Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 56


Chikamu 56

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, muna Chikumi 1831 (History of the Church, 1:186–188). Ezra Thayre, akanga adomwa kuti afambe kuenda kuMissouri naThomas B. Marsh (ona chikamu 52:22), akatadza kutanga hushumairi hwake apo mumwe wake angeagadzirira. Gosa Thayre akanga asina kugadzirira kuti asimuke aende parwendo rwake pamusana pekuve mukati mematambudziko epaThompson, Ohio (ona misoro yechikamu 54). Ishe vakapindura kubvunza kweMuporofita panyaya iyi nekupa chakazarurwa ichi.

1–2, Vatendi vanofanira kutora muchinjikwa wavo uye vatevere Ishe kuti vawane ruponeso; 3–13, Ishe vanoraira uye vachidzora, uye vasingateerere vanoraswa; 14–17, Nhamo kune vapfumi vasingade kuyamura varombo, uye nhamo kune varombo vane mwoyo isina kutyoka; 18–20, Vakaropafadzwa varombo vakachena mumwoyo, nokuti vachawana nhaka yenyika.

1 Teererai, imi vanhu amunotaura zita rangu, vanodaro Mwari venyu; nokuti tarisai, hasha dzangu dzatungidzwa pamusoro pevapanduki, uye vachaziva ruoko rwangu uye nekugumbuka kwangu, muzuva brekushanyirwa nerehasha kumarudzi.

2 Uye uyo asingazotora amuchinjikwa wake, bnekunditevera uye nekuchengeta mirairo yangu, iyeyo haazoponeswa.

3 Tarisai, ini Ishe, ndinoraira; uye uyo aasingazoteerera, bachazodimburwa achibviswa kana nguva yangu ini, yakakwana, mushure mekunge ndaraira uye murairo watyorwa.

4 Nokudaro ini Ishe, ndinoraira anekudzora, zvinenge zvichiratidzika kwandiri kuti zvakanaka; uye zvose izvi zvichapindurirwa pamisoro byevapanduki, vanodaro Ishe.

5 Nokudaro, ndinodzora murairo wakapihwa kuvaranda vangu aThomas B. Marsh naEzra Thayre, uye ndopa murairo mutsva kumuranda wangu Thomas, kuti achaenda rwendo rwake nokukurumidza kuenda kunyika ye Missouri, uye nemuranda wangu Selah J. Griffin naiyewo achaenda naye.

6 Nokuti tarisai, ndinodzora murairo wakanga wapihwa kuvaranda vangu Selah J. Griffin uye naNewel Knight, pamusana pekuomesa mutsipa kwevanhu vangu vari muThompson, uye nokupanduka kwavo.

7 Nokudaro, regai muranda wangu Newel Knight arambe ainavo; uye vose vanoda kuenda ngavaende, avo vakazvirereka pamberi pangu, uye vatungamirwe naye kunyika yandakadoma.

8 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti muranda wangu Ezra Thayre anofanira kutendeuka apakuzvikudza kwake, uye nohundingoveni hwake uye ateerere kumurairo wekare uyo wandakamupa maererano nenzvimbo yaanogara.

9 Uye kana akaita izvi, sezvo pasina kupatsanurwa kuchaitwa munyika umu, achadomwa zvakare kuti aende kunyika yeMissouri;

10 Kana kuti angangozogashidzwa mari yaakabhadhara, uye onzi asiye nzvimbo, uye aodimburwa kubva muchechi yangu, vanodaro Ishe Mwari vehondo;

11 Uye kana dai denga nenyika zvikapfuura, mazwi aya ahaazopfuura, asi achazadzikiswa.

12 Uye kana muranda wangu Joseph Smith, Mwana, achifanira kubhadhara mari iyoyo, tarisai, ini Ishe, ndinozoibhadhara kwaari zvakare munyika yeMissouri, kuti avo vaachagashira kwavari vagopihwa mubairo zvakare maererano neicho chavanoita;

13 Nokuti maerererano neicho chavanoita vachagashira, kunyangwe nenyika senhaka yavo.

14 Tarisai, vanodaro Ishe, kuvanhu vangu—mune zvinhu zvizhinji zvekuita uye nezvekutendeuka kubva kwazviri; nokuti tarisai, zvitadzo zvenyu zvakwira kwandiri, uye hazvina kuregererwa, nokuti munotsvaka akurairwa nenzira dzenyu mega.

15 Uye mwoyo yenyu haigutswe. Uye hamuteerere kuchokwadi, asi amunofara mukusarurama.

16 Nhamo kwamuri imi vanhu amakapfuma, imi musingade bkupa zvamuinazvo ckuvarombo, nokuti dupfumi hwenyu huchave zvipfukuto zvemweya yenyu; uye uku ndikokuchave kuchema kwenyu muzuva rekurangwa kwenyu, nekutongwa, uye nerekugumbuka: eKukohwa kwapfuura, zhizha rapera, uye mweya wangu hauna kuponeswa!

17 Nhamo kwamuri imi vanhu avarombo, mune mwoyo isina kutyoka, uye mune mweya isina kupfava, uye mune matumbu asingagute, uye mune maoko asingadzorwe pakutora zvinhu zvevamwe, vane maziso azere bmakaro, uye musingagone kuzvishandira nemaoko enyu pachenyu!

18 Asi vakaropafadzwa avarombo avo vakachena mumwoyo, avo vane mwoyo byakaninipa, uye vane mweya yakapfava, nokuti vachaona cumambo hwaMwari huchiuya musimba uye nokubwinya kukuru mukuponeswa kwavo; nokuti mafuta denyika achave avo.

19 Nokuti tarisai, Ishe vachauya, uye amibairo yavo vachange vainayo, uye vachapa mubairo wose munhu, uye varombo vachava nokufara;

20 Uye zvizvarwa zvavo azvichagara nhaka yenyika kubva kuchizvarwa kuenda kune chimwe chizvarwa, nariini nariini. Uye zvino ndavekumira kutaura kwamuri. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.