Magwaro Matsvene
Mosesi 1


Zvakasarudzwa kubva muBhuku raMosesi

Zvakatorwa mukududzirwa kweBhaibheri sekuratidzwa kwazvakaitwa kuna Joseph Smith Muporofita, muna Chikumi 1830—Kukadzi 1831.

Chitsauko 1

(Chikumi 1830)

Mwari vanozviratidza kuna Mosesi—Mosesi anoshandurwa chimiro—Anotarisana naSatani—Mosesi anoona nyika zhinji dzakagarwa nevanhu—Nyika dzisingaverengeke dzakasikwa neMwanakomana—Basa raMwari nokubwinya kuunza kusafa neupenyu hwokusingaperi hwemunhu.

1 Mazwi aMwari, aavakataura kuna bMosesi panguva apo Mosesi akakwidzwa pagomo refu-refu,

2 Uye aakaona Mwari bvakatarisana, uye akataura naye uye ckubwinya kwaMwari kwakave pana Mosesi; nokudaro Mosesi akagona dkumira pamberi pavo.

3 Uye Mwari vakataura kuna Mosesi vachiti: Tarisai, ndini Ishe Mwari aSamasimba, uye bAsina magumo ndiro zita rangu nokuti handina mavambo emazuva kana magumo emakore; uye izvozvi hakuzi kushaya magumo here?

4 Uye, tarisai iwe uri mwanakomana wangu, nokudaro atarisa, uye ndichakuratidza humhizha bhwemaoko angu, asi kwete zvose, nokuti cmabasa angu dasingagume, uye enemazwi anguwo, nokuti haapere.

5 Nokudaro hakuna munhu angaone ose mabasa angu, kunze kwekunge aona kubwinya kwangu kwose; uye hakuna munhu angaone kubwinya kwangu kwose mushure mezvo agosara panyika munyama.

6 Uye ndine basa rako, Mosesi, mwanakomana wangu; uye awakafanana newangu bMumwechete Akaberekwa; uye Mumwechete Akaberekwa wangu ari uye achave cMuponesi, nokuti azere dnenyasha enechokwadi; asi fhakuna mumwe Mwari kunze kwangu, uye zvose zvinhu zviri pano neni, nokuti gndinozviziva zvose.

7 Uye zvino, tarisai, chinhu chimwechete ichi ndinokuratidza, Mosesi, mwanakomana wangu, nokuti iwe uri munyika, uye zvino ndinochiratidza kwauri.

8 Uye zvakaitika kuti Mosesi akatarisa, uye akaona anyika apo paakasikirwa; uye Mosesi bakaona nyika nekumiganhu kwayo, nevose vana vevanhu varipo, nevakasikwa; pane izvozvo cakashamiswa zvikuru uye akanetsekana.

9 Uye kuvapo kwaMwari kwakasuduruka kubva panaMosesi, kuti kubwinya kwake hakuna kuva panaMosesi; uye Mosesi akasiiwa ave ega. Uye sezvo akanga asiiwa ari ega akawira pasi.

10 Uye zvakaitika kuti kwakapera maawa akawanda Mosesi asati agashira zvakare asimba rake chairo semunhu, uye akati achizvitaura pachake: Zvino, pamusana pezvizvi ndave kuziva kuti munhu bhachisi chinhu, chinova chinhu chandisina kumbobvira ndakafunga.

11 Asi zvino maziso angu chaiwo aona aMwari; asi kwete maziso angu benyama, asi maziso angu emweya, nokuti maziso angu enyama haaigona kutarisa; nokuti ndingadai cndakasvava uye dndakafa pamberi pavo; asi kubwinya kwavo kwaive pandiri uye ndakaona echiso chavo, nokuti ndakanga fndashandurwa chimiro pamberi pavo.

12 Uye zvakaitika kuti apo Mosesi paakanga ataura mazwi aya, tarisai aSatani akauya bachimuyedza, achiti: Mosesi mwanakomana wemunhu, ndinamate.

13 Uye zvakaitika kuti Mosesi akatarisa Satani uye akati: Ndiwe ani? Nokuti tarisai, ndini amwanakomana waMwari, mumufananidzo weMumwechete Akaberekwa; uye kubwinya kwako kuripi, kwekuti ndikunamate?

14 Nokuti tarisai, ndakatadza kutarisa Mwari, kunze kwekunge kubwinya kwavo kwauya pandiri, uye andakashandurwa pamberi pavo. Asi ndinogona kukutarisa nemaziso enyama emunhu. Hazvizizvo here, chokwadi?

15 Ngariropafadzwe zita raMwari vangu, nokuti Mweya wavo hauna kubva zvachose kwandiri, kana kuti kubwinya kwako kuripi, nokuti irima kwandiri? Uye ndinogona kutonga pakati pako naMwari; nokuti Mwari vakati kwandiri: aNamata Mwari, nokuti ivo chete ndivo bvauchashandira.

16 Ibva pano Satani: Usandinyengedza; nokuti Mwari vakati kwandiri: Iwe uri amumufananidzo wewangu Mumwechete Akaberekwa.

17 Uye akandipawo mirairo paakandidaidza ari amugwenzi raibvira achiti: bDaidzira kuna Mwari muzita rewangu Mumwechete Akaberekwa, uye undinamate.

18 Uye zvakare Mosesi akati: Handizorega kudaidza kuna Mwari, ndine zvimwe zvinhu zvandinoda kuziva kwavari nokuti kubwinya kwavo kwakanga kuri pandiri, nokudaro ndinogona kutonga pakati pavo newe. Ibva pano Satani.

19 Uye zvino, apo Mosesi akanga ataura mazwi aya, Satani akachema nezwi guru, uye achizhambatata panyika, uye akaraira, achiti: ndini aMumwechete Akaberekwa, ndinamate.

20 Uye zvakaitika kuti Mosesi akatanga kutya zvikuru; uye zvaakatanga kutya, akaona mavaviro aegehena. Zvisinei, bachidaidzira kuna Mwari, akagashira simba, uye akaraira achiti; Ibva kwandiri Satani, nokuti ivavo Mwari vamwechete ndivochete vandichanamata, vanove Mwari vekubwinya.

21 Uye zvino aSatani akatanga kubvunda, uye nyika ikazunguzuka; uye Mosesi akagashira simba, uye akadaidza kuna Mwari, achiti: Muzita riye reMumwechete Akaberekwa, ibva iyezvino Satani.

22 Uye zvakaitika kuti Satani akachema nezwi guru, nokuyaura, nokuwuwura, anokugeda-geda kwemeno, uye akabva abva ipapo, kunyangwe pamberi paMosesi zvekuti haana kuzomuona.

23 Uye zvino kwezvinhu izvi Mosesi akapa uchapupu; asi nekuda kwehuipi hazvichawanikwe pakati pevana vevanhu.

24 Uye zvakaitika kuti apo Satani zvaakabva pamberi paMosesi, Mosesi akasimudzira maziso ake kudenga, azadzwa neMweya aMutsvene, uyo unopupura nezvaBaba neMwanakomana;

25 Uye nokudaidza kune zita raMwari akaona kubwinya kwavo zvakare, nokuti kwakange kuri paari; uye akanzwa izwi, richiti: Wakaropafadzwa iwe, Mosesi nokuti ini, Samasimba, ndasarudza iwe, uye uchaitwa kuti usimbe kupfuura amvura zhinji, nokuti dzichateerera bkuraira kwako kunge iwe ndiwe cMwari.

26 Uye ona, ndinewe, kunyangwe kusvika kumagumo emazuva ako; nokuti auchabvisa vanhu vangu bmuhusungwa, kunyangwe cIsraeri dvasarudzwa vangu.

27 Uye zvakaitika kuti, izwi richirikutaura, Mosesi akatarisa uye aakaona nyika, hongu, kunyangwe yose zvayo, uye hapana kana kamwekayo kaasina kuona, achinyatsoiona neMweya waMwari.

28 Uye akaonawo nevagari vacho vemo, uye hakuna kana mweya mumwechete waasina kuona; uye akanyatsovaona neMweya waMwari; uye vakanga vakawanda zvikuru, kunyangwe kusaverengeka sejecha riri pagungwa.

29 Uye akaona nyika dzakawanda; uye nzvimbo yega-yega yainzi anyika uye makanga muine vagari pamusoro padzo.

30 Uye zvakaitika kuti Mosesi akadaidza kuna Mwari achiti: Nditaurirei, ndinokukumbirai, seyi zvinhu izvi zvakadai, uye makazviita kuburikidza nei?

31 Uye tarisai, kubwinya kwaIshe kwakave pana Mosesi, zvekuti Mosesi akamira pamberi paMwari, uye akataura navo achiso nechiso. Uye Ishe Mwari vakati kuna Mosesi: bNechinangwa changu ndakaita zvinhu izvi. Houno ungwaru uye hunosara mandiri.

32 Uye anezwi resimba rangu, ndakazvisika, rinova wangu Mwanakomana Mumwechete Akaberekwa, uyo azere bnenyasha cnechokwadi.

33 Uye anyika dzisingaverengeke bndakadzisika; uye ndakadzisikirawo nechinangwa changu; neMwanakomana ndakadzisika, ari iye wangu cMumwechete Akaberekwa.

34 Uye munhu awekutanga wevanhu vose ndakamudaidza kuti bAdama, zvinoreva kuti cvakawanda.

35 Asi chete rondedzero yepasi rino nevagari varo, ndiyo yandinokupa. Nokuti tarisai, kune nyika dzakawanda dzakapfuura kuburikidza nezwi resimba rangu. Uye kune iyezvino zhinji dzimire, uye dzisinga verengeke kuvanhu; asi zvose zvinhu zvinoverengeka kwandiri, nokuti ndezvangu uye andinozviziva.

36 Uye zvakaitika kuti Mosesi akataura kuna Ishe, achiti: Ivai netsitsi kumuranda wenyu, Mwari, uye munditaurire pamusoro pepasi pano, nevagari vacho, uyewo nezvematenga, uye zvino muranda wenyu achagutsikana.

37 Uye Ishe Mwari vakataura kuna Mosesi, vachiti: aMatenga, akawanda, uye haaverengeke kumunhu; asi akaverengeka kwandiri, nokuti ndeangu.

38 Uye sekupfuura kunoita imwe nyika, nematenga achowo kunyangwe nokudaro kunobva kwauya imwe; uye hakuna amagumo kumabasa angu, kana kumazwi angu.

39 Nokuti tarisai, iri ndiro abasa rangu bnekubwinya kwangu—kuunza ckusafa neupenyu dhwokusingaperi hwevanhu.

40 Uye zvino, Mosesi, mwanakomana wangu, ndinotaura newe pamusoro pepasi rino apo paumire; uye iwe auchanyora zvinhu zvandichataura.

41 Uye muzuva apo vana vevanhu vachatora mazwi angu seasiri chinhu, uye avachitora mazhinji acho kubva mubhuku rauchanyora, tarisai ndichamutsa vamwe bvakaita sewe; uye cvachanzwika zvakare mukati mevana vevanhu—mukati meivavo vazhinji vachatenda.

42 (Mazwi aya aakataurwa kuna Mosesi mugomo, zita raro risingazombozivikanwa pakati pevanhu. Uye zvino ave kutaurwa kwauri. Usaaratidze kunaani zvake kunze kwekune avo vanotenda. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.)