Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 38


Chikamu 38

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith, Muporofita, paFayette, New York, musi wa2 Ndira 1831 (History of the Church, 1:140–143). Raive zuva regungano reChechi.

1–6, Kristu akasika zvose zvinhu; 7–8, Ari pakati peVatendi vake, avo vachamuona zvinozvino; 9–12, Yose nyama yakaora pamberi pake; 13–22, Akachengeta nyika yechipikirwa kuitira Vatendi vake munguva ino nokusingaperi; 23–27, Vatendi vanorairwa kuti vave vamwe uye varemekedzane sehama; 28–29, Hondo dzichauya dzinofanotaurwa; 30–33, Vatendi vachapihwa simba kubva kumusoro uye nokuti vaende pakati pemarudzi ose; 34–42, Chechi rinorairwa kuti richengete varombo nevanoshaya uye nokutsvaka upfumi hwokusingaperi.

1 Uku ndiko kutaura kunoita Ishe Mwari vako, kunyangwe Jesu Kristu, Mukuru aNdini Arfa naOmega, bkutanga nekupedzisira, mumwecheteyo akatarisa hupamhi hwekusingaperi cnehondo yose yeserafimu dzekudenga, nyika disati eyaitwa;

2 Mumwecheteyo aanoziva zvinhu bzvose, nokuti zvose zvinhu zviri pamberi pemaziso angu;

3 Ndini mumwechete akataura, uye nyika; ikabva ayaitwa, uye zvose zvinhu zvakauya kuburikidza neni.

4 Ndini mumwecheteyo akatora aZioni yaEnoki muchipfuva changu; uye zvirokwazvo ndinoti; kunyangwe avo vose bvakatenda, muzita rangu nokuti ndini Kristu uye pamusana cperopa, randakadeura, ndakavakumbirira kuna Baba.

5 Asi tarisai, vakasarira avevakaipa ndakavachengeta bmumangetani erima ckudakara kutongwa kwezuva guru, uko kuchauya mukuguma kwenyika.

6 Uye naizvozvo ndichaita kuti vakaipa vachengetwe mumangetani erima, avo vasingade kunzwa izwi rangu asi vanoomesa mwoyo yavo uye nhamo, nhamo, nhamo, ndiko kuparadzwa kwavo.

7 Asi tarisai, zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri amaziso angu ari pamuri. Ndiri bpakati penyu uye imi hamukwanise kundiona;

8 Asi zuva ririkusvika zvino rekuti amuzondiona, uye mugoziva kuti Ndini; nokuti chidzitiro cherima iye zvino chave kuzotsemurwa, uye uyo asina bkucheneswa chaangararame zuva iro.

9 Nokudaro, sungirai nguwo dzenyu muchiuno uye mugadzirire. Tarisai, aumambo ndehwenyu, uye muvengi haazokunda.

10 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, amakachena, asi kwete mose; uye hakuna mumwezve uyo banondifadza chaizvo;

11 Nokuti yose anyama yakaora pamberi pangu; uye masimba berima anotonga nyika, pakati pevana vevanhu pamberi pemhondo yose yedenga—

12 Izvo zvinokonzera kuti kunyarara kutonge, uye kusingaperi kose akunorwadziwa uye bngirozi dzakamirira murairo mukuru cwekukohwa pano pasi kuunganidza dsawi kuti eripiswe; uye tarisai, muvengi abatana,

13 Uye iyezvino ndinoratidza kwamuri zvakavanzika, chinhu chiri munzvimbo dzakavanzika, kuunza kunyangwe akuparadzwa kwenyu nekufamba kwenguva, uye makanga musingazvizive;

14 Asi zvino ndinozvitaura kwamuri, uye imi makaropafadzwa, kwete pamusana pekuipa kwenyu, kana kusatenda kwemwoyo yenyu; nokuti zvirokwazvo vamwe venyu vane mhosva pamberi pangu, asi ndichaitira tsitsi kusasimba kwenyu.

15 Naizvozvo, ivai amakasimba kubvira zvino; bmusatye, nokuti umambo ndehwenyu.

16 Uye kuruponeso rwenyu ndinopa kwamuri murairo, nokuti ndakanzwa minamato yenyu, uye avarombo vakanyunyuta pamberi pangu uye bvapfumi ndakavasika, uye yose nyama ndeyangu, uye ini handina munhu cwandinokudza.

17 Uye ndakaita kuti nyika ipfume, uye tarisai achituru chetsoka dzangu, nokudaro, zvakare ndichamira pamusoro payo.

18 Uye ndinotambanudza maoko angu nokuzvideredza kuti ndikupei upfumi hukuru, kunyangwe nenyika yechipikirwa, nyika iri kuyerera nemukaka nehuchi, pamusoro payo pasingazove nokutukwa apo Ishe pavanouya;

19 Uye ndichaipa kwamuri senyika yenhaka yenyu, kana mukaitsvaka nemwoyo wenyu wose.

20 Uye ichi ndicho chichave chibvumirano changu nemi muchaiwana senyika yenhaka yenyu, uye anenhaka yevana venyu nariini, apo nyika ichakamira, uye muchaiwana zvakare mukusingaperi, isingazopfuura.

21 Asi, zvirokwazvo ndinoti kwamuri nenguva muchashaya mambo kana mutongi, nokuti ndichave amambo wenyu uye ndichikutarisai.

22 Nokudaro, inzwai izwi rangu amunditevere, uye munozove vanhu bvakasununguka, uye muchange musina mimwe mitemo asi mitemo yangu pandinouya, nokuti ndini cmupi wemutemo wenyu, uye chii chingatadzise ruoko rwangu?

23 Asi, zvirokwavo ndinoti kwamuri, adzidzisanai maererano nechinzvimbo chandakakupai;

24 Uye regai wose munhu aakudze hama yake sezvaanozviita iye pachake, uye ateedze bhunhu cnehutsvene pamberi pangu.

25 Uye zvakare, ndinoti kwamuri regai wose munhu akudze hama yake sezvaanozviita uye pachake.

26 Nokuti ndiani munhu pakati penyu aine vanakomana gumi nevaviri, asina tsvete pakati pavo, uye vachimushandira nokuteerera, uye oti kune mumwe wavo: Iva unoshonga nguwo uye ugare pano; uye oti kune mumwe: Pfeka mamvemwe uye ugare uko—uye otarisa vanakomana vake ozviti ndinoenzanisa?

27 Tarisai, izvi ndazvipa kwamuri semufananidzo, uye zvakaita kunyangwe sezvandiri. Ndinoti kwamuri ivai avamwechete; uye kana musiri vamwechete hamusi vangu.

28 Uye zvakare, ndinoti kwamuri muvengi ari munzvimbo dzakavandika ari kutsvaka aupenyu hwenyu.

29 Munonzwa anezvehondo munyika dziri kure, uye imi moti kuchave nehondo huru kunyika dziri kure, asi hamuzive mwoyo yevanhu vari munyika menyu.

30 Ndinokutaurirai zvinhu izvi pamusana peminamato yenyu; nokudaro apfimbikai bungwaru muzvipfuva zvenyu, kuitira kuti huipi hwevanhu hukazoburitsa zvinhu izvi kwamuri kuburikidza nehuipi hwavo nenzira ichataura munzeve dzenyu nezwi guru kupfuura iro richazunguza nyika; asi kana makagadzirira hamuzotya.

31 Uye kuti mupunyuke musimba remuvengi, uye mugounganidzwa kwandiri muri vanhu vakarurama, musina akavara uye musina mhosva—

32 Nokudaro, nechikonzero ichi ndakakupai murairo kuti muende akuOhio; uye ikoko ndichakupai bmutemo wangu; uye ikoko cmuchapihwa masimba anobva kumusoro;

33 Uye kubvira ipapo, ani zvake wandinoda kuti aende pakati pemarudzi aose, uye zvichataurwa kwavari zvavakafanira kuita; nokuti ndine basa guru rakamirira, nokuti Israeri bichaponeswa, uye ndichavatungamirira kwose kwandinenge ndichida, uye hakuna simba crichatadzisa ruoko rwangu.

34 Uye zvino, ndinopa kuchechi munzvimbo dzino murairo kuti vamwe vanhu mukati mavo vachasarudzwa, uye vachasarudzwa anezwi rechechi;

35 Uye vachatarisa kune varombo nevanoshaya, uye vovaropafadza anerubatsiro kuti vasazotambudzika; uye vachivatumira kunzvimbo yandakavaraira;

36 Uye iri ndiro richave basa ravo, kutonga nyaya dzemidziyo yechechi.

37 Uye avo vane mapurazi asingagone kutengeswa, regai asare kana kuisa vanhu vanoterera maererano nezvavanoona zvakanaka.

38 Onai kuti zvose zvinhu zvakachengetedzwa; uye kana vanhu avapihwa masimba kubva kumusoro uye vatumwa, zvose zvinhu izvi zvichaunganidzwa kuchipfuva chechechi.

39 Uye kana mukatsvaka aupfumi uhwo huri kuda kwaBaba kuti vakupei, muchave vapfumi kupfuura vanhu vose, nokuti muchawana upfumi hwokusingaperi; uye zvinofanira kuti bupfumi hwenyika ndehwangu kuti ndipe; asi chenjererai ckuzvikudza, potse mungave dsemaNifai akare.

40 Uye zvakare, ndinoti kwamuri, ndinopa kwamuri murairo, kuti wose munhu, wose gosa, mupirisita, mudzidzisi, uyewo nenhengo, aende nesimba rake, nekushanda anemaoko ake, kugadzirira nokuita zvinhu zvandaraira.

41 Uye regai akuparidza kwenyu kuve bizwi rekuyambira, wose munhu kumuvakidzani wake, uye mukupfava nemuhunyoro.

42 Uye endai akubva mukati mevakaipa. Zviponesei pachenyu imi. Ivai makachena imi makatakura midziyo yaIshe. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.