Zvibatsiro Zvekudzidza
DJS, Eksodo 33


DJS, Eksodo 33:20, 23 (enzanisa Eksodo 33:20, 23)

(Hapana munhu ane zvitadzo angaone huso hwaMwari akararama.)

20 Uye akati kuna Mosesi, Haungaone huso hwangu panguva ino, potse hasha dzangu dzingatungidzirwe iwe zvakare, uye ndikakuparadza, nevanhu vako; nokuti hapana munhu pakati pavo achandiona panguva ino, uye akararama, nokuti vazere nezvitadzo zvikuru. Uye hakuna munhu anezvitadzo pane chero nguva, kana kuti pachazove nemunhu anezvitadzo chero pane imwe nguva, achazoona huso hwangu akararama.

23 Uye ndichabvisa rwuoko rwangu, uye uchaona nzvimbo dzemusana wangu, asi chiso changu hachizoonekwa, sekune dzimwe nguva; nokuti ndakashatirirwa vanhu vangu Israeri.