Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 63


Chikamu 63

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, mukupera kwaNyamavhuvhu 1831, (History of the Church, 1:206–211). Muporofita, Sidney Rigdon, naOliver Cowdery vakanga vasvika muKirtland musi wa27 Nyamavhuvhu vachibva kunoshanya kwavo kuMissouri. Achisuma chinyorwa chake chechakazarurwa chino, Muporofita akanyora kuti, “Mumazuva ano ekuvambwa kweChechi, kwaive nekuda kukuru kwekuwana izwi raIshe panyaya yose zvayo iri pamusoro neruponeso rwedu; uye zvino sezvo nyika yeZioni yakange zvino iyo yave chinhu chakakoshesesa chezvinhu zvaioneka panyika, ndakabvunza Ishe kuti ndiudzwe zvimwe pamusoro pekuungana kweVatendi, uye nekutengwa kwenzvimbo nedzimwewo nyaya” (History of the Church, 1:207).

1–6, Zuva rehasha richauya pane vakaipa; 7–12, Zviratidzo zvinouya nerutendo; 13–19, Mhombwe mumwoyo dzicharamba chitendero uye dzigokandwa munyanza yemoto; 20, Vakatendeka vachagashira nhaka panyika yashandurwa; 21, Nhoroondo izere yezvakaitika paGomo Rekushandurwa haisati yaburitswa pachena; 22–23, Vanoteerera vanogashira zvakavanzika zveumambo; 24–31, Nhaka muZioni dzinofanirwa kutengwa; 32–35, Ishe vanodaidzira hondo, uye vakaipa vanouraya vakaipa; 36–48, Vatendi vanofanira kuungana kuZioni uye vagopa mari yekuivaka; 49–54, Maropafadzo anovimbiswa vakatendeka paKuuya kweChipiri, muKumuka Kuvakafa, uye nemunguva yeMereniamu; 55–58, Iri izuva rekuyambirwa; 59–66, Zita raIshe rinoitwa risina maturo neavo vanorishandisa vasina mvumo.

1 Teererai, imi vanhu, uye muzarure mwoyo yenyu uye mupe nzeve dzenyu imi muri kure, uye muteerere, imi munozvidaidza kuti vanhu vaIshe, uye munzwe izwi raIshe uye nechido chavo pamusoro penyu.

2 Hongu, zvirokwazvo, ndinoti, inzwai shoko reavo vane kushatirwa kwakatungidzirwa vakaipa nevane ahupanduki;

3 Avo vanoda kutora kunyangwe ivo avo vavanoda akutora, uye nokuchengetedza muupenyu avo vavanoda kuchengetedza;

4 Avo vanovaka nekudakwavo nekufadzwa kwavo; uye vachiparadza kana voda, uye vanogona kukanda mweya pasi mugehena.

5 Tarisai, ini Ishe, ndinotaura nezwi rangu uye richateererwa.

6 Nokudaro, zvirokwazvo ndinoti, regai vakaipa vachenjere, uye regai vane hupanduki vatye pamwe nokudedera; uye regai avo vasingatende vabate miromo yavo, nokuti azuva rehasha richauya pavari bsechamupupuri, uye yose nyama cichaziva kuti ndini Mwari.

7 Uye uyo anotsvaka azviratidzo achaona zviratidzo, asi kwete mukuponeswa.

8 Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kune avo pakati penyu vanotsvaka zviratidzo, uye vakagara varipo vakadaro kunyangwe kubvira pakutanga.

9 Asi tarisai, rutendo harwuuye nezviratidzo, asi zviratidzo zvinotevera avo vanotenda.

10 Hongu, zviratidzo zvinouya anerutendo, kwete nekuda kwevanhu, kana sezvavanoda ivo, asi nekuda kwaMwari.

11 Hongu, zviratidzo zvinouya nerutendo, kuunza mabasa makuru, nokuti kana pasina arutendo hapana munhu anofadza Mwari; uye kune uyo akashatirirwa naMwari havanyatsofara naye; nokudaro kune vakadaro havaratidze zviratidzo, kunze chete bkwehasha dzinovasvitsa cmukutongwa kwavo.

12 Nokudaro, ini Ishe, handifadzwe neavo vari pakati penyu vanotsvaka zviratidzo uye nezvishamiso kuti vave nerutendo, kwete kuitira kubatsira vanhu zvichiunza kubwinya kwangu.

13 Zvisinei, ndinopa mirairo, uye vazhinji vakafukatira mirairo yangu uye havana kuichengeta.

14 Paive anemhombwe dzechirume nedzechikadzi pakati penyu; vamwe vacho vakazotendeuka kubva pamuri, vamwe vakasara nemi avo vacharatidzwa pashure.

15 Regai ivavo vachenjere uye vatendeuke nokukurumidza potse kutongwa kungauye pavari semuteyo, uye hupenzi hwavo huchaitwa kuti huzivikanwe, uye mabasa avo achavatevera mumaziso evanhu.

16 Uye zvirokwazvo ndinoti kwamuri, sekutaura kwandakamboita, uyo aanotarisa mukadzi achiva bneruchiva kwaari, kana vanaani zvavo vakaita cupombwe mumwoyo mavo, havazove neMweya, uye vacharamba chitendero uye vachatya.

17 Nokudaro, ini Ishe, ndakati avo vazere anekutya, uye vasingatende uye bnevanonyepa vose, uye ani zvake anoda nhema cnekureva nhema, uye nemhombwe, uye nemuroyi, vachave nenzvimbo yavo dmudziva riye rinobvira nemoto nesuriferi, uye kuri iko kufa ekwechipiri.

18 Zvirokwazvo ndinoti, ivavo havazova mukumuka kuvakafa akwekutanga.

19 Uye zvino tarisai, ini Ishe, ndinoti kwamuri imi hamusi amuchokwadi, nokuti zvinhu izvi zviri mukati menyu.

20 Zvisinei uyo aanoshingirira murutendo uye achiita kuda kwangu iyeyo achakurira, uye achagashira bnhaka panyika kana zuva rekushandurwa rauya;

21 Kana anyika byashandurwa, kunyangwe maererano netsika iyo yakaratidzwa kuvaapositori vangu pamusoro cpegomo; iri nyaya huzere hwayo hamusati mahugashira.

22 Uye, zvino zvirokwazvo ndinoti kwamuri, sezvandakataura, kuti ndichaita kuti muzive kuda kwangu kwamuri, tarisai ndichaita kuti kuzivikanwe kwamuri, kwete semurairo, nokuti kune vazhinji vasingacherechedze kuchengeta mirairo yangu.

23 Asi kune uyo anochengetedza mirairo yangu ndichamupa azvakavanzika zveumambo hwangu, uye muna iyeyo muchave netsime remvura ine bupenyu, cinoenda kuupenyu hwusingaperi.

24 Uye zvino, tarisai, ichi ndichochido chaIshe Mwari venyu pamusoro pevatendi vake kuti vaungane pamwechete munyika yeZioni, kwete nokukurumidza, potse kungazove nekudzengaira, zviri zvinounza urwere.

25 Tarisai, nyika ayeZioni—ini Ishe, ndakaibata mumaoko angu;

26 Zvisinei, ini Ishe ndinopa kuna aKesari zvinhu zvaKesari.

27 Naizvozvo, ini Ishe, ndinoda kuti imi mutenge nzvimbo kuti mugova munechinhano pamusoro penyika kuti mugove nekodzero yechamuinacho panyika kuti vasazokonzerwa kuita hasha.

28 Nokuti aSatani anozviisa mumwoyo mavo kuti vakushatirirwei, uye zvigosvika mukudeurwa kweropa.

29 Nokudaro, nyika yeZioni haizi inozowanikwa neimwe nzira asi kunze kwekutengwa kana neropa, tadzezvo hakuna nhaka yenyu.

30 Uye kana iri yekutengwa, tarisai makaropafadzwa.

31 Kana zviri zveropa, sezvo muchirambidzwa kudeura ropa, tarisai, vavengi venyu vakuvingai, uye mucharohwa guta neguta, uye nesinagogo nesinagogo, uye vashoma vachasvika pakugashira nhaka.

32 Ini Ishe, ndakashatirirwa vakaipa; handisikupa Mweya wangu kuvagari vepasi.

33 Ndapika muhasha dzangu, ndikasheedzera ahondo pamusoro penyika, uye vakaipa vachauraya vakaipa, uye kutya kuchave pamunhu wose;

34 aNevatendiwo vangatotadza kupunyuka; zvisinei, ini Ishe, ndinavo, uye bndichaburuka mudenga pamberi paBaba vangu uye ndigopedza cvakaipa dnemoto usingadzimike.

35 Uye tarisai, izvi hazvisati zvasvika, asi gare gare.

36 Nokudaro sezvo ini, Ishe ndasheedzera zvose zvinhu izvi pamusoro penyika, ndinoda kuti vatendi vangu vave vanoungana panyika yeZioni;

37 Uye kuti wose munhu atore akururama mumaoko ake uye ave nokutendeka pachiuno chake, uyewo agosimudza bizwi rekuyambira kuvagari vepasi; uye agotaura zvose izwi pamwechete nekutiza kuti ckuparadzwa kuchauya kune vakaipa.

38 Nokudaro, regai vadzidzi vangu vari paKirtland varonge zvinovanetsa mukugara kwavo, avo vagere mupurazi rino.

39 Regai muranda wangu Titus Billings, uyo ane basa rekuichengeta, ape nyika, kuti agove akagadzirira munguva yepfumvudza inouya kutora rwendo rwake kuti akwidze kunyika yeZioni, neavo vagere pamusoro payo, kunze kweavo vandichazvichengetera, kuti havazoenda kusvikira ndavaraira.

40 Uye regai mari dzose dzinogona kuchengetwa, hazvina mhosva kwandiri kuti ishoma kana kuti yakawanda, itumirwe kunyika yeZioni, kune avo vandakadoma kuti vaigashire.

41 Tarisai, ini Ishe, ndichapa kumuranda wangu Joseph Smith, Mwana, simba rekuti achagona akuona neMweya avo vachakwidza kunyika yeZioni, uye neavo vevadzidzi vangu vachasara.

42 Regai muranda wangu Newel K. Whitney arambe aine chitoro chake, kana kuti nemamwe mazwi, chitoro, kwemwaka mupfupi.

43 Zvisinei regai ape yose mari yaangakwanise kupa, kuti itumirwe kunyika yeZioni.

44 Tarisai, zvinhu izvi zviri mumaoko ake, regai aite maererano neungwaru.

45 Zvirokwazvo ndinoti, regai agadzwe semumiririri wevadzidzi avo vachasara, uye regai agadzwe kusimba iri;

46 Uye zvino chikurumidzai kushanyira machechi, muchitsanangura zvinhu izvi kwavari nemuranda wangu Oliver Cowdery. Tarisai, ichi ndichochido changu, kuwana mari kunyangwe sekuraira kwandakaita.

47 Uyo aakatendeka uye achishingirira achakunda nyika.

48 Uyo anotumira upfumi kunyika yeZioni achagashira anhaka munyika ino, uye mabasa ake achamutevera, uyewo nemubairo munyika ichauya.

49 Hongu, vakaropafadzwa avakafa avo vanofa vari muna Ishe, kubvira zvino, apo pachauya Ishe, zvinhu zvakare bzvichapfura, uye zvinhu zvose zvichive zvitsva, cvachamuka kubva kuvakafa dhavazofa zvakare, uye vachagashira nhaka pamberi paIshe, muguta dzvene.

50 Uye uyo anenge ari mupenyu panouya Ishe, uye ari akachengeta rutendo, aakaropafadzwa iyeyo, zvisinei, zvakadomwa kwaari kuti bafe nezera remunhu rakafanira.

51 Nokudaro, vana avachakura kudakara vakwegura; vanhu vakwegura vachafa; asi havazorara muguruva, asi bvachashandurwa mukubwaira kweziso.

52 Nokudaro, nechikonzero ichi vakaparidza vaapositori kunyika nezvekumuka kwevakafa.

53 Zvinhu izvi ndizvo zvinhu zvamunofanira kutsvaga; uye mukutaura netsika yaIshe, iye zvino zvave apedyo, uye nemunguva inotevera, kunyangwe nemuzuva rekuuya kweMwanakomana weMunhu.

54 Uye kudakara nguva iyoyo kuchave anemhandara dzakazungaira mukati medzakachenjera; uye panguva iyoyo panouya kupatsanurwa zvachose kwevakarurama nevakaipa; uye muzuva iroro ndichatumira ngirozi dzangu bdzichabvisa vakaipa uye dzovakanda mumoto usingadzimike.

55 Uye zvino, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ini Ishe, handifadzwe nemuranda wangu aSidney Rigdon; bakazvikudza mumwoyo make, uye akasagashira kurairwa, asi akasuwisa Mweya;

56 Nokudaro azvaakanyora hazvina kubvumwa naIshe, uye achaita zvakare; uye kana Ishe vakasazvigashira, tarisai haachazove anomira muchinzvimbo chandakamudomera.

57 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, aavo vanoda mumwoyo yavo, nokunyorova, bkuyambira vatadzi kuti vatendeuke, ngavagadzwe musimba iri.

58 Nokuti rino izuva rekuyambira, uye kwete zuva remazwi akawanda. Nokuti ini Ishe, handizi wekusekwa mumazuva ekupedzisira.

59 Tarisai, ndiri wekumusoro, uye simba rangu riri pasi. Ndiri pamusoro pezvose, uye nemuzvinhu zvose, uye kuburikidza nemune zvose, uye andinoongorora zvose zvinhu, uye zuva riri kuuya, iro zvinhu zvose zvichave pasi pangu.

60 Tarisai, ndini aArfa naOmega, kunyangwe Jesu Kristu.

61 Nokudaro, regai vose vanhu vachenjere kutora kwavanoita azita rangu mumiromo yavo—

62 Nokuti tarisai, zvirokwazvo ndinoti, vazhinji variko vari pasi pekutongwa uku, vanoshandisa zita raIshe, vachirishandisa pasina, vasina mvumo.

63 Nokudaro, regai chechi ngaitendeuke muzvitadzo zvayo, uye ini Ishe, ndichavaita vangu, nokuti pasina izvozvo vanodimburwa vachibviswa.

64 Rangarirai kuti icho chinobva kumusoro achinoyera, uye chinofanira bkutaurwa nehuchenjeri, uye nokutunhwa neMweya, uye mune izvi hamuna kutongwa, uye munogashira Mweya ckuburikidza nomunamato; nokudaro, pasina izvi panoramba paine kutongwa.

65 Regai varanda vangu, Joseph Smith, Mwana, naSidney Rigdon, vazvitsvagire musha, sezvavanodzidziswa kuburikidza anekunamata neMweya.

66 Zvinhu izvi zvinogarira kukundwa kuburikidza nemwoyo murefu, kuti ivavo vave vanogashira ahuremu hwakawedzerwa, uye hwokusingaperi bhwekubwinya, tadzezvo vogashira kutongwa kukuru. Ameni.