Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 46


Chikamu 46

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuChechi, paKirtland Ohio, 8 Kurume 1831 (History of the Church, 1:163–165). Munguva iyi yekutanga kweChechi, tsika imwechete yekutungamira misangano yeChechi yakanga isati yaronga. Zvisinei, tsika yekubvumira nhengo chete neavo vaive neshungu chaidzo dzekuziva zveChechi, kuti vapinde mumichechi yesakaramende nemamwe magungano eChechi zvakange zvave zvinhu zvaiitwa. Chakazarurwa chino chinotaura chido chaIshe maererano nekutonga nokutungamira michechi.

1–2, Magosa vanofanira kutungamira michechi sekutungamirwa kwavanoitwa neMweya Mutsvene; 3–6, Vatsvagi vechokwadi havafanire kubviswa mumichechi yesakaramende; 7–12, Kumbirai kuna Mwari uye mutsvage zvipo zveMweya; 13–26, Kuverengwa kwezvimwe zvezvipo izvi kunopihwa; 27–33, Vatungamiri veChechi vanopihwa simba rekuona zvipo zveMweya.

1 Teererai, imi vanhu vechechi yangu; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri zvinhu izvi zvakataurwa kwamuri kuti azvikupundutsei nekukudzidzisai.

2 Asi kana dai zvazvo paine izvo zvinhu zvakanyorwa, zvagara zviri zvakapihwa akumagosa echechi yangu kubvira pakutanga, uye zvichagara zvakadaro, bkutungamira michechi sekutungamirwa nokuratidzwa kwavanoitwa neMweya Mutsvene.

3 Zvisinei munorairwa kuti amusazodzinga ani zvake panze pemichechi yenyu yeruzhinji, iyo inoitwa pamberi penyika.

4 Munorairwawo kuti musaburitse ani zvake awechechi mumisangano yenyu yesakaramende; zvakadaro, kana paine akanganisa, muitei kuti basadye sakaramende asati ayananiswa.

5 Uye zvakare ndinoti kwamuri, hamuzobvisa ani zvake mumichechi yenyu yesakaramende anenge achitsvaga nemwoyo wake wose umambo—ndiri kutaura izvi maererano neavo vanenge vasiri vechechi.

6 Uye zvakare ndinoti kwamuri, maererano nemichechi yenyu ayekusimbisa, kuti paine mumwe asiri wechechi, ari kutsvaga nemwoyo wose umambo, musazovaburitse kunze.

7 Asi munorairwa muzvinhu zvose kuti, amukumbire kuna Mwari, vanopa vakasununguka; uye neicho chinhu chinopupurwa neMweya kwamuri kunyangwe saizvozvo ndinoti zviitei bmuhutsvene hwose hwemwoyo, muchifamba makatwasanuka pamberi pangu, cmuchifunga chinangwa cheruponeso rwenyu, muchiita zvose zvinhu nemunamato uye dnekutenda, kuti emusafurirwe nemweya yakaipa, kana fdzidziso yaana dhiabhorosi, kana gmirairo yevanhu; nokuti mimwe ndeye vanhu, uye mimwe ndeyaana dhiabhorosi.

8 Nokudaro, chenjerai potse munganyengedzwe; uye kuti musanyengedzwe atsvagai nemwoyo wose zvipo zvakanaka, nguva dzose muchirangarira kuti zvinopirwei;

9 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvinopihwa kuti zvipundutse avo vanondida uye vanochengeta yose mirairo yangu, uye neuyo anotsvaga kuita saizvozvo; kuti vose vapundutswe vanonotsvaga kana vanobvunza kwandiri, avo vanobvunza kwandiri asi vasingakumbire achiratidzo chekuti bvagodya muruchiva rwavo.

10 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, munofanira kurangarira nguva dzose, uye nguva dzose muzvichengete amupfungwa dzenyu kuti, bzvipo izvo ndezvei, izvo zvinopihwa kuchechi.

11 Nokuti vose havazi kupihwa chose chipo; nokuti kune zvipo zvakawanda, uye kumunhu awose kunopihwa chipo neMweya waMwari.

12 Kune vamwe kunopihwa ichi, kune vamwe kunopihwa chimwe kuti vose vagopundutswa nokudaro.

13 Kune vamwe chinopihwa neMweya Mutsvene akuziva kuti Jesu Kristu ndiye Mwanakomana waMwari, uye nekuti akaroverwa zvitadzo zvenyika.

14 Kune vamwe kunopihwa akutenda kumazwi avo, kuti naivowo vagowana upenyu hwokusingaperi kana vakaramba vakatendeka.

15 Uye zvakare, kune vamwe chinopihwa neMweya Mutsvene kuziva akusiyana kwekutonga, sekufadza kwazvinoita Ishe vamwecheteyo, maererano nekuda kwaIshe zvichienderana netsitsi dzavo maererano nemamiriro evana vevanhu.

16 Uye zvakare, zvinopihwa kune vamwe neMweya Mutsvene kuziva kusiyana kwemashandiro kuti ndezvaMwari, kuti zviratidzo zveMweya zvive zvinopihwa kumunhu wose kuti apundutswe nazvo.

17 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kune vamwe kunopihwa neMweya waMwari, izwi areungwaru.

18 Kune mumwe kunopihwa izwi areruzivo, kuti vose vagodzidziswa kuti vangware nekuve neruzivo.

19 Uye zvakare, kune vamwe zvinopihwa kuti vave anerutendo rwekuti varapwe;

20 Uye kune vamwe vanopihwa kuti vave nerutendo arwekurapa.

21 Uye zvakare, kune vamwe kunopihwa kusevenza azvishamiso nesimba raMwari;

22 Uye kune vamwe kunopihwa akuporofita;

23 Uye kune vamwe kuziva anekupatsanurwa mweya.

24 Uye zvakare, zvinopihwa kune vamwe kutaura anendimi;

25 Uye kune vamwe kunopihwa kududzira ndimi.

26 Uye zvose azvipo izvi zvinobva kunaMwari, kuti zvipundutse bvana vaMwari.

27 Uye nekuna abhishopi wechechi, uye nekune avo vachadomwa nekugadzwa naMwari kuti vatarise chechi uye nekuve magosa kuchechi, zvinopihwa kwavari kuziva bnekupatsanura zvose zvipo izvozvo potse pangangove nevamwe pakati penyu vanonyepera, uye ivo vasiri vaMwari.

28 Uye zvichaitika kuti uyo anokumbira amuMweya achagashira muMweya;

29 Kuti kune vamwe zvingangopihwa kuti vawane zvipo zvose izvo, kuti kuve nemutungamiri, kuitira kuti yose nhengo ipundutswe nazvo.

30 Uyo aunokumbira bmuMweya anokumbira maererano cnekuda kwaMwari; nokudaro zvinoitwa kana sekukumbira kwake.

31 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, zvinhu zvose zvinofanira kuitwa muzita raKristu, chose icho chamunoita muMweya;

32 Uye munofanira akutenda kuna Mwari muMweya maropafadzo ose zvawo amunoropafadzwa nawo.

33 Uye munofanira kuteedza ahunhu uye bnehutsvene pamberi pangu nguva dzose. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.