Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 68


Chikamu 68

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paHiram, Ohio Mbudzi 1831, zvakumbirwa naOrson Hyde, Luke S. Johnson, Lyman E. Johnson, William E, McLellin (History of the Church, 1:227–229). Kana dai chakazarurwa ichi chakapihwa semhinduro kuchikumbiro chekuti pfungwa yaIshe izivikanwe maererano nemagosa ataurwa zvizhinji zvirimo zvine chekuita neChechi yose.

1–5, Mazwi emagosa kana vafemerwa neMweya Mutsvene anova magwaro matsvene; 6–12, Magosa anofanira kuparidza nokubhabhatidza, uye zviratidzo zvichatevera vanotenda zvechokwadi; 13–24, Dangwe pakati pevana vaAroni vanogona kushanda saBhishopi Anotungamira (zvinoreva kuti anobata makiyi ehutungamiri sabhishopi) ari pasi pehurairi hweHutungamiri Hwekutanga; 25–28, Vabereki vanoudzwa kuti vadzidzise vhangeri kuvana vavo; 29–35, Vatendi vanofanira kucherechedza Sabata, vashande zvakasimba, uye vanamate.

1 Muranda wangu Orson Hyde, akadaidzwa nokugadzwa kwake kuti ashambadze vhangeri risingaperi, aneMweya waMwari mupenyu, kubva kuvanhu kuenda kuvanhu, uye nekubva munyika iyi achienda kunyika iyo, mumagungano evakaipa, mumasinagogo avo, achitaura navo uye nokutsanangura magwaro matsvene ose kwavari.

2 Uye tarisai, uye mutarise uyu ndiwo mufananidzo kune avo vose vakagadzwa hupirisita huno, avo vakapihwa basa rekuti vabude kunze—

3 Uye uyu ndiwo mufananidzo kwavari, kuti avachataura sekufemerwa kwavanenge vaitwa neMweya Mutsvene.

4 Uye kana chiri chavachataura vafemerwa neMweya aMutsvene chichave rugwaro rwutsvene, chichave chido chaIshe, chichave pfungwa dzaIshe, chichave shoko raIshe, chichave izwi raIshe, uye bnesimba raMwari rekuponesa.

5 Tarisai, ichi ndicho chivimbiso chaIshe kwamuri, imi varanda vangu.

6 Nokudaro, ivai nokufara, uye amusatye, nokuti ini Ishe, ndinemi, uye ndichamira nemi; uye imi muchapupura pamusoro pangu, kunyangwe Jesu Kristu, kuti ndiri Mwanakomana waMwari mupenyu, kuti ndaive, kuti ndiri, uye nokuti ndichauya.

7 Iri ishoko raIshe kwauri muranda wangu aOrson Hyde, uyewo nekumuranda wangu Luke Johnson, uye nekumuranda wangu Lyman Johnson, uye nekumuranda wangu William E. McLellin, uye nekune vakatendeka vose magosa echechi yangu—

8 aEndai munyika yose, bparidzai vhangeri ckuchisikwa chose, muchishanda dnemvumo yandakakupai, emuchibhabhatidza muzita raBaba, nereMwanakomana, nereMweya Mutsvene.

9 Uye auyo anotenda uye akabhabhatidzwa, bachaponeswa, uye uyo asingatende, cachatongwa.

10 Uye uyo anotenda acharopafadzwa anezviratidzo zvinomutevera, kunyangwe sekunyorwa kwazvakaitwa.

11 Uye kwamuri kuchapihwa kuziva azviratidzo zvenguva, uye nezviratidzo zvekuuya kweMwanakomana weMunhu;

12 Uye sekuwanda kuchaita avo vachapupurirwa naBaba, kwamuri kuchapihwa simba arekuvasunganidza kuupenyu hwokusingaperi. Ameni.

13 Uye zvino, maererano nezvezvimwe zvinhu pamusoro pezvibvumirano nemirairo, ndezvizvi—

14 Kune zvimwe mushure menguva ino, munguva yaIshe mamwe amabhishopi anofanira kuiswa munzvimbo muchechi, kuti vashande kunyangwe sezvaiita vekutanga;

15 Nokudaro, vachave vapirisita avepamusoro vakakodzera, uye vachadomwa neveHutungamiri bHwekutanga hweHupirisita hwaMerkizedeki, kunze kwekunge vari vechizvarwa chechokwadi cchaAroni.

16 Uye kana vari vechizvarwa achaAroni chechokwadi vane kodzero iri pamurau kuhuBhishopi, kana vari matangwe pakati pevanakomana vaAroni;

17 Nokuti dangwe rine mvumo yekuwana hutungamiri pamusoro pehupirisita uhu, uye anemakiyi kana mvumo yazvo.

18 Hakuna munhu ane kodzero yakakwana kuve muchinzvimbo ichi, kuve nekiyi dzehupirisita uhu, kunze kwekunge ari chizvarwa achechokwadi chaicho uye ari dangwe raAroni.

19 Asi semupirisita awepamusoro muhupirisita hwaMerkizedeki ane mvumo yekubata mumabasa ose epasi anogona kubata muchinzvimbo bchabhishopi kana pasina chizvarwa chaicho chaAroni chingawanikwe, ndokunge adaidzwa nekutsaurwa ogadzwa kusimba iri, pasi pemaoko eHutungamiri Hwekutanga weHupirisita hwaMerkizedeki.

20 Uye chizvarwa chaicho chaAroni chinofanirawo kunongedzwa neHutungamiri uhu chowanikwa kuti chakakodzera anokuzodzwa bchogadzwa pasi pemaoko uHutungamiri uhwu, kana zvisizvo havana mvumo yakakwana yekuita basa muhupirisita hwavo.

21 Asi pamusana pechisungo chakaitwa maererano nekodzero yavo yehupirisita uhwo hunobva pana Baba huchienda kumwanakomana, vanogona kutsvaka kuzodzwa kwavo kana vakakwanisa kuratidza, panguva ipi zvayo kuti mutsetse wekuzvarwa kwavo ndeuyu, kana kuzvitsinhira nezvakazarurwa zvinobva kuna Ishe pasi pemaoko eHutungamiri hwabva kutaurwa pamusoro.

22 Uye zvakare, hakuna bhishopi kana mupirisita wepamusoro, uyo achatsaurirwa kuhushumiri uhu achayedzwa kana kubatwa nemhosva ipi zvayo, kunze kwekunge pari pamberi peHutungamiri aHwekutanga hwechechi.

23 Kana ari awanikwa aine mhosva pamberi peHutungamiri uhu, neuchapupu husingagone kurambwa, achatongwa.

24 Uye kana akatendeuka aanoregererwa, maererano nezvibvumirano nemirairo yechechi.

25 Uye zvakare, kana avabereki vaine vana muZioni, kana munechero bhoko dzayo dzakarongwa, avo cvasingavadzidzise kuti vanzwisise dzidziso yekutendeuka, rutendo munaKristu Mwanakomana waMwari mupenyu, uye nezverubhabhatidzo uye nechipo cheMweya Mutsvene nokugadzwa maoko pamusoro, pakusvitsa makore dmasere, echitadzo ichocho ngachive pamusoro pevabereki.

26 Nokuti uyu uchave mutemo kuvagari avemuZioni, kana munechero hoko dzayo dzakarongwa.

27 Uye vana vavo avachabhabhatidzwa kuti bvaregererwe zvitadzo zvavo pavanenge vave nemakore cmasere, uye vachibva vagashira kugadzwa maoko pamusoro.

28 Uye vachadzidzisawo vana vavo akunamata, uye nokuti vafambe vakatwasanuka pamberi paIshe.

29 Uye vagari vemuZioni naivowo vachacherechedza aSabata kuti varichengete riri dzvene.

30 Uye vagari vemuZioni naivowo vanofanira kurangarira kushanda kwavo, kana vari vakadomwa kuti vashande, nomukutendeka kose; nokuti uyo anenungo achave mukurangarirwa pamberi paIshe.

31 Zvino, ini Ishe, handisi kunyatsofadzwa nevagari vemuZioni, nokuti mune anyope mukati mavo; uye nevana vavo varikukurawo mukati bmezvakaipa; chavatsvake neshungu upfumi hwekusingapere, asi maziso avo azere nemakaro.

32 Zvose zvinhu izvi hazvifanire kuvepo, uye zvinofanira kubviswa mukati mavo; nokudaro regai muranda wangu Oliver Cowdery atakure mazwi aya kunyika yeZioni.

33 Uye ndinovapa murairo—kuti uyo asingacherechedze kuita aminamato yake pamberi paIshe nemwaka wakafanira, regai ave bmukurangarirwa pamberi pemutongi wevanhu vangu.

34 aMazwi aya ndeechokwadi uye akatendeka; nokudaro musaatyore, kana bkubvisa mamwe mazwi maari.

35 Tarisai ndini aArfa naOmega, uye ndinokurumidza bkuuya. Ameni.