Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 131


Chikamu 131

Mirairo yaJoseph Smith Muporofita, yakapihwa paRamus, Illinois, 16 na 17 Chivabvu 1843 (History of the Church, 5:392–393).

1–4, Kuroorana kweseresitiyaro kunokosha kwazvo mukusimudzirwa kudenga repamusorosoro; 5–6, Kuti vanhu vanobatanidzwa sei kuupenyu hwokusingaperi kuno tsanangurwa; 7–8, Wose mweya chinhu.

1 Mukubwinya akweseresitiyaro mune matenga matatu kana zvinhanho;

2 Uye kuti awane achepamusoro-soro, munhu akafanira kupinda muhurongwa uhu hwehupirisita [zvinoreva chibvumirano chitsva uye chisingaperi bcheroorano];

3 Uye kana akasadaro, haangachiwane.

4 Angangopinda mune rimwe asi ndipo panoperera umambo hwake; haakwanise akupamhidzira.

5 (Chivabvu 17, 1843.) Izwi rechokwadi rakazara anehuporofita zvinoreva kuziva kwemunhu kuti bakasunganidzwa kuupenyu chwokusingapere, nokuzarurirwa nemweya wechiporofita, kuburikidza nesimba reHupirisita Hutsvene.

6 Hazvigone kuti munhu aaponeswe ari bmukusaziva.

7 Hakuna chinganzi hachisi chinhu. aMweya wose chinhu, asi wakanyanya kutsetseka nokuchena uye angangoonekwa chete nemaziso bakachena zvakawedzerwa;

8 Hatigone kuuona; asi kana miviri yedu yacheneswa tichaona kuti wose chinhu.