Magwaro Matsvene
Mosesi 8


Chitsauko 8

(Kukadzi 1831)

Metusara anoporofita—Noa nevanakomana vake vanoparidza vhangeri—Kuipa kukuru kunovepo—Kudaidzira kutendeuka hakuteererwe—Mwari vanotsidzira kuti nyama yose iparadzwe neMafashamu.

1 Uye mazuva ose aEnoki aiva mazana mana nemakumi matatu emakore.

2 Uye zvakaitika kuti aMetusara, mwanakomama waEnoki, haana kutorwa, kuti zvibvumirano zvaIshe zvizadzikiswe, izvo vakabvumirana zvechokwadi naEnoki kuti Noa akafanira kuve muchero wechiuno chake.

3 Uye zvakaitika kuti Metusara akaporofita kuti kubva muchiuno chake muchabuda hwose umambo hwepasi (kuburikidza naNoa), uye akatora kubwinya kukave kwake.

4 Uye kwakauya nzara huru munyika, uye Ishe vakatuka pasi nokutuka kunorwadza, uye vazhinji vevagari vemo vakafa.

5 Uye zvakaitika kuti Metusara akararama kwezana nemakumi masere emakore, uye akabereka Rameki;

6 Uye Metusara akararama, mushure mekubereka Rameki, mazana manomwe nemakumi masere nemaviri emakore, akabereka vanakomana nevanasikana;

7 Uye ose mazuva aMetusara aive mazana mapfumbabwe nemakumi matanhatu nemapfumbabwe emakore, uye akafa.

8 Uye Rameki akagara kwezana nemakumi masere nemaviri emakore, uye ndokubereka mwanakomana,

9 Uye akadaidza zita rake kuti aNoa, achiti: Uyu mwanakomana achatinyaradza pane zvebasa redu nokushanda nemaoko edu, pamusana pevhu bratukwa naIshe.

10 Uye Rameki akagara, mushure mekubereka Noa, mazana mashanu nemakumi mapfumbamwe ane mashanu emakore, uye akabereka vanakomana nevanasikana;

11 Uye ose mazuva aRameki aive mazana manomwe nemakumi manomwe ane manomwe emakore, uye akafa.

12 Uye Noa aive nemazana mana nemakumi mashanu emakore, uye aakabereka Jafeti; uye mushure memakumi mana nemaviri emakore akabereka bShemi nemukadzi akanga ari amai vaJafeti, uye ave nemazana mashanu ekuberekwa ndipo paakabereka cHami.

13 Uye aNoa nevanakomana vake bvakateerera kuna Ishe, uye vakaita hany’a, uye vakadaidzwa kunzi cvanakomana vaMwari.

14 Uye vanhu ava pavakatanga kuwanda pamusoro penyika, uye vanasikana vakazvarwa kwavari, avanakomama vevanhu vakaona kuti vanasikana avo vakanga vakanaka, uye vakavatora kuvaita vakadzi, kunyangwe sezvavakasarudza.

15 Uye Ishe vakati kuna Noa: Vanasikana vevanakomana vako avazvitengesa; nokuti tarisai kushatirwa kwangu kwatungidzirwa vanakomana vevanhu, nokuti havateerere kuzwi rangu.

16 Uye zvakaitika kuti Noa akaporofita, uye akadzidzisa zvinhu zvaMwari, kunyangwe sezvazvakange zvakaita pakutanga.

17 Uye Ishe vakati kuna Noa: Mweya wangu hauchagara auchishingaira nemunhu, nokuti achaziva kuti yose bnyama ichafawo; asi mazuva ake achave zana nemakumi maviri emakore; uye kana vanhu vakasatendeuka, ndichatumira cmafashamu kwavari.

18 Uye mumazuva iwayo maive nevanhu avahombe munyika, uye vakatsvaga Noa kuti vatore upenyu hwake; asi Ishe vakange aina Noa, uye bsimba raIshe raive paari.

19 Uye Ishe avakagadza bNoa maererano cnehurongwa hwake, uye vakamuraira kuti aende uye dkunoparidza Vhangeri ravo kuvana vevanhu, kunyangwe sekupihwa kwarakaitwa kuna Enoki.

20 Uye zvakaitika kuti Noa akadaidza kuvana vevanhu kuti avatendeuke, asi havana kuda kunzwa mazwi ake;

21 Uye zvakare, mushure mekunge vamunzwa, vakauya kwaari, vachiti: Tarisai, tiri vanakomana vaMwari; hatina kunozvitorera here vanasikana vevanhu? Uye hatizi akudya tichinwa here, nokuroora nokupa mukuroorana here? Asi vakadzi vedu vanotizvarira vana, uye vamwechetevo varume vanotyisa, uye vakafanana nevarume vekare, varume vemukurumbira mukuru. Uye havana kuda kunzwa kumazwi aNoa.

22 Uye Mwari vakaona kuti akuipa kwevanhu kwakanga kwakura munyika; uye wose munhu akanga akasimudzirwa mune zvaaiona bzvepfungwa dzemwoyo wake, zviri zvakaipa chete nguva dzose.

23 Uye zvakaitika kuti Noa akaramba aachiparidza kuvanhu, achiti: Inzwai, uye mupe hanya kumazwi angu;

24 aTendai uye mutendeuke kuzvitadzo zvenyu uye bmubhabhatidzwe muzita raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari, kunyangwe semadzibaba edu, uye muchagashira Mweya Mutsvene, kuti muwane zvinhu zvose czvaratidzwa; uye kana musina kuita izvi mafashamu ichauya pamuri; zvakadaro havana kuteerera.

25 Uye zvakatendeudza Noa, uye mwoyo wake ukarwadza kuti Ishe vakanga vaita munhu panyika, uye zvakamusuwisa mumwoyo.

26 Uye Ishe vakati: aNdichaparadza munhu uyo wandakasika, kubva pamusoro penyika, zvose munhu nemhuka, nezvinhu zvinokambaira, neshiri dzedenga, nokuti zvinotendeudza Noa kuti ndakazvisika, uye kuti ndakazviita; uye adaidza kwandiri; nokuti vari kutsvaga upenyu hwake.

27 Uye Noa akawana anyasha mumaziso aIshe; nokuti Noa akanga ari munhu akarurama, uye bakakwana muchizvarwa chake; uye caifamba naMwari; sezvaiitawo vanakomana vake vatatu, Shemi, Hami, naJafeti.

28 Nyika yakanga ayaora pamberi paMwari, uye yakange izere kurwisana.

29 Uye Mwari vakatarisa panyika, uye, tarisai, yakange yakaipa, nokuti nyama yose yakanga yaipisa nzira yavo pamusoro penyika.

30 Uye Mwari vakati kuna Noa: Kupera kwenyama yose kwauya pamberi pangu, nokuti nyika izere nokurwisana, uye tarisai andichaparadza yose nyama kubva panyika.