Magwaro Matsvene
Mosesi 7


Chitsauko 7

(Zvita 1830)

Enoki anodzidzisa, anotungamira vanhu, uye anosudurudza makomo—Guta reZioni rinomiswa—Enoki anofanoona kuuya kweMwanakomana weMunhu, mupiro wake werudzikinuro, nokumuka kuvakafa kweVatendi—Anofanoona kuDzorerwa kweVhangaeri, Kuungana, Kuuya kweChipiri, nokudzoka kweZioni.

1 Uye zvakaitika kuti Enoki akaramba achitaura, achiti: Tarisai, baba wedu Adama akadzidzisa zvinhu izvi, uye vazhinhji vakatenda uye vakave avana komana vaMwari, uye vazhinji havana kutenda, uye vakafa vari muzvivi zvavo, uye varikutarisa bnokutya, nokushungurudzwa nokuti kushatirwa kwakaipa kwaMwari kuchadirwa pavari.

2 Uye kubvira panguva iyoyo Enoki akatanga kuporofita, achiti kuvanhu: Pandakanga ndichifamba, uye ndimire panzvimbo inonzi Mahuja, uye ndakachema kuna Ishe, kwakauya izwi rakabva kudenga, richiti—Tendeuka, uye ukwire pagomo rinonzi Simeoni.

3 Uye zvakaitika kuti ndakatendeuka ndikakwira pagomo iroro; uye ndimire pagomo iri, ndakaona matenga achizuruka, uye ndikapfekedzwa anokubwinya;

4 Uye ndakaona Ishe; uye vakamira pamberi peuso hwangu, uye vakataura neni, kana sekutaura kunoita munhu nemumwe munhu, atakatarisana; uye vakati kwandiri: bTarisa, uye tichakuratidza nyika kwenguva yezvizvarwa zvizhinji.

5 Uye zvakaitika kuti ndakaona nhika yeShumu, uye onai, vanhu vakuru vaigara mumatende, vaive vanhu veShumu.

6 Uye zvakare Ishe vakati kwandiri: Tarisa; uye ndikatarisa nechekuchamhembe, uye ndikaona vanhu veKanani, vaigara mumatende.

7 Uye Ishe vakati kwandiri: Porofita; uye ini ndikaporofita ndichiti: Tarisai vanhu veKanani, avo vakawanda, vachaenda muzvipfeko zvehondo kunorwisa vanhu veShumu, uye vachavauraya zvekuti vachabva vaparara zvachose; uye vanhu veKanani vachapatsanurana munyika imomu, uye nyika yacho ichave isinga bereki, isina michero, uye hakuna vamwe vanhu vachagaramo asi vanhu veKanani;

8 Nokuti tarisai, Ishe vachatuka nyika iyi nokupisa kwakanyanya, uye kusabereka kwayo kuchaenda narinhi; uye pakave anekusviba kwakauya pane vose vana vaKanani, zvekuti vakashorwa pakati pevanhu vose.

9 Uye zvakaitika kuti Ishe vakati kwandiri: Tarisa; uye ndikatarisa, uye ndikaona nyika yeSharoni, nenyika yaEnoki, nenyika yaOmuna, nenyika yaHeni, nenyika yaShemi, nenyika yaHana, nenyika yaHanania, nevanhu vacho vose vaigaramo;

10 Uye Ishe vakati kwandiri: Enda kuvanhu ava, uye unoti kwavari—aTendeukai, potse ndingabude ndikavarova nechituko, uye vakafa.

11 Uye akandipa murairo kuti andibhabhatidze muzita raBaba, reMwanakomana, uyo azere bnenyasha nechokwadi, nereMweya cMutsvene, uyo unopupura nezvaBaba neMwanakomana.

12 Uye zvakaitika kuti Enoki akaramba achidaidzira kuvanhu vose, kunze kwevanhu veKanani kuti vatendeuke.

13 Uye rwakanga rwakakura zvikuru arutendo rwaEnoki, zvekuti akatungamira vanhu vaMwari, uye vavengi vavo vakauya kuzorwa navo; uye akataura izwi raIshe, uye pasi pakandengendeka, uye bmakomo akatiza, kunyangwe zvaive maererano nokutaura kwakwe; uye chova dzemvura dzikabviswa mugwara radzo; uye kudzvova kweshumba kukanzwika kubva murenje; uye ose marudzi akatya zvikuru, rakanga drakasimba chaizvo izwi raEnoki, nerurimi rwaive nesimba urwo Mwari rwavakanga vamupa.

14 Ipapo pakabudawo nyika kubva muhudzami hwegungwa, uye vavengi vevanhu vaMwari vakave nekutya kukuru, zvekuti vakatiza vakanomira vave kure uye vakaenda panyika yakabuda muhudzami hwegungwa.

15 Uye varume avahombe vemunyika naivo, vakamira kure, uye kukaenda kutukwa kune vose vanhu vairwa naMwari;

16 Uye kubvira panguva iyoyo kwakave nehondo iyoyo nokudeuka kweropa pakati pavo; asi Ishe vakauya vakagara nevanhu vake, uye ivo vakagara mukururama.

17 aKutya Ishe kwakave pamarudzi ose, kubwinya kwaIshe kwakanga kuri kukuru, kwaive pavanhu vake. Uye Ishe bvakaropafadza nyika, uye vakaropafadzwa vave mumakomo, nemunzvimbo dzakakwirira, uye vakabudirira.

18 Uye Ishe vakadaidza vanhu vavo kuti aZioni, nokuti vakanga vaine mwoyo bmumwechete nepfungwa imwechete, uye vachigara muururami; uye pakanga pasina murombo pakati pavo.

19 Uye Enoki akaenderera mberi nokuparidza kwake muururami kune vanhu vaMwari. Uye zvakaitika kuti mumazuva ake akavaka guta rakadaidzwa kuti Guta reHutsvene kunyangwe Zioni.

20 Uye zvakaitika kuti Enoki akataura naIshe; uye akati kuna Ishe: Chokwadi aZioni ichagara isina chinoiwana narinhi. Asi Ishe vakati kuna Enoki: Zioni ini ndairopafadza, asi vanhu vakasara ndakavatuka.

21 Uye zvakaitika kuti Ishe vakaratidza Enoki vose vagari vepasi; uye akatarisa, uye tarisai Zioni, mukufamba kwenguva ayakatorwa ikaenda kudenga. Uye Ishe vakati kuna Enoki: Tarisa nzvimbo yangu yandigere narinhi.

22 Uye Enoki akaonawo vakasara vevanhu vaive vanakomana vaAdama; uye vaive vakasangana vose vembeu yaAdama kunze kwembeu yaKaini, nokuti mbeu yaKaini vaive avatema, uye vakanga vasina nzvimbo pakati pavo.

23 Uye mushure mukunge Zioni yatorwa akudenga, Enoki bakaona, uye tarisai, marudzi cose enyika aive pamberi pake;

24 Uye pakauya chizvarwa pamusoro pechizvarwa; uye Enoki aive pamusoro aakasimudzwa uye kunyangwe pachipfuva chaBaba, necheMwanakomana weMunhu; uye tarisai, simba raSatani rakave pamusoro pose penyika.

25 Uye akaona ngirozi dzichidzika kubva kudenga; uye akanzwa izwi guru richiti: Nhamo, nhamo kuvagari vepasi.

26 Uye akaona Satani; uye akanga aine azingetani guru muruoko rwake, uye rwakafukidza pamusoro pose penyika bnerima; uye akatarisa kumusoro uye akaseka, uye cngirozi dzake dzikafara.

27 Uye Enoki akaona angirozi dzichidzika kubva kudenga, dzichipa buchapupu pamusoro paBaba neMwanakomana; uye Mweya Mutsvene ukawira pane vazhinji, uye vakabatwa nemasimba ekudenga vakapinzwa muZioni.

28 Uye zvakaitika kuti Mwari vedenga vakatarisa pane vakasara vevanhu, uye vakachema; uye Enoki akazvipupura, achiti: Zvinoitika sei kuti matenga acheme, uye agodonhedza misodzi yawo semvura iri kunaya mumakomo?

29 Uye Enoki akati kuna Ishe: Zvinoitika sei kuti imi amungacheme, tichiona kuti muri mutsvene, uye kubva kune kose kusingaperi kusvika kusingaperi kose.

30 Uye dai zvaiitika kuti munhu averenge mhunze dzevhu, hongu, mamirioni aenyika dzakawanda akadai hakwaive kutanga kwekuverenga bzvamakasika; uye micheka yenyu ichiri kutambanudzwa, uye asi imi muchiriko, nechifuva chenyu chiriko; nemiwo makarurama; imi muzere netsistsi nemwoyo chena;

31 Uye matora Zioni mukaiisa pachipfuva chenyu, kubva kune zvamakasika zvose, kubva kwose kokusingapere kusvika kwose kwekusingapere; uye pasina asi arunyararo, bkururamisa, uye cchokwadi ndimo munzvimbo yechigaro chenyu cheumambo; uye tsitsi dzichienda pamberi penyu uye dzingasave nemagumo; zvinoitika sei kuti mungacheme?

32 Ishe vakati kuna Enoki: Tarisa ava hama dzako ahunyanzvi hwemaoko angu, uye ndakavapa bruzivo rwavo, muzuva randakavasika; uye muBindu reEdeni, ndakapa munhu kuti cazvisarudzire.

33 Uye kuhama dzako ndikati, uye vakapihwawo murairo kuti vanofanira akudanana, uye kuti vasarudze ini, Baba vawo; asi tarisai, havana rudo, uye vanovenga ropa ravo;

34 Uye amoto wokushatirwa kwangu watungidzirwa ivo; uye mukushatirwa kwangu kunopisa ndichatumira bmafashamu zhinji kwavari; nokuti kushatirwa kwangu kunotyisa kwakatungidzirwa ivo.

35 Tarisai, ndini Mwari; aMurume weHutsvene ndiro zita rangu; Murume weKuraira ndiro bzita rangu; uye Vasinamagumo Vokusingaperi izita ranguwo.

36 Nokudaro, ndinogona kutambanudza maoko angu uye ndikamisa kwose kusika kwandakaita; uye aziso rangu anogona kuzvibayawo, uye mukati mehunyanzvi hwemaoko angu hapana kuve bnokuipa kwakanyanya sekuri mukati mehama dzako.

37 Asi tarisai, zvitadzo zvavo zvichave pamisoro yemadzibaba avo; Satani achave baba wavo, uye kusuwa kuchave kutambudzika kwavo; uye matenga ose achavachemera, kunyangwe hwose hunyanzvi hwemaoko angu; nokudaro matenga haangachemi here, nokuona kuti ava vachatambudzika?

38 Asi tarisai, ava pane maziso ako vachafa mumafashumu; uye tarisai, ndichavapfigira; ndakavagadzirira atorongo.

39 Uye auyo wandakasarudza akateterera pameso pangu. Nokudaro, anotambudzikira zvitadzo zvavo; kana vari vanozotendeuka muzuva iro wangu bAkasarudzwa achadzokera kwandiri, uye nemuzuva ravachange vari cmukurwadziwa;

40 Nokudaro, pamusana pezvitadzo matenga achachema, hongu, nehunyanzvi hwose hwemaoko angu.

41 Uye zvakaitika kuti Ishe vakataura kuna Enoki, uye akaudza Enoki zvinhu zvose zvaiitwa nevana vevanhu; nokudaro Enoki akaziva, akatarisa kuipa kwavo, nekusuwa kwavo, uye akachema akatambanudza maoko ake, uye amwoyo wake wakatutuma zvakapamhama sekusingaperi, uye hura hwake hwakachemerera, nokusingapere kwose kukazunguzika.

42 Uye Enoki naiyewo akona aNoa, bnemhuri yake; kuti vana vose vevanakomana vaNoa vaifanira kuponeswa neruponeso rwenyama;

43 Nokudaro Enoki akaona kuti Noa akavaka aareka; uye nokuti Ishe vakafadzwa nayo, uye vakaibata mumaoko avo; asi pane vakasara vevakaipa mafashamu akauya uye akavamedza.

44 Uye Enoki paakaona izvi, akanzwa kurwadza kwemwoyo akachema pamusana pehama dzake, uye akati kumatenga: aNdicharamba kunyaradzwa; asi Ishe vakati kuna Enoki: Simudza mwoyo wako; uye ufare; utarise.

45 Uye zvakaitika kuti Enoki akatarisa; uye kubva kuna Noa, akaona dzose mhuri dzepasi; uye akachema kuna Ishe, achiti: Zuva raIshe richauya rinhi? Ropa revakarurama richadeurwa rinhi, kuti vose avo vanochema vagogona kuti avacheneswe uye nokuwana upenyu hwokusingaperi?

46 Uye Ishe vakati: Richave amukukwana kwenguva, mumazuva ehuipi nokutsividza.

47 Uye tarisai, Enoki akaona zuva rekuuya kweMwanakomana weMunhu, kunyangwe munyama; uye mweya wake ukafara, achiti: Wakarurama asimudzwa, aGwayana rauraiwa kubva kumavambo enyika; uye kuburikidza nerutendo ndiri muchipfuva chaBaba, uye tarisai, bZioni ineni.

48 Uye zvakaitika kuti Enoki akatarisa apanyika; uye akanzwa izwi richibva muhura mayo, richiti: Nhamo, nhamo kwandiri, amai vevanhu; ndarwadziwa, ndaneta pamusana pekuipa kwevana vangu. bNdichazorora riini, uye kuti ndigogezwa ctsvina yose iyo yakaenda ichibva pandiri? Musiki wangu anondichenesa rinhi, kuti ndizorore, uye kuti kurururama kwechinguvana kumbogara pameso pangu?

49 Uye Enoki paakanzwa nyika ichichema, akachema, uye akachema kuna Ishe achiti: Ishe, hamungandinzwirewo tsitsi panyika here? Hamungaropafadze vana vaNoa here?

50 Uye zvakaitika kuti Enoki akaramba achichema kuna Ishe achiti: Ndinokukumbirai Ishe, muzita rewenyu Mumwechete Akaberekwa, kunyangwe Jesu Kristu, kuti muve netsitsi kuna Noa nembeu yake, kuti nyika isazozarazve nemvura zhinji.

51 Uye Ishe havaikwanisa kuramba; uye vakabvumirana naEnoki, uye vakapika kwaari nemhiko, kuti vachamisa amafashamu; kuti vaizodaidzira kuvana vaNoa;

52 Uye akatumira chiziviso chisingagone kushandurwa, kuti avakasara vembeu yake vanofanira kunge vachiwanikwa nguva dzose pakati pemarudzi ose, nyika ichakamira;

53 Uye Ishe vakati: Akaropafadzwa uyo anoti kuburikidza nembeu yake Mesia achauya; nokuti anoti—Ndini aMesia, bMambo weZioni, cDombo reDenga, iro rakapamhama sekusingapere; ani zvake anouya nepamusuwo uye dakakwira nepaneni haapunzike; nokudaro, vakaropafadzwa avo vandataura nezvavo, nokuti vachauya enedzimbo dzerufaro rwusingaperi.

54 Uye zvakaitika kuti Enoki akachema kuna Ishe achiti: Kana Mwanakomana weMunhu achiuya ari munyama, nyika ichazorora here? Ndinokukumbirai, ndiratidzei zvinhu izvi.

55 Uye Ishe akati kuna Enoki: Tarisa, uye akatarisa uye akaona aMwanakomana weMunhu akasimudzwa bpamuchinjikwa, mutsika yevanhu;

56 Uye akanzwa izwi guru; uye matenga akadzikatirwa; uye zvose zvisikwa zvaMwari zvakachema; uye nyika aikagomera; uye matombo akatsemuka; uye vatendi bvakamuka, uye cvakagadzwa korona kuruoko drwerudyi rweMwanakomana weMunhu, nengundu dzekubwinya;

57 Uye sekuwanda akwemweya yose yakange iri bmutirongo yakamuka, uye yakabuda ikamira kuruoko rwerudyi rwaMwari; uye vakasara vakasiiwa vari mungetani dzerima kusvika zuva guru rekutongwa.

58 Uye zvakare Enoki akachema uye akadaidzira kuna Ishe achiti: Nyika ichazorora rinhi?

59 Uye Enoki akaona Mwanakomana weMunhu achikwira kumusoro kuna Baba; uye akadaidza kuna Ishe achiti: Hamuchazouya zvakare panyika here? Nokuti kana muri Mwari, uye ini ndinokuzivai, uye imi makapika kwandiri, uye mukanditaurira kuti ndinofanira kukumbira muzita rewenyu Mumwechete Akaberekwa; makandisika, uye mukandipa ini mvumo kuchigaro chenyu, uye kwete yangu ini, asi kuburikidza nenyasha dzenyu; nokudaro, ndinobvunza kwamuri kuti hamuchauya zvakare here panyika.

60 Uye Ishe vakati kuna Enoki: Sekuve mupenyu kwandiri, kunyangwe saizvozvo ndichauya mumazuva aekupedzisira, mumazuva ekuipa nekutsividza, kuzadzikisa mhiko iyo yandakaita kwauri maererano nevana vaNoa;

61 Uye zuva richauya rekuti nyika aichazorora, asi risati rasvika, matenga achaitwa bmatema, uye cchidzitiro cherima chichafugidza nyika; uye matenga achazunguzuka, uye kana nenyika; uye kutambudzika kukuru kuchavepo pakati pevana vevanhu, asi vanhu vangu dndichavachengetedza;

62 Uye ndichatumira akururama pasi kubva kudenga; uye bchokwadi ndichatumira kubva cmunyika, dkuzopupura pamusoro pewangu Mumwechete Akaberekwa; ekumuka kwake kuvakafa; hongu, nokumukawo kuvakafa kwevose vanhu; uye kururama nechokwadi ndichaita kuti kutsvaire nyika kuita semafashamu, kuti fndiunganidze vakasarudzwa vangu kubva kumativi mana epasi vachienda kunzvimbo yandichagadzira, Guta Dzvene, kuti vanhu vangu vagosunga zviuno zvavo, uye vachitarisira nguva yekuuya kwangu; nokuti ndipo pachave netabernakeri iyo ichadaidzwa kuti Zioni, Jerusarema gIdzva.

63 Uye Ishe vakati kuna Enoki: Zvino ndipo iwe aneguta rako rose pauchasangana navo, uye isu tichivagashira muzvipfuva zvedu, uye ivo vachitiona; uye tichawira pamitsipa yavo, uye ivo vachawira pamitsipa yedu, uye tichatsvodana;

64 Uye ipapo ndipo pachave nemusha wangu, uye uchave Zioni, iyo ichabva muzvisikwa zvose zvandakaita; uye kwenguva inoita achiuru chemakore nyika bichazorora.

65 Uye zvakaitika kuti Enoki akaona zuva arekuuya kweMwanakomana weMunhu, mumazuva ekupedzisira, kuzogara pano pasi mukururama kwenguva inoita chiuru chemakore;

66 Asi iroro risati rasvika akaona kutambudzika kukuru pakati pevakaipa; uye akaonawo gungwa, kuti riri kutambudzika, uye mwoyo yevanhu aichikundikana, vachitarisira nokutya bkutonga kwaSamasimba Mwari, uko kuchauya kune vakaipa.

67 Uye Ishe vakaratidza Enoki zvose zvinhu, kunyangwe kusvika kumagumo enyika; uye akaona zuva revakarurama, nguva yekununurwa kwavo, uye nokugashira kuzara akwerufaro;

68 Uye ose mazuva aeZioni, mumazuva aEnoki, aive mazana matatu uye ane makumi matanhatu nemashanu emakore.

69 Uye Enoki nevanhu vake vose avakafamba naMwari, uye akanga achigara pakati peZioni; uye zvakaitika kuti Zioni yakange isiri, nokuti Mwari vakaigashira muchipfuva chavo; uye kubvira ipapo pakafamba izwi raiti Zioni Yatiza.