzisa zvizvarwa zviri kuuya zvokwadi Zvavo.

Ndinopupura kuti Baba Vokudenga vanorarama uye vanoda mumwe nemumwe wedu. Mwanakomana wavo, Jesu Kristu, ndiye Muponesi neMununuri wedu. Ndinosiya uchapupu uhu nemi nemuzita raJesu Kristu, ameni.

Zvinyorwa

  1. Ona Marie Madeline Cardon Guild, “Marie Madeline Cardon Guild: An Autobiography, cardonfamilies.org/Histories/MarieMadelineCardonGuild.html; onawo Marie C. Guild autobiography, zvingangova muna 1909, Church History Library, Salt Lake City, Utah.

  2. 1 Vakorinte 11:11

  3. Thomas S. Monson, “Behold Thy Mother, Ensign, Ndira 1974, 32.