Magwaro Matsvene
Mosesi 6


Chitsauko 6

(Mbudzi—Zvita 1830)

Mbeu yaAdama inochengeta bhuku rendangariro—Vana vake vakarurama vanoparidza kutendeuka—Mwari vanozviratidza kuna Enoki—Enoki anoparidza vhangeri—Hurongwa hweruponeso hwakaratidzwa kuna Adama—Akagashira rubhabhatidzo nehupirisita.

1 Uye aAdama akateerera kune izwi raMwari, uye akadaidza vana vake kuti vatendeuke.

2 Uye Adama akaziva mukadzi wake zvakare, uye akabara mwanakomana, uye akadaidza zita rake kuti aSeti. Uye Adama akarumbidza zita raMwari; nokuti akati: Mwari vandidomera imwe mbeu, munzvimbo yaAberi, uyo Kaini waakauraya.

3 Uye Mwari vakazviratidza pachavo kuna Seti, uye iye haana kupanduka, asi akapira amupiro wakatambirwa, sewe mukoma wake Aberi. Uye kuna iyewo kwakazvarwa mwanakomana, uye akadaidza zita rake kuti Enosi.

4 Uye ipapo ava varume vakatanga akudaidza zita raIshe, uye Ishe vakavaropafadza;

5 Uye abhuku rendangariro rakachengetwa, umo mainyorerwa, mururimi rwaAdama, nokuti zvakange zvakapihwa kune vose vaidaidza kuna Mwari kuti vanyore kuburikidza nemweya bwekufemerwa;

6 Uye kuburikidza naivo vana vavo vakadzidziswa kuverenga nokunyora, vaine mutauro wakange wakachena usina kusvibiswa.

7 Zvino ihwohu aHupirisita humwechetehwo, hwaivepo pakutanga, huchavepowo mukuguma kwenyika.

8 Zvino huporofita uhwo hwakataurwa naAdama, achifemerwa neMweya aMutsvene, uye bnhoroondo yemadzinza yakachengetwa cyevana vaMwari. Uye iri raive dbhuku rezvizvarwa zvaAdama, achiti: Muzuva iro Mwari ravakasika munhu, mumufananidzo waMwari vakamuita;

9 aMumufananidzo wemuviri wavo murume nemukadzi, vakavasika bivo uye vakavaropafadza vakadaidza mazita avo kuti cAdama, muzuva ravakasikwa uye vakave dmweya mipenyu munyika iri emuchituru chetsoka chaMwari.

10 Uye aAdama akagara kwemazana nemakumi matatu emakore, uye akabereka mwanakoma akafanana naye bmumufananidzo wake, uye akadaidza zita rake kuti Seti.

11 Uye mazuva aAdama, mushure mekunge abereka Seti, aive mazana masere emakore, uye akabereka vanakomana nevanasikana vazhinji;

12 Uye ose mazuva ayo akagarwa naAdama aive mazana mapfumbamwe nemakumi matatu emakore, uye akafa.

13 Seti akagara zana neshanu remakore, uye akabereka Enosi, uye akaporofita mumazuva ake ose, uye akadzidzisa mwanakomana wake Enosi munzira dzaMwari; nokudaro naiyewo Enosi akaporofita.

14 Uye Seti akagara, shure kwekubereka Enosi, mazana masere nemakore manomwe, uye akabereka vanakomana nevanasikana vazhinji.

15 Uye vana vevanhu vakawanda pamusoro penyika. Uye mumazuva iwayo Satani akanga aine ahutongi hukuru pakati pevanhu, uye achitonga nechisimba mumwoyo yavo; uye kubvira ipapo kwakauya hondo nokudeuka kweropa; uye ruoko rwemunhu rwairwisa hama yake, mukukonzera rufu, pamusana pemabasa bemuruvande, vachitsvaka simba.

16 Ose mazuva aSeti aive mazana mapfumbabwe ane makore gumi nemaviri, uye akafa.

17 Uye Enosi akagara makumi mapfumbamwe emakore, uye ndokubereka aKainami. Uye Enosi nevamwe vose vanhu vaMwari vakabuda munyika iyi, yainzi Shuroni, uye vakanogara munyika yechipikirwa, iyo yaakadaidza nezita remwanakomana wake, uyo waakanga atumidza kuti Kainami.

18 Uye Enosi akagara, mushure mekubereka Kainami, mazana masere negumi rine makore mashanu, uye akabereka vanakomana nevanasikana vazhinji. Uye ose mazuva aEnosi aive mazana mapfumbamwe nemakore mashanu, uye akafa.

19 Uye Kainami akagara makumi manomwe emakore, uye ndokubereka Maharareri; uye Kainami akagara mushure mekubereka Maharareri mazana masere ane makumi mana emakore, uye ndokubereka vanakomana nevanasikana. Uye ose mazuva aKainami aive mazana mapfumbamwe nemakore gumi, uye akafa.

20 Uye Muharareri akagara makumi matanhatu nemashamu emakore, ndokubereka Jaredi; uye Muharareri akagara, mushure mekunge abereka Jaredi, mazana masere nemakore makumi matatu, uye ndokubereka vanakomana nevanasikana. Uye ose mazuva aMuharareri aive mazana masere nemakumi mapfumbamwe nemakore ane mashanu, uye akafa.

21 Uye Jaredi akagara zana nemakumi matanhatu nemaviri emakore, uye ndokubereka aEnoki; uye Jaredi akagara, mushure mekubereka Enoki, mazana masere emakore, uye akabereka vanakomana nevanasikana. Uye Jaredi akadzidzisa Enoki munzira dzose dzaMwari.

22 Uye iyi ndiyo nhoroondo yekuberekwa kwevanakomana vaAdama, akanga ari amwanakomana waMwari, uyo aitaura naMwari pachake.

23 Uye vaive avaparidzi vekururama, uye vachitaura uye bvachiporofita, uye vachidaidza vose vanhu, kwose kwose, kuti cvatendeuke; uye drutendo rwakadzidziswa kuvana vevanhu.

24 Uye zvakaitika kuti ose mazuva aJaredi aive mazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu ane makore maviri, uye akafa.

25 Uye Enoki akagara makumi matanhatu nemakore mashanu, akabereka aMetusara.

26 Uye zvakaitika kuti Enoki akafamba munyika, mukati mevanhu; uye kufamba kwaaita, Mweya waMwari wakadzika kubva kudenga, uye ukagara paari.

27 Uye iye akanzwa izwi richibva kudenga, richiti: Enoki, mwanakomana wangu, porofita kuvanhu ava, uye uti kwavari—Tendeukai, nokuti vanodaro Ishe: aNdakashatirirwa vanhu ava uye kushatirwa kwangu kunotyisa kwatungidzirwa vanhu ava, nokuti mwoyo yavo yaoma, uye bnzeve dzavo hadzinzwe zvakanaka, uye maziso avo chaaone kure;

28 Uye kwezvizvarwa zvakawanda izvi, kubvira musi wandakazvisika, avakarasika, uye vakandiramba, uye vakatsvaga avo mazano murima; nemukunyangadza kwavo vakaronga humhondi, uye vakasachengeta mirairo, yandakapa kuna baba wavo, Adama.

29 Nokudaro, vakapika nhema, anemhiko dzavo, vakazviunzira rufu; bnegehena randakavagadzirira kana vakasatendeuka;

30 Uye ichi chitsiidzo, icho chandakatumira pakutanga kwenyika, chichibva mumuromo mangu, kubvira pahwaro hwacho, nemiromo yevaranda vangu, madzibaba enyu, ndakachitsiidza, kunyangwe sezvachichatumirwa munyika, kusvika kumagumo kwayo.

31 Uye apo Enoki akanzwa mazwi, akakotama pasi, pamberi paIshe, uye akataura pamberi paIshe, achiti: Sei ini ndakawana kudiwa mumaziso enyu, uye asi ini ndiri mwana mudiki, uye vose vanhu vanondivenga; nokuti andinokakama; nokudaro ndiri muranda wenyu here?

32 Uye Ishe vakati kuna Enoki: Enda izvozvi uye unoita zvandakuraira, uye hakuna munhu achakubaya. aShama muromo wako, uye uchazadzwa, uye ndichakupa zvekutaura, nokuti yose nyama iri mumaoko angu, uye ndichaita zvandinoona zvakanaka kwandiri.

33 Iti kuvanhu ava: aSarudzai imi nhasi, kushandira Ishe Mwari avo vakakusikai.

34 Tarisai Mweya wangu uri pauri, nokudaro ose mazwi ako ndichaatsigira; uye amakomo achakutiza, uye bhova dzichasiya nzira dzadzo; uye iwe uchagara mandiri, uye ini mauri; naizvozvo cfamba neni.

35 Uye Ishe vakataura kuna Enoki, uye akati kwaari: Zora maziso ako nerondo, uye woageza, uye unozoona. Uye iye akaita saizvozvo.

36 Uye akaona amweya iyo Mwari vakanga vasika; uye vakaonawo zvinhu zvakange zvisingaonokwe nemaziso benyama; uye kubvira ipapo kwakauya chirevo kwose kwose munyika: cMuoni amutswa naIshe kuvanhu vavo.

37 Uye zvakaitika kuti Enoki akaenda munyika, mukati mevanhu, achimira pamusoro pezvikomo nemunzvimbo dzakakwirira, uye akachema nezwi guru, achipupura zvemabasa avo akaipa; uye vose vanhu avakagumburwa pamusana pake.

38 Uye vakauya ipapo kuzomunzwa, pamusoro penzvimbo dzakakwirira achiti kuvachengeti vematende. Garai pano imi uye muchengete matende, uye isu tichienda mberi kunoona muoni, nokuti anoporofita, uye mune chinhu chisingazivikanwe munyika; munhu anopenga auya mukati medu.

39 Uye zvakaitika kuti pavakamunzwa, hapana munhu akaisa ruoko paari; nokuti kutya kwakauya pavari vose vakamunzwa; nokuti aifamba naMwari.

40 Uye kwakauya murume kwaari, zita rake rainzi Mahija, uye akati kwaari: Tiudze zviripachena kuti uri ani, uye nokuti unobva kupi?

41 Uye iye akati kwavari: Ndakauya kubva munyika yeKainami, nyika yemadzibaba angu, munyika yekururama kusvika nhasi. Uye baba vangu vakandidzidzisa munzira dzose dzaMwari.

42 Uye zvakaitika, zvandaifamba kubva kunyika yeKainami, nechekugungwa rekumabvazuva, ndakaona chiratidzo; uye tarisai onai matenga ndakaona, uye Ishe akataura neni, uye akandipa murairo; nokudaro, pamusana pezvizvi kuti ndichengete murairo, ndinotaura mazwi aya.

43 Uye Enoki akaenderera nokutaura kwake, achiti: Ishe vakataura neni, ivo mumwechete ndivo Mwari vedenga, uye ndiye Mwari vangu, naMwari venyu, uye murihama dzangu, uye sei amuchizviitira mazano, uye muchiramba Mwari vedenga?

44 Matenga ndiye akaita; anyika ndiyo bchituru chetsoka dzavo; uye hwaro hwacho ndehwavo. Tarisai, ndivo vakahuhwarika, mhomho dzevanhu vakadziunza pamusoro pechiso chayo.

45 Uye rufu rwakauya pamadzibaba edu; zvisinei tinovaziva, uye hatigone kuzviramba, uye vose kunyangwe vekutanga vevose tinovaziva, kunyangwe Adama.

46 Nokuti bhuku arendangariro takarinyora pakati pedu, maererano nemutowo wakapihwa nemunwe waMwari; uye yakapihwa mutauro wedu.

47 Uye kutaura kwaiita Enoki mazwi aMwari, vanhu vaidedera, uye vakatadza kumira pamberi pavo.

48 Uye iye akati kwavari: Pamusana pekuti Adama aakapunzika, tiripo; uye nokupunzika kwake kwakauya brufu; uye tinoitwa vatakuri vekusuwa nedambudziko.

49 Tarisai Satani auya pakati pevana vavanhu, uye aanovayedza kuti vamunamate; uye vanhu vavekuita bzvenyama, czvekuzvifadza, nehudhiabhorosi, uye dvapfigirwa kunze kubva pamberi paMwari.

50 Asi Mwari vakazivisa kumadzibaba edu kuti vose vanhu vanofanira kutendeuka.

51 Uye ivo vakadaidza kuna baba wedu Adama nezwi rake, achiti: Ndini Mwari; ndakagadzira nyika, uye anevanhu bvasati vave munyama.

52 Uye ivo vakatiwo kwaari: Kana ukatendeukira kwandiri, uye ukateerera izwi rangu, uye ukatenda, uye ukatendeuka kubva mukutadza kwako kwose, uye aukabhabhatidzwa, kana mumvura, muzita rewangu Mwanakomana Mumwechete Akaberekwa, uyo azere bnenyasha nechokwadi, uyo ari cJesu Kristu, riri iro dzita chete richapihwa pasi pedenga, izvo zvichaunza eruponeso kuvana vevanhu, imi muchagashira chipo cheMweya Mutsvene, muchikumbira zvose zvinhu muzita rake, uye chose chamuchakumbira, chichapihwa kwamuri.

53 Uye baba vedu Adama vakataura kuna Ishe, uye vakati: Sei vanhu vachifanira kutendeuka uye vachibhabhatidzwa mumvura? Uye Ishe vakati kuna Adama Tarisai andakakuregerera zvitadzo zvako muBindu reEdeni.

54 Ndipo pachabva chirevo chakapararira pakati pevanhu, kuti aMwanakomana waMwari bakadzikinura mhosva yekutanga, nokuda kweizvozvo zvitadzo zvevabereki hazvingapindurwe pamusoro cyevana, nokuti vakachena kubvira pakutanga kwenyika.

55 Uye Ishe vakataura kuna Adama, vachiti: Sekuzvarwa kwakaitwa vana vako muchitadzo, kunyangwe saizvozvo pavanotanga kukura, achitadzo chinozvarwa mumwoyo yavo, uye voravira bchinovava, kuti vagoziva kukoshesa chakanaka.

56 Uye zvinopihwa kwavari kuti vazive chakanaka nechakaipa; nokudaro avanozvifungira pachavo, uye ini ndakupa mumwe mutemo nemirairo.

57 Nokudaro udzidzise kuvana vako, kuti vose vanhu, kwose kwose, vanofanira akutendeuka, kana havangagone kuwana nhaka yeumambo hwaMwari, nokuti hakuna chinhu bchisina kuchena chingagaremo, kana ckugara pamberi pavo; nokuti, mukutaura kwaAdama, zita ravo rinonzi dMurume weHutsvene, uye zita rewavo Mumwechete Akaberekwa ndiye eMwanakomana weMunhu, rinonzi Jesu Kristu, fMutongi akarurama, achauya mukukwana kwenguva.

58 Zvakadaro ndinopa kwauri murairo kuti udzidzise zvinhu izvi wakasununguka akuvana vako, uchiti:

59 Kuti nechikonzero chekutadza, kunouya kupunzika, kupunzika ikoku kuchiunza rufu, uye sekuzvarwa kwawakaitwa iwe munyika nemvura, neropa, anemweya, uyo wandakaita uye saizvozvo bguruva rikave mweya mupenyu, kana zvakadaro imi makafanirwa ckuzvarwa zvakare muumambo hwekudenga, dnemvura, neMweya, uye mugezwe neropa, kunyangwe ropa rewangu Mumwechete Akaberekwa; kuti mucheneswe kubva muzvivi zvose, uye emugofadzwa fnemazwi eupenyu hwokusingaperi munyika muno, noupenyu hwokusingapere munyika ichauya, kunyangwe gkubwinya kokusafa;

60 Nokuti anemumvura munochengeta murairo; neMweya bmunoruramiswa, cneropa dmunocheneswa;

61 Naizvozvo zvinopihwa kuti zvigare mamuri; zvinyorwa zvedenga; aMunyaradzi; zvinhu zverunyararo zvekubwinya kwekusingaperi; chokwadi chezvose zvinhu; icho chinopa zvinhu zvose upenyu, icho chinoita kuti zvose zvive zvipenyu; icho chinoziva zvose zvinhu, uye chine simba rose maererano noungwaru, tsitsi, chokwadi, kururama, nekutonga.

62 Uye zvino, tarisai, ndinoti kwauri: Uhu ndihwo ahurongwa hweruponeso kune vose vanhu, kuburikidza neropa rewangu bMumwechete Akaberekwa, uyo achauya pakati nepakati penguva.

63 Uye tarisai, zvose zvinhu zvine kufanana kwazvo, uye zvose zvinhu zvinosikwa uye zvigoitwa kuti azvipupure nezvangu, zvose zvinhu zvenyama, uye nezvinhu zvemweya; zvinhu zviri mumatenga kumusoro, nezvinhu zviri pasi, nezvinhu zviri muvhu, nezvinhu zviri pasi pevhu, uye zvose pamusoro nepasi; zvose zvinhu zvinopupura nezvangu.

64 Uye zvakaitika, kuti apo Ishe vakanga vataura naAdama, baba vedu, kuti Adama akachema kuna Ishe, uye akatorwa aneMweya waIshe, uye akatakurwa akadzikiswa mumvura, uye akaradzikwa pasi bpemvura, uye akaburitswa kubva mumvura.

65 Uye ndiko kubhabhatidzwa kwaakaitwa, uye Mweya waMwari ukadzika paari, uye ndiko akuzvarwa neMweya kwaakaitwa, uye akave aponeswa mumunhu bwemukati.

66 Uye akanzwa izwi richibva mudenga, richiti: Iwe awabhabhatidzwa nemoto, neMweya Mutsvene. Uhwu ndihwo buchapupu hwaBaba, neMwanakomana, kubvira zvino narinhi;

67 Uye iwe uri awehurongwa hweuyo akanga asina mavambo emazuva kana magumo emakore, kubva kusingapere kwose kusvika kusingapere kwose.

68 Tarisai, iwe uri amumwechete mandiri, mwanakomana waMwari; uye ndiko kuti vose vave bvanakomana vangu. Ameni.