Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 42


Chikamu 42

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paKirtland, Ohio, 9 Kukadzi 1831 (History of the Church, 1:148–154). Zvakagashirwa pamberi pemagosa gumi nevaviri uye nemukuzadzikisa chivimbiso chaIshe chaakamboita chekuti “mutemo” waizopihwa muOhio (ona chikamu 38:32). Muporofita anotsanangura chakazarurwa chino achiti “zvinobata mutemo weChechi” (History of the Church, 1:148).

1–10, Magosa anodaidzwa kuti aparidze vhangeri, vabhabhatidze vatendeuki, uye nokuvaka Chechi; 11–12, Vanofanira kudaidzwa uye vogadzwa uye vari vanofanira kudzidzisa mitemo yevhangeri iyo inowanikwa mumagwaro matsvene; 13–17, Vanofanira kudzidzisa nokuporofita nesimba reMweya; 18–29, Vatendi vanorairwa kuti vasauraye, kuba, kunyepa, kuita ruchiva, kuita upombwe, kana kutaura zvakaipa pamusoro pevamwe; 30–39, Mitemo inotonga kutsaurwa kwemidziyo inomiswa; 40–42, Kuzvikudza nenungo hazvidiwe; 43–52, Vanorwara vacharapwa kuburikidza nokuropafadzwa; uye nerutendo; 53–60, Magwaro matsvene anotonga Chechi uye anofanira kutaurwa kunyika; 61–69, Nzvimbo yeJerusarema Idzva nezvakavandika zveumambo zvichaiswa pachena; 70–73, Midziyo yakatsaurwa inofanira kushandiswa kuriritira vashandi veChechi; 74–93, Mitemo inotonga kuzivana kusina kururama, hupombwe, kuuraya, kuba, uye nokureurura zvitadzo inotsanangurwa.

1 Teererai, imi magosa echechi yangu, imi maungana pachenyu muzita rangu, kunyangwe Jesu Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu, Muponesi wenyika; sezvo muri munotenda muzita rangu uye nokuchengeta mirairo yangu.

2 Zvakare ndinoti kwamuri, teererai nekunzwa nekutevedza amutemo uyo wandichapa kwamuri.

3 Nokuti zvirokwazvo ndinoti, sezvo maungana pamwechete pachenyu maererano anemurairo wandakakurairai, uye makabvumirana bmuchinhu chimwechete chino, uye mukakumbira kuna Baba muzita rangu, kunyangwe saizvozvo muchagashira.

4 Tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ndinopa kwamuri uyu murairo wekutanga, kuti muchaenda muzita rangu, mumwe nemumwe wenyu, kunze kwevaranda vangu Joseph Smith, Mwana, naSidney Rigdon.

5 Uye ndinopa kwavari murairo kuti ivo vachaenda kwemwaka mudiki, uye zvichapihwa nesimba areMweya kuti vachadzoka rinhi.

6 Uye imi muchaenda musimba reMweya wangu, muchiparidza vhangeri rangu, avaviri vaviri, muzita rangu, muchisimudza mazwi enyu sekurira kwehwamanda, muchitaura izwi rangu sengirozi dzaMwari.

7 Uye muchaenda muchibhabhatidza nemvura, muchiti: Tendeukai imi, tendeukai imi nokuti umambo hwekudenga hwave pedyo.

8 Uye muchibva panzvimbo ino muchaenda kumatunhu ekumadokero; uyezve nokuwana kwamuchaita avo vachakutambirai muchavaka chechi yangu mudunhu rega-rega—

9 Kudakara nguva yangu yauya iyo pazvicharatidzwa kwamuri kubva kumusoro, apo aguta reJerusarema bIdzva richagadzirwa, kuti cmuunganidzwe muri pamwechete, kuti muve dvanhu vangu uye ndichave Mwari venyu.

10 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, muranda wangu aEdward Partridge achamira munzvimbo iyo yandakamupa. Uye zvichaitika, kuti kana akatadza bmumwe anoiswa munzvimbo yake. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.

11 Zvakare ndinoti kwamuri, hazvipihwe kumunhu wose zvake kuti ayende aanoparidza izwi rangu, kana kuvaka chechi yangu, kunze kwekunge bakagadzwa nemumwe ane cmvumo, uye zvichizivikanwa kuchechi kuti ane mvumo uye akagadzwa nenzira kwayo nemisoro yechechi.

12 Uye zvakare, amagosa, vapirisita nevadzidzisi vechechi ino bvachadzidzisa misimboti yevhangeri rangu, iyo iri cmuBhaibheri uye dneBhuku raMormoni, umo mune kuzara ekwevhangeri,

13 Uye vachacherechedza zvibvumirano nemisimboti yechechi kuti vaiite, uye izvi ndizvo zvichave zvidzidziso zvavo, sekutungamirirwa kwavachange vachiitwa neMweya.

14 Uye Mweya uchapihwa kwamuri anemunamato werutendo; uye kana musina kugashira bMweya hamudzidzise.

15 Uye zvose izvi muchacherechedza kuzviita sekuraira kwandakaita pamusoro pekudzidzisa kwenyu, kudakara kuzara akwemagwaro angu matsvene kwapihwa.

16 Uye sezvo muchazosimudza mazwi enyu kuburikidza anaMweya Munyaradzi, muchataura nokuporofita sekuda kwangu;

17 Nokuti tarisai, Mweya Munyaradzi anoziva zvinhu zvose, uye anopupura pamusoro pezvaBaba nezveMwanakomana.

18 Uye zvino tarisai, ndinotaura kuchechi. aMusauraye; uye uyo banouraya haazowane ruregerero pasi pano, kana munyika ichauya.

19 Uye zvakare ndinoti, musauraye; asi uyo anouraya aachafa.

20 aMusabe; uye uyo anoba uye agorega kutendeuka acharaswa kunze.

21 Musareve anhema; uyo anonyepa akasatendeuka anoraswa kunze.

22 aIda mukadzi wako nemwoyo wako wose, uye buchanamatira kwaari uye pasina mumwe.

23 Uye uyo anotarisa mukadzi anokumuchiva acharamba chitendero, haazove neMweya; uye kana akasatendeuka acharaswa kunze.

24 Musaite aupombwe; uye uyo anoita upombwe, uye akasatendeuke, acharaswa kunze.

25 Asi uyo aita upombwe uye aakatendeuka nemwoyo wake wose, uye akabva azvisiya, uye akasazviita zvakare, iyeyo bmuchamuregerera;

26 Asi akazviita azvakare, iyeyo haachazoregererwa, asi acharaswa kunze.

27 aMusataure zvakaipa pamusoro pemuvakidzani wenyu, kana kumuitira chinhu chinomukuvadza.

28 Munoziva mitemo yangu maererano nezvinhu izvi zvinopihwa mumagwaro matsvene angu; uyo anotadza uye akasatendeuka aacharaswa kunze.

29 Kana auchindida buchandishandira uye cnokuchengetedza mirairo yangu.

30 Uye tarisai, mucharangarira avarombo, uye bmugopira midziyo yenyu ckuvariritira, iyo yamungakwanise kuvapa, nechibvumirano nechisungo chisingatyoreke.

31 Uye asekupa kwamunenge muchiita zvinhu zvenyu bkuvarombo, munenge muchizviita kwandiri; uye zvichaiswa pamberi cpabhishopi wechechi yangu nevabatsiri vake, vaviri vemagosa, kana vapirisita vepamusoro, vaachasarudza kana vaakasarudza kare uye dakavatsaurira basa iroro.

32 Uye zvichaitika, kuti mushure mekunge zvaiswa pamberi pabhishopi wechechi yangu, uye mushure mekunge agashira uchapupu uhu maererano anekupirwa kwemidziyo yechechi rangu, kuti hazvizokwanisika kutorwa kubva muchechi, zvichipindirana nemirairo yangu, munhu wose achaitwa kuti bazvidavirire kwandiri, chutariri hwemidziyo yake, kana izvo zvaakatambira kuburikidza nekutsaurwa, izvo zvinokwanirana naye dnemhuri yake.

33 Uye zvakare, kana pachizoita mimwe midziyo iri mumaoko echechi, kana emumwe munhu ari mariri zvakawanda kupfuura zvakafanira kuti vararame mushure mekupirwa kwekutanga uku, zviri azvasara zvinopirwa kuna bhishopi, zvichachengetwa kuti zvigoropafadza avo vasina, nguva nenguva, kuti wose munhu anoshaya apihwe zvinomukwanira uye kuti agotambira maererano nezvaanoda.

34 Nokudaro, zvinosaririra zvichachengeterwa mumba yangu yekuchengetera, kuti zvigopihwa kuvarombo nevanoshaya, sezvinenge zvadomwa nedare repamusoro rechechi, nabhishopi nedare rake;

35 Uye nechinangwa chekutenga nzvimbo dzinoyamura chechi, uye nokuvaka dzimba dzekunamatira, uye nekuvaka Jerusarema aIdzva iro richaratidzwa mushure—

36 Kuti vanhu vechibvumirano vagoungana pamwechete muzuva iro arandichauya bkutemberi yangu. Uye izvi ndinozviitira ruponeso rwevanhu vangu.

37 Uye zvichaitika kuti, uyo anotadza uye akasatendeuka, aachakandwa kunze kwechechi, uye haazogashira zvakare icho chaakanga bapira kuvarombo nekune vanoshaya vechechi yangu, kana kuti nemamwe mazwi, kwandiri—

38 Sekuita kwamunenge amuchizviitira wekupedzisira weava, munenge muchizviitira ini.

39 Nokuti zvichaitika kuti, izvo zvandakataura nemiromo yemaporofita vangu zvichazadzikiswa; nokuti ndichatsaura upfumi hweavo vanogumbatira vhangeri rangu pakati peJentairi, kuvarombo vevanhu vangu avo vari vemba yaIsraeri,

40 Uye zvakare, amusazvikudze mumwoyo menyu; itai kuti bnhumbi dzenyu dzose dzive dzisingashamisire, uye kunaka kwadzo kuve kunaka kwebasa remaoko enyu;

41 Itai kuti zvinhu zvose zviitwe mukutsvinda pamberi pangu.

42 Musaite anungo; nokuti uyo ane nungo haazodya chingwa kana kupfeka nhumbi dzemushandi.

43 Uye ani zvake pakati penyu aanorwara, asina rutendo rwekuti arapwe, asi achitenda, achachengetwa achibatwa nokuzvakanaka chose, nemishonga uye nekudya kwakapfava, uye kuti zvisingaitwe neruoko rwemuvengi.

44 Uye magosa echechi, vaviri kana kupfuura, vachadaidzwa, uye vachanamatira nekuvagadza amaoko pamusoro pavo muzita rangu; uye kana bvakafa vachafira kwandiri, uye vakapona vachaponera kwandiri.

45 aMuchagara pamwechete bmurudo, zvekuti cmuchachema nokurasikirwa neavo vanenge vafa, uye kunyanya avo dvasingatarisirwe kuve nekumuka kuvakafa kune kubwinya.

46 Uye zvichaitika kuti avo vachafa vari mandiri havazoraira arufu, nokuti rwuchange brwuchitapira kwavari;

47 Uye vanofa vasiri mandiri, nhamo kwavari, nokuti rufu rwavo rwunovava.

48 Uye zvakare, zvichaitika kuti uyo ane arutendo mandiri brwekupona, uye asina ckudomerwa kufa achapona.

49 Uyo ane rutendo rwekuona, achaona.

50 Uyo ane rutendo rwekunzwa, achanzwa.

51 Anokaminha ane rutendo rwekusvetuka achasvetuka.

52 Uye avo vasina rutendo rwekuita zvinhu izvi, asi vachitenda mandiri, vane simba rekuve avanakomana vangu; uye kana vasiri kutyora mitemo yangu, bmuchatakura utera hwavo.

53 Muchamira munzvimbo ayeutariri hwenyu.

54 Musazotora nhumbi yehama yenyu; muchatenga icho chamunotambira kubva kuhama yenyu.

55 Uye amukawana zvakawanda kupfuura zvamunoda mukuzviriritira kwenyu, makafanira kuzvipa bkuimba yangu yekuchengetera, kuti zvose zvinhu zvigoitwa mayererano neizvo zvandataura.

56 Muchakumbira, uye amagwaro matsvene angu achapihwa sezvandadoma, uye bagochengetedzwa zvakanaka;

57 Uye zvakafanira kuti munyarare pamusoro pawo, uye musavadzidzise dakara mavagashira zvizere.

58 Uye ndinokupai murairo kuti muchaidzidzisa kuvanhu vose; nokuti ichadzidziswa kumarudzi aose, vehukama, vendimi, nevanhu.

59 Muchatora zvinhu zvamakatambira, izvo zvakapihwa kwamuri mumagwaro matsvene angu semutemo, kuti uve mutemo wangu unotonga chechi yangu;

60 Uye uyo aanoita maererano nezvinhu izvi achaponeswa, uyo asingazviite bachatongwa kana akaramba akadaro.

61 Kana mukakumbira, muchagashira azvakazarurwa pamusoro pezvakazarurwa, bruzivo pamusoro peruzivo, kuti mugoziva czvakavandika nezvinhu dzverunyararo—izvo zvinounza erufaro, izvo zvinounza upenyu hwokusingaperi.

62 Muchakumbira, uye zvobva zvaratidzwa kwamuri munguva yangu painenge yasvika apo Jerusarema aIdzva richavakwa.

63 Uye tarisai, zvichaitika kuti varanda vangu vachatumirwa kumabvazuva nekumadokero, kuchamhembe nekumaodzanyemba.

64 Uye kunyangwe iye zvino, regai uyo anoenda kumabvazuva avadzidzise avo vachatendeudzwa kuti vatizire akumadokero, uye izvi zviri zvinokonzerwa nechichauya panyika, uye zvisungo zvemibatanidzwa byemuchivande.

65 Tarisai, muchacherechedza zvinhu zvose izvi, uye mubairo wenyu uchave mukuru; nokuti kwamuri kwakapihwa kuti muzive zvakavanzika zvemuumambo, asi kunyika hazvina kupihwa kuti vazvizive.

66 Muchacherechedza mitemo yamakatambira uye move makatendeseka.

67 Uye muchagashira pashure azvibvumirano zvechechi, izvo zvichave zvakakwana kukumisai, zvose pano nemuJerusarema Idzva.

68 Nokudaro, uyo asina aungwaru, ngaandikumbire, ndichamupa zvakakwana uye ndisingamukonorere.

69 Simudzai mwoyo yenyu, uye mufare, nokuti kwamuri aumambo, kana kuti nemamwe mazwi, bmakiyi echechi apihwa. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.

70 aVapirisita bnevadzidzisi vachawana chutariri hwavo, kunyangwe senhengo

71 Uye magosa kana vapirisita vepamusoro avo vanosarudzwa kuti vayamure bhishopi semachinda muzvinhu zvose, mhuri dzavo dzinoriritirwa kubva mumidziyo ayakapirwa kuna bhishopi, kuti zviyamure varombo, uye nezvimwe zvinangwa, sezvataurwa kare;

72 Kana kuti vanotambira mubairo wakaenzanirana nekushanda kwavo, kana hutariri kana rimwewo basa, zvinenge zvafungwa kuti zvakafanira kana zvaitwa nevabatsiri nabhishopi.

73 Uye naiyewo bhishopi, achatambira zvekuti azviriritire kana mubairo wekushanda kwake kwose muchechi.

74 Tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti vanaani zvavo vari pakati penyu, vachinge varamba vamwe vavo nekuda akwehupombwe, kana kuti nemamwe mazwi, kana vakazopupura pamberi penyu mumwoyo wose wazvininipisa zvikuru kuti ndizvo zviripo, musazovabvisa pakati penyu;

75 Asi mukaona kuti pane vanhu vakasiya vamwe vavo pamusana apehupombwe, asi vari ivo vakatadza, uye vamwe vavo vachiri vapenyu, bvachabviswa pakati penyu.

76 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, amurinde makachenjerera, muchibvunzurudza zvose, kuti musagashire vakadaro pakati penyu kana vari vakaroorana;

77 Uye kana vasina kuroorana, vanofanira kutendeuka kuzvitadzo zvavo zvose kana kuti imi hamuzovagashira.

78 Uye zvakare, wose munhu wechechi yino yaKristu, achacherechedza nokuchengeta yose mirairo nezvibvumirano zvechechi.

79 Uye zvichaitika, kuti kana paina ani zvake pakati penyu aachauraya vachatorwa vonoiswa kwavanoitwa zviri maererano nemitemo yenyika; nokuti yeukai kuti haana ruregerero; uye zvinozoratidzwa maererano nemitemo yenyika.

80 Uye kana ani zvake murume kana mukadzi akaita hupombwe, iyeyo, murume kana mukadzi, achatongwa pamberi pemagosa maviri echechi, kana vano pfuura, uye rose shoko richamiswa mukumutonga nevapupuri vaviri vechechi, uye kwete vemuvengi; asi kana vakave vapupuri vanopfuura vaviri ndizvo zvirinani.

81 Asi iye murume kana mukadzi achatongwa nemiromo yevapupuri vaviri; uye magosa achaisa nyaya yacho pamberi pechechi, uye chechi ichasimudza maoko mukusavatsigira, kuti vagoitwa zviri maererano nemutemo waMwari.

82 Uye kana zvichibvira, zvinofanirwa kuti bhishopi avepowo.

83 Uye ndiko kuita kwamuchaita munyaya dzose dzichauya pamberi penyu.

84 Uye kana murume kana mukadzi akaita hukororo, iyeyo anoiswa kumutemo wenyika.

85 Uye kana murume kana mukadzi aakaba, iyeyo murume kana mukadzi anoiswa kumutemo wenyika.

86 Uye murume kana mukadzi akareva anhema, iyeyo mukadzi kana murume achaiswa kumurau wenyika.

87 Uye murume kana mukadzi akaita chitadzo chipi zvacho, iyeyo murume kana mukadzi achaiswa kumutemo, kunyange uyo waMwari.

88 Uye kana amukoma wako kana hanzvadzi bakakutadzira, unomutora pakati penyu mega, mukoma iyeyo kana hanzvadzi, muri mega; uye kana mukoma kana hanzvadzi cakareurura, muchasunungurana.

89 Uye kana mukoma kana hanzvadzi akasareurura uchamuendesa iye mukoma kana hanzvadzi kuchechi, kwete kunhengo, asi kumagosa. Uye izvi zvichaitirwa mumuchechi, uye kwete pamberi penyika.

90 Uye kana mukoma kana hanzvazi yako ikatadzira ruzhinji, iyeyo mukoma kana hanzvadzi, aacharangwa pamberi peruzhinji.

91 Uye kana paine atadza pachena, achatsiurwa pachena kuti iye, murume kana mukadzi anyare. Uye kana iyeyo murume kana mukadzi akasareurura, iyeyo murume kana mukadzi anoendeswa kumutemo waMwari.

92 Kana paine atadza muruvande, iyeyo murume kana mukadzi achatsiurwa muruvande, kuti iyeyo murume kana mukadzi awane mukana wekureurura muruvande kune uyo murume kana mukadzi waatadzira, uye nekuna Mwari, kuti chechi irege kutaura zvekumutsiura iyeyo murume kana mukadzi.

93 Uye ndiko kuita kwamuchaita muzvinhu zvose.