Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 45


Chikamu 45

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuChechi, paKirtland, Ohio, 7 Kurume 1831 (History of the Church, 1:158–163). Achisuma zvinyorwa zvezvakazarurwa izvi, Muporofita akati “panguva iyoyi yeChechi … zvizhinji zvenhema … uye nenyaya dzisina maturo, dzakange dzashambadzwa … dzikatumirwa, … kuitira kudzivirira vanhu kuti vasaongorore basa iri, kana kugashira chitendero …. Asi kumufaro weVatendi, … ndakagashira zvinotevera” (History of the Church, 1:158).

1–5, Kristu ndiye mureveri wedu kuna Baba; 6–10, Vhangeri mutumwa wekugadzira nzira pamberi paIshe; 11–15, Enoki nehama dzake vakagashirwa naIshe kwavari; 16–23, Kristu akaratidza zviratidzo zvekuuya kwake sekupihwa kwazvakaitwa paGomo reMiorivhi; 24–38, Vhangeri richadzorerwa pakare, nguva dzeMaJentairi dzichazadzikiswa, uye chirwere chinoparadza chichazara panyika; 39–47, Zviratidzo, zvishamiso, uye nekumuka kuvakafa zvichavepo paKuuya Kwechipiri; 48–53, Kristu achamira paGomo reMiorivhi, uye maJuda achaona maronda ake ari mumaoko ake nekutsoka; 54–59, Ishe vachatonga munguva yeMereniamu; 60–62, Muporofita anoudzwa kuti atange kududzira Testamente Itsva, kuburikidza nayo zvimwe zvinokosha zvichaziviswa; 63–75, Vatendi vanoudzwa kuti vaungane uye kuti vavake Jerusarema Idzva, uko kuchaenda vanhu vemarudzi ose.

1 Teererai, imi vanhu avechechi yangu, iyo yakapihwa bumambo; teererai imi uye mupe nzeve kuna iye akaisa hwaro hwenyika, uyo cakaita matenga uye nemhomo dzirimo, uye zvinhu zvose zvakaitwa naiye zvipenyu zvinofamba, uye zvine chimiro.

2 Uye zvakare ndinoti, teererai kuzwi rangu, kuti musawanikidzwe anerufu; bmunguva yamusingafungire, zhizha rinenge rapfuura, uye ckukohwa kwapera, uye mweya yenyu isina kuponeswa.

3 Teererai kwaari anove ndiye amurevereri kuna Baba, ari kukukumbirirai pamberi pavo—

4 Achiti: Baba, tarisai akutambudzika nerufu rwake kweuyo asina kuita bchitadzo, wamakafara kwazvo naye; tarisai ropa reMwanakomana wenyu iro rakadeurwa, ropa reuyo wamakapa kuti imi cmugorumbidzwa;

5 Nokudaro, Baba, regererai idzi hama dzangu idzo adzinotenda muzita rangu, kuti dzigouya kwandiri uye dziwane upenyu bhwusingaperi.

6 Teererai, imi vanhu vechechi yangu, uye nemi magosa teererai pamwechete, uye munzwe izwi rangu achirikunzi anhasi, uye musaomese mwoyo yenyu;

7 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri ndini aArfa naOmega, mavambo namagumo, chiedza neupenyu hwenyika—bchiedza chinopenya murima uye rima racho harichinzwisise.

8 Ndakauya kune vekwangu, uye vekwangu havana kundigashira; asi kune vakawanda vakandigashira ndakavapa asimba rekuti vaite bzvishamiso zvizhinji, uye nekuti vave cvanakomana vaMwari; uye kunyangwe kune avo dvakatenda kuzita rangu ndakavapa simba rekuti vawane upenyu ehwokusingaperi.

9 Uye kunyangwe naizvozvo ndakatumira achibvumirano changu bchisingaperi munyika, kuti chive chiedza kunyika, uye kuti chive crupawo rwevanhu vangu, uye kuti dmaJentairi vachitsvake kwachiri, uye nokuve emutumwa pamberi pechiso changu kugadzirira nzira pamberi pangu.

10 Nokudaro, uyai imi kwachiri, uye kune uyo achauya ndichataura naye sezvaiitwa nevanhu mumazuva akare, uye ndinokuratidzai akusimba kwekufunga kwangu.

11 Nokudaro, teererai imi pamwechete uye murege ndikuratidzei kunyangwe huchenjeri hwangu—huchenjeri hweuyo wamunoti ndiMwari avaEnoki, uye nehama dzake,

12 Avo avakapatsanurwa kubva munyika, uye vakagashirwa kwandiri—bguta rakachengetedzwa kudakara zuva rekururama rauya—zuva raitsvagwa nevose varume vatsvene, uye havana kuriwana pamusana pehuipi nezvinyangadzo;

13 Uye vakareurura kuti avatorwa nevanamati pano panyika;

14 Asi vakawana achivimbiso chekuti vachariona uye vagoriwana munyama yavo.

15 Nokudaro, teererai ndigotaurirana nemi, uye ndigotaura kwamuri uye nokuporofita, sezvaiitwa nevanhu vekare.

16 Uye ndichazviratidza pachena asekuratidza kwandakariita kuvadzidzi vangu zvandakange ndimire pamberi pavo munyama, uye ndichitaura kwavari, ndichiti: Sezvo mandikumbira pamusana bpezviratidzo zvekuuya kwangu, muzuva iro randichauya mukubwinya kwangu mumakore edenga, kuzadzikisa zvivimbiso zvandakaita kumadzibaba enyu,

17 Sezvo makatarisa akushaikwa bkwemweya yenyu kwenguva refu isiri mumuviri yenyu, sehusungwa, ndichakuratidzai kuti richauya sei zuva rerununuro, uyewo cnekudzorerwa pakare kweIsraeri dyakapararira.

18 Uye zvino imi munoona temberi iyi iri muJerusarema, iyo yamunodaidza kuti imba yaMwari, uye vavengi venyu vanoti izvo imba iyi haife yakapunzika.

19 Asi, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuparadzwa kuchauya pachizvarwa chino sembavha husiku, uye vanhu ava vachaparadzwa uye vagopararira mumarudzi ose.

20 Uye iyi temberi yamuri kuona zvino ichapunzirwa pasi zvekuti hapana dombo richasara riri pamusoro perimwe.

21 Uye zvichaitika, kuti chizvarwa chino chemaJuda hachizopfuura kudakara kuparadzwa kwose kwandakutaurirai maererano navo kwapfuura.

22 Munoti munoziva kuti akuguma kwenyika kuri kuuya; munotiwo zvakare imi munoziva kuti matenga nenyika zvichapfuura;

23 Uye muneizvi munotaura chokwadi, nokuti ndizvo zvazviri; asi zvinhu zvandakutaurirai hazvizopfuura kudakara zvose zvazadzikiswa.

24 Uye izvi ndakutaurirai maererano neJerusarema; uye apo pachauya iroro zuva, chidimu chakasara achichaparadzirwa mukati memarudzi;

25 Asi avachaunganidzwa zvakare; asi vachagara vakadaro kudakara nguva byemaJentairi yazadzikiswa.

26 Uye muzuva airoro muchanzwikwa bzvehondo uye nerunyerekupe rwehondo, uye pasi rose richave nyonga-nyonga, uye mwoyo yevanhu cichavakurira, uye vachati Kristu ari dkunonoka kuuya kwake kudakara kuguma kwenyika.

27 Uye rudo rwevanhu rwuchagwamba kutonhora, uye huipi huchawanda.

28 Uye kana nguva ayemaJentairi yapinda bchiedza chichaita pakati pavo avo vagere murima, uye chichave kuzara kwevhangeri rangu;

29 Asi ahavarigashire; nokuti havaone chiedza, uye vanobvisa bmwoyo yavo kwandiri pamusana cpemirairo yevanhu.

30 Uye muchizvarwa ichocho nguva yemaJentairi ichazadzikiswa.

31 Uye kuchave kuine varume vakamira muchizvarwa ichocho, vasisazopfuure kudakara vaona ashamhu huruhuru; nokuti chirwere chinoparadza chichafukidza nyika.

32 Asi vadzidzi vangu avachamira munzvimbo tsvene, uye vasingazobva; asi pakati pevakaipa, vanhu vachasimudza mazwi avo uye bvotuka Mwari vobva vafa.

33 Uye kuchave anekundengendeka kwenyika zvakare munzvimbo dzakasiyana-siyana, uye nokuparadzwa kwakawanda; zvakadaro vanhu vachaomesa mwoyo yavo kwandiri, uye vachatora bmunondo, vachirwisana, uye vachaurayana.

34 Uye zvino, apo ini Ishe ndakange ndabva kutaura mazwi aya kuvadzidzi vangu, vakanetsekana.

35 Uye ndakati kwavari: aMusanetseke, nokuti, pachaitika zvose zvinhu izvi, muchazoziva kuti zvivimbiso zvakaitwa kwamuri zvichazadzikiswa.

36 Uye chiedza pachichatanga kuuya, zvichaita kwavari serungano rwemufananidzo uyu wandichakuratidzai—

37 Munotarisa mugoona miti ayemikuyu, uye munoiona nemaziso enyu, uye munoti kana yave kutanga kupfumvura, uye mashizha ayo achiri matete, munoti zvino zhizha rave pedyo;

38 Kunyangwe saizvozvo ndizvo zvazvichange zvakaita muzuva iro ravachaona zvinhu zvose izvi, ndipo pavachaziva kuti nguva yave pedyo.

39 Uye zvichaitika kuti uyo aanonditya bachatarisira kuti czuva guru raIshe riuye, kunyangwe dzviratidzo zvekuuya ekweMwanakomana weMunhu.

40 Uye vachaona zviratidzo nezvishamiso, nokuti zvicharatidzwa kumatenga kumusoro, uye nemunyika pasi.

41 Uye vachaona ropa, anemoto, uye nemhute yehutsi.

42 Uye zuva raIshe risati rauya, azuva richasvibiswa, uye mwedzi uchapindurwa kuita ropa, uye nyenyedzi dzichadonha kubva kudenga.

43 Uye vakasara vachaunganidzwa panzvimbo ino;

44 Uye ipapo vachanditsvaka, tarisai, ndichauya; uye vachandiona ndiri mumakore edenga, ndakashongedzwa simba uye anokubwinya kukuru; nengirozi dzose tsvene; uye basingazonditarisiri achadimburwa.

45 Asi ruoko rwaIshe rwusati rwawa, ngirozi icharidza ahwamanda yayo, uye vatsvene vange vakarara bvachauya kuzosangana neni cmumakore.

46 Nokudaro, kana mange makarara amurunyararo makaropafadzwa imi; nokuti sekundiona kwamuri kuita iye zvino uye nokuziva kuti ndini, kunyangwe saizvozvo bmuchauya kwandiri uye mweya yenyu cichararama, uye kununurwa kwenyu kuchakwaniswa; uye vatsvene vachauya kubva kumativi mana epasi.

47 Ipapo aruoko rwaIshe rwuchawira pamusoro pemarudzi.

48 Uye zvino Ishe vachaisa tsoka yavo apagomo rino, uye richatsemuka nepakati, uye nyika bichadedera, uye igovheya, uye kana matenga cachazunguzukawo.

49 Uye Ishe vachataura izwi ravo, uye kumiganhu kwose kwenyika richanzwika; uye marudzi epasi aachachema, uye avo vaiseka vachaona kukanganisa kwavo.

50 Uye nhamo ichaputira nyakushora, uye mutuki achaparadzwa; uye vakagarira kuipa vachatemwa vachikandwa mumoto.

51 Uye ipapo amaJuda bvachatarisa pandiri uye voti: Ko maronda aya ari mumaoko uye nemutsoka dzako ndeei?

52 Ipapo ndipo pavachaziva kuti ndini Ishe; nokuti ndichati kwavari: Maronda aya ndiwo maronda aandakakuvadzwa nawo ndiri mumba meshamwari dzangu. Ndini iye akasimudzwa. Ndini Jesu bakarovererwa. Ndini Mwanakomana waMwari.

53 Uye ipapo ndipo apavachachema nokuda kwekuipa kwavo; zvino ndipo pavachakungura nokuti vakatambudza bmambo wavo.

54 Uye ndopachanunurwa marudzi aevahedheni, uye avo vakanga vasingazive mutemo vachawana mukana bmukumuka kuvakafa kwekutanga; uye zvichave czvirinani kwavari.

55 Uye aSatani bachasungwa, zvekuti haazowane nzvimbo mumwoyo yevana vevanhu.

56 Uye amuzuva iroro randichauya ndiri mukubwinya kwangu, ndimo muchazadzikiswa rungano rwemufananidzo urwo rwandakataura pamusoro bpemhandara dzine gumi.

57 Nokuti avo vakangwara uye vakagashira achokwadi, uye vakatora Mweya Mutsvene kuti buvatungamire, uye vasati cvanyengedzwa—zvirokwazvo ndinoti kwamuri, havazotemwa uye vachikandwa dmumoto, asi kuti vachagara muzuva iroro.

58 Uye anyika ichapihwa kwavari bsenhaka; uye vachapamhidzirwa uye vagowanda zvikuru, uye vana cvachakura vasina chitadzo dkuruponeso.

59 Nokuti Ishe vachave apakati pavo, uye kubwinya kwavo kuchave pavari, uye anenge ari mambo wavo uye bnemupi wemutemo wavo.

60 Uye zvino tarisai, ndinoti kwamuri, hazvichapihwa kwamuri kuti muzive zvinopfuura izvi pamusoro pechitsauko chino, kudakara Testamente aItsva yadudzirwa, uye mairi zvose zvinhu izvi zvichaitwa kuti zvizivikanwe;

61 Nokudaro ndinopa kwamuri kuti zvino muchiidudzira, kuti mugadzirire zvinhu zvichauya.

62 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvinhu zvikuru zvakakumirirai;

63 Munonzwa anezvehondo munyika dzevatorwa; asi tarisai, ndinoti kwamuri, dziri pedyo, kunyangwe pamisiwo yenyu, uye kusina makore mazhinji kubvira zvino muchanzwa nezvehondo munyika menyu.

64 Nokudaro ini Ishe, ndakataura kuti unganai muchibva kunyika dziri akumabvazuva, unganidzanai imi pamwechete imi magosa echechi yangu; endai kunyika dzekumadokero, daidzirai kuvagari vemo kuti vatendeuke, maererano nokutendeuka kwavanenge vaita vakai machechi kwandiri.

65 Uye nemwoyo mumwechete nepfungwa imwechete, unganidzai upfumi hwenyu kuti amugotenga nhaka iyo yamuchapihwa pashure.

66 Uye ichazodaidzwa kunzi Jerusarema aIdzva, bnyika cyerunyararo, guta drekupotera, nzvimbo isina chekutya yevatsvene vaMwari wePamusoro-soro;

67 Uye akubwinya kwaIshe kuchavepo, uye nokutyisa kwaIshe naikowo kuchavepo, zvekuti vakaipa havazouya kwairi, uye ichadaidzwa kunzi Zioni.

68 Uye zvichaitika pakati pevakaipa, kuti wose munhu asingazotora munondo wake kurwisa muvakidzani wake anotofanira kutizira kuZioni kuti apone.

69 Uye akuchaungana mairi vanobva kurudzi rwose rwose rwuri pasi pedenga; uye vachave vanhu chete vanenge vasina hondo pakati pavo.

70 Uye zvichanzi pakati pevakaipa: Ngatiregei kunorwa neZioni, nokuti vagari veMuZioni vanotyisa; nokudaro hatingamire.

71 Uye zvichaitika kuti vakarurama vachaunganidzwa vachibva mukati memarudzi ose, uye vachiuya kuZioni, vachiimba nziyo dzerufaro kusingaperi.

72 Uye zvino ndinoti kwamuri, chengetai zvinhu izvi kuti zvisapararire munyika kudakara zvafanira kwandiri, kuti mugoita basa iri pamberi pevanhu, uye nemumaziso evavengi venyu, kuti varege kuziva mabasa enyu kudakara maita icho chinhu chandakakurairai;

73 Kuti pavachazozviziva, kuti vagozvifunga zvinhu izvi.

74 Nokuti apo Ishe pavachaonekwa avachatyisa kwavari, zvekuti kutya kuchavabata, uye vachamirira kure uye vachibvunda.

75 Uye ose marudzi achatya nokuda kwekutyisa kwaIshe, uye nesimba ravo guru. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.