Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 35


Chikamu 35

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita naSidney Rigdon pa, kana pedyo neFayette, New York muna Zvita 1830 (History of the Church, 1:128–131). Panguva iyi, Muporofita akanga akabatikana zvingangove mazuva ose mukududzira Bhaibheri. Kududzira uku kwakatangwa muna Chikumi 1830, uye vose Oliver Cowdery naJohn Whitmer vakanga vashanda sevanyori. Sezvo zvino vakanga vadaidzwa kune mamwe mabasa, Sidney Rigdon akadaidzwa nokusarudzwa kutsvene kuti ashande semunyori weMuporofita mubasa iri (ona vhesi 20). Sechisumo kuzvinyorwa zvake zvechakazarurwa chino, Muporofita akanyora: “Muna Zvita Sidney Rigdon akauya [kubva kuOhio] kuzobvunza kuna Ishe, uye akauya naEdward Partridge … Chinguva chipfupi kubva mukusvika kwehama mbiri idzi, ndipo pakataura Ishe” (History of the Church, 1:128).

1–2, Vanhu vangavesei vana vaMwari; 3–7, Sidney Rigdon anodaidzwa kuti abhabhatidze uye nekupa Mweya Mutsvene; 8–12, Zviratidzo nezvishamiso zvinounzwa nerutendo; 13–16, Varanda vaIshe vachapura marudzi nesimba reMweya; 17–19, Joseph Smith ane makiyi ezvakavanzika, 20–21, Vakasarudzwa vachamirira zuva rekuuya kwaIshe; 22–27, Israeri ichaponeswa.

1 Teererai kuizwi araIshe Mwari venyu, kana bArfa naOmega, kutanga nekupedzisira, uyo ane cnzira yake yokusingaperi inogara yakadaro, dmumwechete nhasi sazuro, uye nokusingaperi.

2 Ndini Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari, aakarovererwa pamusana pezvitadzo zvenyika kunyangwe avo vose bvachatenda muzita rangu, kuti vave cvanakomana vaMwari, kunyangwe dmumwechete ari mandiri sezvo ini ndiri emumwechete munaBaba, sezvo Baba vari mumwechete mandiri, kuti tive vamwechete.

3 Tarisai, zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kumuranda wangu Sidney, ndakutarisa uye nebasa rako. Ndanzwa minamato yako, uye ndikakugadzirira basa rakakurisisa.

4 Wakaropafadzwa, nokuti uchaita zvinhu zvikuru. Tarisai iwe wakatumirwa, kunyangwe asaJohane, kugadzira nzira mberi kwangu, uye nemberi bkwaErija uyo anofanira kuuya, uye iwe wanga usingazvizive.

5 Wakabhabhatidza nemvura mukutendeuka, asi havana akugashira Mweya Mutsvene;

6 Asi zvino ndinopa kwauri murairo, kuti auchabhabhatidza nemvura, uye vachagashira Mweya bMutsvene nekuiswa cmaoko, kunyangwe sevaapositori vekare.

7 Uye zvichaitika kuti kuchave nebasa guru munyika, kunyangwe pakati apemaJentairi, nokuti hurema hwavo nekunyangadza kwavo kuchaiswa pachena mumaziso avanhu vose.

8 Nokuti ndiri Mwari, uye ruoko rwangu haruna akupfupiswa; uye ndicharatidza bzvishamiso, czviratidzo nezvishamiso kune vose avo dvanotenda muzita rangu.

9 Uye ani zvake achakumbira muzita rangu amurutendo, bvachabvisa cdhiabhorosi; dvacharapa vanorwara; vachaita kuti mapofu atambire kuona kwawo, uye matsi kuti dzinzwe, uye mbeveve kuti dzitaure, vakaremara kuti vafambe.

10 Uye nguva iri kusvika nokukurumidza yekuti zvinhu zvikuru zviratidzwe kuvana vevanhu;

11 Asi apasina rutendo hapana chinoratidzwa kunze bkwekuparadzwa pamusoro cpeBabironi, imwecheteyo iyo yakaita kuti ose marudzi anwe waini yehasha ddzeupombwe hwayo.

12 Uye ahakuna mumwechete ari kuita zvakanaka kunze kweavo vagadzirira kutambira kuzara kwevhangeri rangu, iro randakatumira kuchizvarwa chino.

13 Nokudaro, ndinodaidza avasina kusimba venyika, avo bvasina kudzidza uye vanoshorwa, kuti vapure marudzi nesimba reMweya wangu.

14 Uye ruoko rwavo rwuchave ruoko rwangu, uye ndichave anhowo yavo nechikopereso chavo; uye ndichasunga zviuno zvavo, uye vacharwa pachirume kuitira ini, uye bvavengi vavo vachave pasi petsoka dzavo; uye cndicharegerera munondo kuitira ivo dnemoto wehasha dzangu ndichavadzivirira.

15 Uye avarombo bnevakazvirereka vachave nevhangeri richiparidzirwa kwavari, uye vachange cvachitarisira kunguva yekuuya kwangu, nokuti yave dpedyo

16 Uye vachadzidza rungano rwemufananidzo wemuti awemukuyu, nokuti kunyangwe iye zvino zhizha rave pedyo.

17 Uye ndatumira akuzara kwevhangeri rangu neruoko rwemuranda wangu bJoseph; uye mukusasimba ndakamuropafadza iye;

18 Uye ndapa kwaari amakiyi ezvakavandika zvezvinhu izvo bzvakazarirwa, kunyangwe zvinhu zvakanga zviripo kubvira cpahwaro hwenyika, nezvinhu zvichauya kubvira panguva ino kusvika panguva yekuuya kwangu, kana akararama mandiri, uye kana zvisina kudaro, ndichadyara mumwe panzvimbo yake.

19 Nokudaro, mutarise kuti kutenda kwake kusakundikane, uye zvichapihwa aneMunyaradzi, Mweya bMutsvene, uyo unoziva zvose zvinhu.

20 Uye murairo ndinopa kwauri—kuti iwe auchamunyorera; uye magwaro matsvene achapihwa, kunyangwe sezvaakaita muchipfuva changu, kuitira kuponeswa bkwevakasarudzwa vangu.

21 Nokuti vachanzwa aizwi rangu, uye vagondiona, uye havazokotsira, uye bvachamirira zuva crekuuya kwangu, nokuti vachacheneswa, kunyangwe dsekuchena kwandakaita ini.

22 Uye zvino ndinoti akwauri, gara naye, uye achafamba newe; usamusiye kwete, uye chokwadi zvinhu izvi zvichazadzikiswa.

23 Uye asezvo usingazonyora, tarisai, zvichapihwa kwaari kuti aporofite; uye iwe uchaparidza vhangeri rangu uye uchadaidzira bkuvaporofita matsvene vakare kuti vatsigire mazwi ake, semapirwo zvichange zvachiitwa kwaari.

24 aChengeta yose mirairo nezvibvumirano zvamakasungwa nazvo; uye ndichaita kuti matenga bazunguzikire iwe mukukunakirai, uye, cSatani achadedera uye Zioni dichafara pamusoro pezvikomo uye nokubudirira;

25 Uye aIsraeri bachaponeswa munguva yangu ini; uye cnemakiyi ayo andapa vachatungamirwa, uye vasingazokundwa.

26 Simudzai mwoyo yenyu uye mufare, akununurwa kwenyu kwave kusvika pedyo.

27 Musatye, imi kadanga kemakwai, aumambo ndehwenyu kudakara ndauya. Tarisai, ndinouya bnekukurumidza. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.