Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 76


Chikamu 76

Chiratidzo chakapihwa kuna Joseph Smith uye naSidney Rigdon, paHiram, Ohio, 16 Kukadzi 1832 (History of the Church, 1:245–252). Achisuma kunyora kwake pamusoro pechiratidzo ichi, Muporofita akanyora kuti: “Pakudzoka kwangu kubva kumusangano mukuru weAmherst, ndakatanga zvakare kududzira magwaro matsvene. Kubva kune zvakazarurwa zvakasiyana-siyana izvo zvakanga zvatambirwa, zvaive pachena kuti zvinhu zvizhinji zvinokosha zvinobata ruponeso rwemunhu, zvakanga zvabviswa muBhaibheri kana kuti zvakarasika zvisati zvaiswa pamwechete. Zvairatidza zvega pakutarisa zvokwadi zvakanga zvasiiwa, kuti kana Mwari aipa mubairo kune wose maererano nezviito zvakaitwa mumuviri izwi rinoti ‘Denga’ richireva; musha weVatendi wokusingaperi, rinofanira kuve neumambo hwakapfuura humwechete. Nokudaro … tichidudzira Vhangeri reMutendi Johane, ini naGosa Rigdon takaona chiratidzo chinotevera” (History of the Church, 1:245). Maive mushure mekunge Muporofita adudzira gwaro raJohane 5:29 pakapihwa chiratidzo ichi.

1–4, Ishe ndivo Mwari; 5–10, Zvakavanzika zveumambo zvicharatidzwa kune vose vakatendeka; 11–17, Vose vachauya mukumuka kuvakafa kwevakarurama kana kwevasina kururama; 18–24, Vagari venyika dzakawanda vanakomana nevanasikana vakaberekwa kuna Mwari kuburikidza nerudzikinuro rwaJesu Kristu; 25–29, Ngirozi yaMwari yakapunzika ikave dhiabhorosi; 30–49, Vanakomana vekuraswa vanoraswa kwokusingaperi; vose vamwe vanotowana chimwe chinhanho cheruponeso; 50–70, Kubwinya nemubairo wevanhu vakakwiridzirwa muumambo hweseresitiyaro zvinotsanangurwa; 71–80, Avo vachawana nhaka yeumambo hweteresitiyaro vanotsangurwa; 81–113, Zvinzvimbo zveavo vari mukubwinya kwetiresitiyaro, nekweteresitiyaro, nekweseresitiyaro zvinotsanangurwa; 114–119, Vakatendeka vangaone uye nokunzwisisa zvakavanzika zveumambo hwaMwari nesimba reMweya Mutsvene.

1 aInzwai, imi matenga, uye upe nzeve, iwe nyika, uye mufare imi vagari vemo, nokuti Ishe bndiMwari, uye kunze kwavo chakuna mumwe dMuponesi.

2 aHukuru ungwaru hwavo, bdzinoshamisa nzira dzavo, mwero wekuita kwavo hauna anouwana.

3 aZvinangwa zvavo hazvitadzike, uye hakuna kana ani anorambidza ruoko rwavo.

4 Kubva kwokusingaperi kusvika kwokusingaperi ndivo avamwechetevo, uye makore avo bhaagume.

5 Nokuti ndiko kutaura kwaIshe—ini Ishe, ndine atsitsi uye ndine nyasha kune avo bvanonditya, uye ndinofara kuparukudzo kune avo cvanondishandira mukururama uye muchokwadi kusvika kumagumo.

6 Mubairo wavo uchave mukuru uye anokubwinya kwavo kuchave kwokusingaperi.

7 Uye kwavari andicharatidza zvose bzvakavanzika, hongu, zvose zvakavanzika zveumambo hwangu zvakavanzika kubvira kumazuva ekare, uye nezvemakore achauya ndichazviita kuti vazive zvinofadza chido changu pamusoro pezvinhu zvose zveumambo hwangu.

8 Hongu, kunyangwe zvishamiso zvekwekusingaperi vachazviziva, uye nezvinhu zvichauya ndichavaratidza, kunyangwe zvinhu zvezvizvarwa zvizhinji.

9 Uye aungwaru hwavo huchave hukuru, uye bkunzwisisa kwavo kuchasvika kudenga; uye pamberi pavo ungwaru hwevachenjeri chunoparara, uye nokunzwisisa kwevakangwarira kunova kwenhando.

10 Nokuti aneMweya wangu bndichavajekesera, uye cnesimba rangu ndichazivisa kwavari zvakavanzika zvechido changu—hongu, kunyangwe izvo zvinhu zvisati zvaonekwa dneziso, kana kunzwikwa nenzeve, kana zvisati zvambopinda mumwoyo wemunhu.

11 Isu, Joseph Smith, Mwana, naSidney Rigdon, tiri amuMweya muzuva regumi nenhanhatu raKukadzi, mugore raIshe wedu rechiuru chine mazana masere nemakumi matatu nemaviri—

12 Nesimba areMweya bmaziso edu akazarurwa uye nokunzwisia kwedu kukajekeswa, kuti tione uye togonzwisisa zvinhu zvaMwari—

13 Kunyangwe izvo zvinhu zvakanga zviri kubvira pekutanga nyika isati yavepo, izvo zvakagadzwa naBaba, kuburikidza nekuMwanakomana wavo Mumwechete Akaberekwa, uyo akanga ari pachipfuva chaBaba, kunyangwe kubvira apakutanga;

14 Uyo watinopupura; uye uchapupu hwatinopa ndehwevhangeri rizere raJesu Kristu, uyo anova Mwanakomana, uyo watakaona uye atikataura naye bmuchiratidzo chekudenga.

15 Nokuti patakanga tichiita basa arekududzira, iro Ishe ravakanga vatidomera, takauya pandima yemakumi maviri nemapfumbamwe muchitsauko chechishanu chaJohane, icho chakapihwa kwatiri sezvizvi—

16 Tichitaura nezvekumuka kwevakafa, maererano neavo avachanzwa izwi breMwanakomana weMunhu;

17 Vachauya mberi; avo vakaita azvakanaka, bmukumuka kuvakafa ckwevakarurama; uye avo vakaita zvakaipa, mukumuka kuvakafa kwevasina kururama.

18 Zvino izvi zvakaita kuti tishamiswe, nokuti zvakapihwa kwatiri neMweya.

19 Uye tichiri akufunga pamusoro pezvinhu izvi, Ishe vakabata maziso ekunzwisisa kwedu uye akazururwa, uye kubwinya kwaIshe kwaratidza kukatenderedza kwose.

20 Uye takaona akubwinya kweMwanakomana, bkurudyi crwaBaba, uye tikagashira kuzara kwake;

21 Uye tikaona angirozi tsvene, uye neavo bvakacheneswa pamberi pechigaro chavo, cvachinamata Mwari neGwayana, avo vanomunamata nariini nariini.

22 Uye zvino, mushure meuchapupu hwakawanda hwakapihwa pamusoro pake, uhu ndihwo auchapupu, hwekupedzisira hwevose, hwatinopa pamusoro pake: Kuti bmupenyu!

23 Nokuti atakamuona, kunyangwe kurwudyi brwaMwari; uye takanzwa izwi richipupura kuti ndiye cMumwechete Akaberekwa waBaba—

24 Kuti anaiye, uye kuburikidza naiye, muna iye, bnyika dziripo, uye dzakasikwa, uye nevagari vemo cvanakomana nevanasikana vakaberekwa kuna Mwari.

25 Uye izvi takazvionawo, uye tinopupura, kuti angirozi yaMwari iyo yakange ichitungamira pamberi paMwari, iyo yakapandukira Mumwechete Akaberekwa uyo aidiwa naBaba uye aive muchipfuva chaBaba, yakakandwa pasi kubva pamberi paMwari uye neMwanakomana.

26 Uye ikadaidzwa kunzi Kuraswa. Nokuti matenga akamuchema—aiva aRusifa mwanakomana wemangwanani.

27 Uye takaona, uye onai, apunzika! aApunzika, kunyangwe mwanakomana wamangwanani!

28 Uye tichiri mumweya kudaro, Ishe vakatiraira kuti tinyore chiratidzo ichi; nokuti takaona Satani, iye anyoka yakare, kana bdhiabhorosi, cakapandukira Mwari uye akatsvaka kutora umambo hwaMwari vedu naKristu wake—

29 Nokudaro, anoita ahondo nevatendi vaMwari, uye anovakomberedza.

30 Uye takaona chiratidzo chekutambudzika kweavo vaakaita hondo navo akavakunda, nokuti uku ndikokuuya kwakaita izwi raIshe kwatiri;

31 Vanodaro Ishe maererano neavo vose vanoziva simba rangu, uye vakaitwa kuti vavewo naro, uye vakazvibvumira kuburikidza nesimba radhiabhorosi kuti avakundwe. Uye nokuramba chokwadi uye nokuramba simba rangu—

32 Ivavo ndivo avanakomana bvekuraswa, avo vandinoti zvingadai zvirinani kwavari dai vasina kuzvarwa;

33 Nokuti midziyo yehasha, vakashurikidzirwa kutambudzwa nehasha dzaMwari, pamwechete nadhiabhorosi nengirozi dzake nokusingaperi;

34 Pamusoro peavo vandataura havana aruregerero munyika ino kana munyika ichuaya—

35 aVaramba Mweya Mutsvene mushure mekuugashira, uye varamba Mwanakomana Mumwechete Akaberekwa waBaba, uye bvamurovera pachavo uye vakamunyadzisa pachena.

36 Ava ndivo vachaenda kunopinda amudziva remoto nesuriferi nadhiabhorosi nengirozi dzake—

37 Uye ndivo chete vachakurirwa anerufu rwechipiri.

38 Hongu, zvirokwazvo, ndivo achete vasingazodzikinurwa nguva yakwana yaIshe, mushure mekutambudzwa nehasha dzavo.

39 Nokuti vamwe vose avachaunzwa bnekumutswa kwevakafa, kuburikidza nokukunda nokubwinya ckweGwayana, uyo akauraiwa,uyo akange ari pachipfuwa chaBaba nyika dzisati dzaitwa.

40 Uye iri ndiro avhangeri, mashoko anofadza ayo akapupurwa kwatiri nezwi rematenga—

41 Kuti akauya munyika, kunyangwe Jesu, kuti aazoroverwa pamusoro penyika uye kuti batakure zvitadzo czvenyika, uye dnokuchenesa nyika, uye enokuisuka kubva kune kwose kusarurama;

42 Kuti kuburikidza nemaari, vose avangaponeswe avo vakanga vaiswa naBaba musimba ravo uye vavakasika kuburikidza naye;

43 Anokudza Baba, uye achiponesa ose mabasa emaoko avo, kunze kweavo vanakomana vekuraswa vanoramba Mwanakomana mushure mekunge Baba vamuratidza.

44 Nokudaro, anoponesa vose kusara kweavo—vachaenda amukurangwa bkusingaperi, uko kurangwa kusinamagumo, uko kurangwa kwokusingaperi, vachitonga vaina cdhiabhorosi nengirozi dzake kwekusingaperi, uko dhonye yavo kwaisingafe, uye moto wacho haudzimwe, kunove ndiko kurwadziwa kwavo.

45 Uye akuguma kwacho, kana nzvimbo yacho kana kurwadziwa kwavo, hakuna munhu anoziva;

46 Hazvina kumboratidzwa, hazviratidzwe, uye hazvichazoratidzwa kumunhu, kunze kwekune avo vakaitwa kuti vavemo;

47 Zvisinei, ini Ishe, ndinozviratidza kuburikidza nemuchiratidzo kune vazhinji, asi pakarepo ndobva ndachipfiga zvakare;

48 Nokudaro, magumo, hupamhi, kureba, ahudzami, uye nokusuwa kwacho, havanzwisise, kana ani zvake munhu kunze kweavo bvakagadzirwa cmukutongwa uku.

49 Uye takanzwa izwi, richiti: Nyorai chiratidzo ichi, nokuti onai, uko ndiko kupera kwechiratidzo chekutambudzika kwevasina humwari.

50 Uye zvakare tinopupura—nokuti takaona tikanzwa, uye uhwu ndihwo auchapupu hwevhangeri raKristu pamusoro peavo vachauya mukumuka kuvakafa bkwevakarurama

51 Ndivo vakagashira uchapupu hwaJesu, uye avakatenda muzita rake uye bvakabhabhatidzwa cnetsika yekuvigwa kwake, dvachivigwa mumvura muzita rake, uye izvi zviri maererano nemurairo waakapa—

52 Kuti nekuchengeta mirairo avangagezwe uye bnokucheneswa zvitadzo zvavo, nokugashira Mweya Mutsvene nekugadzwa cmaoko neuyo dakagadzwa uye akasimbiswa emusimba iri.

53 Uye avo vanokunda nerutendo, uye vari avakasimbiswa neMweya bMutsvene weruvimbiso, uyo Baba wavanofemera kune vose avo vakarurama uye vari pachokwadi.

54 Ava ndivo vaya vanove chechi ayeDangwe.

55 Ndivo vaye vakapihwa azvose zvinhu mumaoko avo naBaba.

56 Ndivo ivava vave avapirisita nemadzimambo, vakagashira kuzara kwavo, uye nokubwinya kwavo;

57 Uye avapirisita vehurongwa Hwepamusoro-soro hwaMerkezedeki, hwakanga huri muhurongwa bhwaEnoki, hwakanga huri churongwa hweMwanakomana Mumwechete Akaberekwa.

58 Nokudaro, sekunyorwa kwazvakaita, ndivana amwari, kunyangwe bvanakomana cvaMwari

59 Nokudaro, azvose zvinhu ndezvavo, zvingave upenyu kana rufu, kana zvinhu zviripo, kana zvinhu zvichauya, zvose ndezvavo uye ndezvaKristu, uye Kristu ndewaMwari.

60 Uye avachakunda zvinhu zvose.

61 Nokudaro musarege munhu aachivimba nemunhu, asi bavimbe zvake muna Mwari, avo cvachakurira vose vavengi pasi petsoka dzavo.

62 Ivava avachagara bpamberi paMwari uye naKristu wavo nariini nariini.

63 Ivava andivo vaachauya navo, bpaachauya mumakore ekudenga ckuzotonga pasi pamusoro pevanhu vake.

64 Ndivo ivava vachave mukumuka kuvakafa akwekutanga.

65 Ndivo vachauya amukumuka kuvakafa kwekururama.

66 Ndivo ivava vanouya akuGomo breZioni, uye nemuguta raMwari mupenyu, nzvimbo yekudenga tsvene kupfuura dzose.

67 Ndivo ivava vauya kugungano rengirozi dzisingaverengeke, kugungano revose uye nechechi ayaEnoki, uye bnereDangwe.

68 Ndivo ivava vane mazita aakanyorwa kudenga, uko Mwari naKristu ndivo bvatongi vevose.

69 Ivava ndivo vaye vanova vanhu avakarurama vakaitwa bvakakwana kuburikidza naJesu munyai cwechibvumirano chitsva, uyu wakashanda urwu drudzikinuro rwakakwana kuburikidza nekudeura eropa rake.

70 Ndivo ivava vane miviri ayeseresitiyaro, uye bkubwinya kwavo kuri uko ckwezuva kana kubwinya kwaMwari vari pamusoro-soro pavo vose, kubwinya kwacho kunonyorwa kuchienzaniswa nekubwinya kunoita zuva muhudzikwa.

71 Uye zvakare, takaona nyika ayeteresitiyaro, uye tarisai, uye onai ava ndivo vemuteresitiyaro, vane kubwinya kwakasiyana neuko kwechechi yeDangwe avo vakagashira kuzara kwaBaba, kunyangwe sekusiyana kwakaita bkwemwedzi nekwezuva muhudzikwa.

72 Tarisai, ivava ndivo vakafa avasina bmutemo;

73 Uyewo avo vanove amweya yevanhu yachengetedzwa bmutirongo, avo vakashanyirwa neMwanakomana, uye cakaparidza dvhangeri kwavari kuti vagotongwa maererano nevanhu munyama.

74 Vasina kugashira auchapupu hwaJesu munyama, asi musure vakazohugashira.

75 Ivava ndivo vanhu vanoremekedzwa vemunyika, vakanga vakapofomadzwa nekunyengedza kwevanhu.

76 Ivava ndivo vanogashira kubwinya kwake, asi kwete kuzara kwakwe.

77 Ivava ndivo vanogashira nokuve pamberi peMwanakomana, asi kwete nokuzara kwaBaba.

78 Nokudaro, amiviri yeteresitiyaro, uye kwete miviri yeseresitiyaro, uye zvakasiyana mukubwinya sekusiyana kwakaita mwedzi nezuva.

79 Ivava ndivo vasina akushinga muuchapupu hwaJesu, nokudaro, havawane korona muumambo hwaMwari.

80 Uye zvino uko ndikokupera kwechiratidzo chatakaona cheteresitiyaro, icho Ishe chavakatiudza kuti tinyore tichiri muMweya.

81 Uye zvakare, takaona kubwinya akwetiresitiyaro, kubwinya kwacho kuri kushoma, kunyangwe sekusiyana kwakaita kubwinya kwenyenyedzi nokubwinya kwemwedzi muhudzikwa.

82 Ivava ndivo vasina kugashira vhangeri raKristu, kana auchapupu hwaJesu.

83 Ivava ndivo vasingarambe Mweya Mutsvene.

84 Ivava ndivo vanokandwa pasi akugehena.

85 Ivava ndivo vasinganunurwe kubva kuna adhiabhorosi kudakara kumuka kuvakafa bkwekupedzisira, kudakara Ishe, kunyangwe Kristu cGwayana, vachinge vapedza basa ravo.

86 Ivava ndivo vasingagashire kuzara kwake munyika yokusingapere, asi kweMweya Mutsvene kuburikidza nehushumiri hwetiresitiyaro;

87 Uye teresitiyaro kuburikidza anehushumiri kweseresitiyaro.

88 Uyezve yetiresitiyaro zvinogashira nokuropafadzwa kwengirozi dzakaidomwa kuti dzishumire kwavari, kana kuti dzakadomwa kuti dzive mweya inoshumira kwavari; nokuti vachave vagari venhaka yeruponeso.

89 Uye ndikokuona kwatakaita, muchiratidzo chekudenga, kubwinya kwetiresitiyaro, kunopfuura kwose kunzwisisa.

90 Uye hakuna munhu anoziva kunze kweuyo akazviratidzwa naMwari.

91 Uye ndikokuona kwatakaita kubwinya kweteresitiyaro kunopfuura muzvinhu zvose, kunyangwe kubwinya kwetiresitiyaro mukubwinya, nemusimba, nemuhukuru nemuhutongi.

92 Uye ndikokuona kubwinya kweseresitiyaro. Uko kunokunda muzvinhu zvose—uko Mwari, kunyangwe Baba, vanotonga vari pachigaro chavo nariini nariini;

93 Pamberi pechigaro chavo zvose zvinokotama amurukudzo rwakapfava, uye zvichivapa kubwinya nariini nariini.

94 Avo vanogara apamberi pake ndevechechi byeDangwe; uye vanoona sekuonekwa kwavanoitwa, uye cvagoziva sekuzivikanwa kwavanoitwa, vari vakagashira kuzara kwake uye dnenyasha dzake.

95 Uye anovaita kuti avaenzane musimba, uye nemuhukuru, nemukutonga.

96 Uye kubwinya kweseresitiyaro kumwe, kunyangwe sekubwinya akwezuva kuri kumwe.

97 Uye kubwinya kweteresitiyaro kumwe, kunyangwe sekubwinya kwemwedzi kuri kumwe.

98 Uye kubwinya kwetiresitiyaro kumwe, kunyangwe sekubwinya kwenyenyedzi kuri kumwe, nokuti sekusiyana kunoita imwe nyenyedzi neimwe mukubwinya, kunyangwe saizvozvo mumwe anosiyana nemumwe mukubwinya munyika yetiresitiyaro;

99 Nokuti ivava ndivovaye vanove avaPauro, uye nevaApollos, uye nevaKefasi.

100 Ivava ndivovanoti tiri vanhingi vamwe vachiti tiri vanhingi—vamwe vaKristu uye vamwe vaJohane, uye vamwe vaMosesi, uye vamwe vaEria, uye vamwe vaIsayasi, uye vamwe vaIsaya, uye vamwe vaEnoki;

101 Asi vasina kugashira vhangeri, kana uchapupu hwaJesu, kana maporofita, kana chibvumirano achisingaperi.

102 Chokupedzisira kune zvose, ava vose ndivo vaye vasingazoungana nevatendi, akundogashirwa bmuchechi yeDangwe, uye vagogashirwa mugore.

103 Ava andivovanonyepa, ndeve mapipi, uye bnemhombwe, uye nepfambi, uye ani zvake anoda nekuita nhema.

104 Ivava ndivovanotambudzika anehasha dzaMwari pano pasi.

105 Ivava ndivovanotambudzika anokutsividzwa nemoto wekusingaperi.

106 Ivava ndivovanokandwa pasi akugehena uye bvagotambudzika nehasha cdzaSamasimba Mwari, kudakara dkuzara kwenguva, apo Kristu anenge eakurira vose vavengi vave pasi petsoka dzake, uye fakwanisa basa rake;

107 Apo paachaunza umambo, uye agohuratidza kuna Baba husina kana kavara, achiti: Ndakakunda uye andikatsika-tsika bchisvino chewaini ndega, kunyangwe chisvino chewaini chekutyisa kwehasha dzaSamasimba Mwari.

108 Zvino ndipo paachapfekedzwa korona yekubwinya kwake. Kuti agare apachigaro chesimba rake kuti atonge nariini nariini.

109 Asi tarisai, uye onai, takaona kubwinya uye nevagari vemunyika yetiresitiyaro, kuti vakanga vakawanda vasingaverengeke senyeredzi dziri muhudzikwa hwedenga, kana sejecha riri kumahombekombe kwegungwa;

110 Uye tikanzwa izwi raIshe richiti: Ava vose vachapfugama mabvi, uye ndimi dzose adzichareurura kwavari avo vagere pachigaro nariini nariini;

111 Nokuti vachatongwa maererano nemabasa avo, uye wose munhu achatambira maererano anemabasa ake, nechinzvimbo chake, bmudzimba dzakagadzirwa;

112 Uye vachave varanda vewePamusoro-soro; asi auko bkugere Mwari naKristu havangakuuye, nyika dzisingagume.

113 Uku ndikokuguma kwechiratidzo chatakaona, icho chatarairwa kuti tinyore tichiri muMweya.

114 Asi amakuru uye anoshamisa mabasa aIshe, uye bnezvakavanzika zveumambo hwavo zvavakaratidza kwatiri, zvinopfuura kwose kunzwisisa mukubwinya, uye nomumasimba, uye nemuhutongi;

115 Izvo zvavakatiraira kuti tisanyore patakanga tichiri muMweya, uye zvisiri amumutemo kuti munhu azvitaure;

116 Kana munhu ahaakwanise kuita kuti zvizivikanwe, nokuti zvinoda kuwonekwa chete uye bnokunzwisiswa nesimba reMweya Mutsvene, iro rinoiswa naMwari pane avo vanovada, uye vachizvichenesa pamberi pavo;

117 Kune avo vavanopa mukana wekuona nekuzvizivira pachavo;

118 Kuti kuburikidza nesimba nekubuda pachena kweMweya, vari munyama, vanozogona kukwanisa kuve pavari munyika yekubwinya.

119 Uye kuna Mwari uye neGwayana ngakuve nekurumbidzwa, nerukudzo, uye nohukuru nariini nariini. Ameni.