Magwaro Matsvene
Mosesi 2


Chitsauko 2

(Chikumi—Gumiguru 1830)

Mwari vanosika matenga nenyika—Mhando dzose dzezvinorarama dzakasikwa—Mwari vanosika munhu uye vomupa hutongi pamusoro pezvinhu zvose.

1 Uye zvakaitika kuti Ishe vakataura kuna Mosesi, vachiti: Tarisai, andinozarura kwauri pachena zviri maererano bnedenga rino, cnepasi rino; nyora mazwi andinotaura. Ndini Mavambo neMagumo, dSamasimba Mwari kuburikidza newangu eMumwechete Akaberekwa fndakasika zvinhu izvi; hongu, pakutanga ndakasika denga, nenyika panove ndipo paumire.

2 Uye anyika yakanga isina kugadzirwa, uye isiri chinhu; uye ndakaita kuti rima riuye pamusoro perakadzama; uye Mweya wangu waifamba pamusoro pemvura; nokuti ndiri Mwari.

3 Uye ini Mwari, ndakati: Ngakuve anechiedza, uye chiedza chikavepo.

4 Uye ini Mwari, ndakaona chiedza, chacho uye chiedza ichocho chakange achakanaka. Uye ini Mwari, ndakapatsanura chiedza kubva murima.

5 Uye ini Mwari, ndakadaidza chiedza kuti Zuva; uye rima, ndikaridaidza kuti Usiku; uye izvi ndakazviita anezwi resimba rangu, uye zvakaitwa bpandaitaura; uye manheru nemangwanani ndiwo aive czuva rekutanga.

6 Uye zvakare, ini Mwari ndakati: Ngakuve anehudzikwa mudenga pakati pemvura, uye zvikave saizvozvo, kunyangwe sekutaura kwandaiita; uye ndikati: Ngazviganhure mvura nemvura, uye zvikaitwa;

7 Uye ini Mwari, ndakaita hudzikwa uye ndikapatsanura amvura, hongu, mvura huru iri pasi pehudzikwa kubva kumvura yaive pamusoro pehudzikwa uye zvikadaro kunyangwe sezvandakataura.

8 Uye ini Mwari, ndakadaidza hudzikwa kuti aDenga; uye manheru nemangwanani akave zuva repiri.

9 Uye ini Mwari ndikati: Mvura iri pasi pedenga ngaiungane pamwechete munzvimbo aimwechete, uye zvikadaro; uye ini Mwari, ndikati: Ngakuve nenzvimbo yakaoma uye zvikadaro.

10 Uye ini Mwari, ndikadaidza nzvimbo yakaoma kuti aNyika; uye kuungana pamwechete kwemvura, ndakakudaidza ini kuti Gungwa; uye ini Mwari ndakaona kuti zvose zvinhu zvandakanga ndaita zvakanga zvakanaka.

11 Uye ini Mwari, ndakati: Pasi ngapamere auswa, magwenzi anobereke mbeu, muti wemuchero unobereka muchero werudzi rwawo, nemuti unobereka michero, mbeu yacho yakafanira kuve pasi pano, uye zvikaita saizvozvo sekutaura kwandakaita.

12 Uye nyika yakaunza huswa, Mbeu yose yamagwezi rudzi rwayo nemiti unoita michero, mbeu yacho yakafanira kuve mairi pachayo, nerudzi rwayo; uye ini Mwari, ndakaona kuti zvose zvinhu zvandakanga ndaita zvakanga zvakanaka.

13 Uye manheru nemangwanani akave zuva retatu.

14 Uye ini Mwari, ndakati: Ngakuve nechiedza muhudzikwa hwedenga, kupatsanura zuva kubva muhusiku, uye zvive zvezviratidzo kana zvemwaka, nezvemazuva, nezvemakore;

15 Uye ngazvive zviyedza muhudzikwa hwedenga kuti zvipe chiedza panyika; uye zvikave saizvozvo.

16 Uye ini Mwari, ndakaita zviyedza zviviri zvikuru, achiedza chikuru kuti chitonge masikati, uye chiedza chidiki kuti chitonge husiku, uye chiedza chikuru raive zuva, uye chiedza chidiki chaive mwedzi; nenyenyedziwo dzakaitwa kunyangwe nemaererano ekuizwi rangu.

17 Uye ini Mwari, ndakazviisa muhudzikwa hwedenga kuti dzipe chiedza pasi pano,

18 Uye zuva kuti ritonge masikati, uye mwedzi utonge husiku, nokupatsanura chiedza kubva kurima uye ini Mwari, ndakaona zvose zvinhu zvandakanga ndaita kuti zvakanaka;

19 Uye manheru nemangwanani zvakave zuva rechina.

20 Uye ini Mwari, ndakati: Regai mvura iunze zvakawandisisa zvisikwa zvinofamba zvineupenyu, neshiri dzinogona kubhururuka pachena pehudzikwa hwedenga.

21 Uye ini Mwari, ndakasika amajekawacheka makuru, nechisikwa chose chinofamba chipenyu, izvo zvakaunzwa nemvura zvakawanda, maererano nerudzi rwazvo, neyose shiri inemapapiro nerudzi rwayo; uye ini Mwari, ndakaona kuti zvose zvinhu zvandakasika zvakanga zvakanaka.

22 Uye ini Mwari, ndakazviropafadza, ndichiti: Ivai nezvibereko, uye amuwande, uye muzadze mvura iri mugungwa; uye murege shiri dziwande munyika;

23 Uye manheru nemangwanani zvakave zuva rechishanu.

24 Uye ini Mwari, ndakati: Regai ivhu riunze zvisikwa zvipenyu zverudzi rwazvo, mombe, nezvinhu zvinokambaira, nemhuka dzenyika nerudzi rwadzo, uye zvikaitika saizvozvo;

25 Uye ini Mwari, ndakaita mhuka dzenyika nerudzi rwadzo, nemombe nerudzi rwadzo, nechose chinokambaira panyika nerudzi rwacho; uye ini Mwari, ndakaona kuti zvose zvinhu izvi zvakanga zvakanaka.

26 Uye ini Mwari, ndakati kune wangu aMumwechete Akaberekwa, uyo akanga aineni kubvira pakutanga: bNgatisike munhu cnemufananidzo wedu, uye akafanana nesu, uye zvikadaro. Uye ini Mwari, ndikati: Regai vave dnehutongi pamusoro pehove dzegungwa, uye pamusoro peshiri dzedenga, nepamusoro pemombe, nepamusoro penyika yose, nepamusoro pechisikwa chose chinokambaira pamusoro penyika.

27 Uye ini aMwari, ndakasika mumhu nemufananidzo wangu, mufananidzo wewangu Mumwechete Akaberekwa ndakamusika; murume nemukadzi ndini ndakavasika.

28 Uye ini Mwari, ndakavaropafadza, uye ndikati: Ivai nezvibereko uye amuwande, uye muzadze nyika, uye muiise pasi penyu, uye muve nehutongi kuhove, dzegungwa, nekushiri yedenga, nekune chinhu chose chipenyu chinofamba pamusoro penyika.

29 Uye ini Mwari, ndikati kumunhu: Tarisai, ndakupa rose gwenzi rinembeu, riri pamusoro penyika yose, newose muti uchave nemuchero wemuti unobereka mbeu; kwauri uchave ayekudya.

30 Uye kumhuka yose yenyika, nekushiri yose yedenga, nekune chose chinokambaira panyika, icho chandinopa upenyu, chichapihwa rose gwenzi rakachena sekudya; uye zvikaita saizvozvo, kana sekutaura kwandaiita.

31 Uye ini Mwari, ndakaona zvose zvandakanga ndaita, uye tarisai, zvose zvinhu zvandakanga ndaita zvakanga azvakanaka chaizvo; uye manheru nemangwani zvikaita zuva brechitanhatu.