Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 51


Chikamu 51

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paThompson, Ohio, Chivabvu 1831 (History of the Church, 1:173–174). Panguva iyi Vatendi vaitama kubva kumatunhu ekumabvazuva vakatanga kusvika muOhio, uye zvikave zvakafanira kuti kuitwe hurongwa chaihwo hwekugara kwavo. Sezvo basa iri raive chinzvimbo chabhishopi, Bhishopi Edward Partridge akatsvaga kurairwa pamusoro penyaya iyi, Muporofita akabvunza kuna Ishe.

1–8, Edward Partridge akadomwa kuti atonge hutariri nemidziyo; 9–12, Vatendi vanofanira kuuita zvakavimbika uye vachitambira zvimwechetezvo; 13–15, Vanofanira kuve nemba yekuchengetera yabhishopi nekuronga midziyo maererano nemutemo waIshe; 16–20, Ohio ichave nzvimbo yekumbofanoungana.

1 Teererai kwandiri, vanodaro Ishe Mwari venyu, uye ndichataura kumuranda wangu aEdward Partridge, ndigomupa zvekutevedza; nokuti zvakafanira kuti agashire zvekutevedza mukuronga vanhu ava.

2 Nokuti zvakafanira kuti varongwe maererano anemitemo yangu; kana zvikasadaro, vanodimburwa.

3 Nokudaro, regai muranda wangu Edward Partridge, neavo vaakasarudza, avo vanondifadza zvikuru, vadome kuvanhu ava nzvimbo dzavo, wose munhu azvakaenzana, maererano nemhuri yake, maererano nezvaari nezvaanoda bnezvaanoshaya.

4 Uye regai muranda wangu Edward Partridge, paadoma kumunhu nzvimbo yake, amupe gwaro rinosunga nzvimbo iyoyo seyake, kuti achaibata, kunyange kodzero iyi nenhaka iyi muchechi, kudakara atadza uye asisaverengwe seakakodzera nezwi rechechi, maererano nemitemo anezvibvumirano zvechechi, kuti ave wechechi.

5 Kana akatadza nekusaverengwa seakakodzera kuti ave muchechi, haazove nesimba rekutora nzvimbo iya yaakatsaurira kunabhishopi kuitira varombo nevanoshaya vechechi vangu; naizvozvo haazoramba aine chipo ichocho, asi achasara nenzvimbo iyo chete yaaine gwaro nayo.

6 Uye naizvozvo zvose zvinhu zvichaitwa muchokwadi, amaererano bnemitemo yenyika.

7 Uye regai izvo zviri zvevanhu ava zvidomerwe kuvanhu ivava.

8 Uye amari inenge yasara kuvanhu ava—ngakuve nemumiririri anodomwa kuvanhu ava, kuti atore bmari yacho kuti avape kudya nezvipfeko, maererano nezvinodiwa nevanhu ava.

9 Uye munhu newose ashande azvakavimbika, uye ave akafanana nevanhu ava, uye agashire zvakafanana kuti muve bvamwe, kunyangwe sekukurairai kwandaita.

10 Uye itai kuti icho chevanhu vano chisatorwe chichinopihwa kuvanhu vekune aimwe chechi.

11 Nokudaro, kana imwe chechi ikatambira mari yechechi ino, regai vaibhadhare kuchechi ino zvakare maererano nezvichabvumiranwa;

12 Uye izvi zvichaitwa kuburikidza nabhishopi kana akaitwa mumiririri, uyo achadomwa anezwi rechechi.

13 Uye zvakare, regai bhishopi adome aimba yekuchengetera yechechi iyi; regai zvinhu zvose mumari kana munyama, zvakawanda kupfuura bzvinodiwa nevanhu ava, zvichengetwe zviri mumaoko abhishopi.

14 Uye regaiwo azvichengetere zvaanoda iye pachake, uye nezvinodiwa nemhuri yake, sezvo achange akapinzwa basa kuti aite basa iri.

15 Saizvozvo ndinopa kuvanhu ava mukana wekuzvirongera pachavo maererano anemitemo yangu.

16 Uye ndinovapira nyika aino kwemwaka mupfupi, kudakara ini Ishe, ndazovapa nepamwe, nekuraira kuti, vaende ikoko;

17 Uye nguva nezuva hazvina kupihwa kwavari, nokudaro regai vashande pane ino nzvimbo sevaripo kwemakore, zvichatendeuka kwavari kuvanakira.

18 Tarisai, uyu uchave amufananidzo kumuranda wangu Edward Partridge, mune dzimwe nzvimbo, mumachechi ose.

19 Uye ani zvake anowanikwa akatendeka, akarurama, ari amutariri akangwara achapinda bmukufara kwaIshe vake, uye achawana nhaka yeupenyu hwokusingaperi.

20 Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, ndini Jesu Kristu, uyu aanouya nokukurumidza, bmunguva yamusingafungire. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.