Magwaro Matsvene
Misimboti yeChitendero 1


Misimboti yeChitendero
cheChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira

History of the Church, Zvinyorwa zvechina, mapeji 535–541

Chitsauko 1

1 aTinotenda muna bMwari, Baba Vokusingapere, cneMwanakomana Wavo, Jesu Kristu, nemuneMweya dMutsvene.

2 Tinotenda kuti vanhu vacharangirwa zvitadzo zvavo apachavo, kwete pamusana bpekutadza kwaAdama.

3 Tinotenda kuti kuburikidza aneRudzikinuro rwaKristu, vose vanhu bvangaponeswe, cnokuteerera dkumitemo enezvisungo zveVhangeri.

4 Tinotenda kuti misimboti yekutanga anezvisungo zveVhangeri ndeiyi: poshi, bKutenda muna Ishe Jesu Kristu; piri, cKutendeuka; tatu, dRubhabhatidzo rwekunyikwa kuitira ekuregererwa zvitadzo; china, Kugadzwa fkwemaoko kuitira kupihwa gchipo cheMweya Mutsvene.

5 Tinotenda kuti munhu akafanira akudaidzwa naMwari, bnehuporofita, nekugadzwa cmaoko neavo vari dmumvumo eyekuparidza Vhangeri nokushanda fmuzvisungo zvacho.

6 Tinotenda ahurongwa humwechetehwo hwakanga hwuripo muChechi yeKutanga, sezvizvi, bvaapositori, cmaporofita, dvapirisita, vadzidzisi, evaparidzi, uye zvichingodaro.

7 Tinotenda amuchipo bchendimi, chuporofita, dzvakazarurwa, ezviratidzo, fkurapa, gkududzira ndimi, uye zvichingodaro.

8 Tinotenda aBhaibheri kuti bshoko raMwari kana riri rakadudzirwa cnemazvo; tinotendawo kuti dBhuku raMormoni izwi raMwari.

9 Tinotenda zvose Mwari azvavakazarura, zvose zvaVarikuzarura iyezvino, uye tinotenda kuti bVachazarura zvizhinji zvikuru zvinokosha zviri maererano neUmambo hwaMwari.

10 Tinotenda amukuunganidzwa chaiko kweIsraeri nomukudzorerwa pakare kweMarudzi bGumi; ckuZioni (Jerusarema Idzva) ichavakwa munyika yeAmerica; kuti Kristu dachatonga iye mbune pasi pano; uye, nokuti nyika ichaitwa eitsva uye igogashira fkubwinya kwayo gkweparadiso.

11 Tine akodzero yekunamata Samasimba Mwari maererano bnezvatinonzwa cmupfungwa dzedu, uye tinobvumira vose vanhu kodzero imwecheteo, regai dvanamate netsika yavanoda, kwavanoda, kana chavanokwanisa.

12 Tinotenda kuve pasi pemadzimambo, vatungamiri, vatongi, nevatongi vedzimhosva, mukuteerera, kukudza, nokutsigira amurau.

13 Tinotenda mukuve atinovimbika, tiri pachokwadi, btakachena, tiri tinopa, takarurama, cnomukuita zvakanaka kuvanhu vose; chokwadi, tingati tinotevedzera dkuraira kwaPauro—Tinotenda zvinhu zvose, etinetariro pazvinhu zvose, takashingirira zvose zvinhu, uye tinovimba tichakwanisa fkushingirira zvose zvinhu. Kana paine gchakarurama, chiinehunhu, kana chinotaurwa zvakanaka kana chinorumbidzwa, tinozvitsvaka zvinhu izvozvo.

Joseph Smith.