Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 130


Chikamu 130

Mazwi akapihwa kuna Joseph Smith Muporofita paRamus, Illinois, 2 Kubvumbi 1843 (History of the Church, 5:323–325).

1–3, Baba neMwanakomana vangangoonekwa ivo vemene kuvanhu; 4–7, Ngirozi dzinogara mudenga reseresitiyaro; 8–9, Nyika yeseresitiyaro ichave Urimi neTumimi huru; 10–11, Dombo jena rinopihwa kune avo vose vanopinda munyika yeseresitiyaro; 12–17, Nguva yeKuuya kweChipiri yakavanzwa kune muporofita; 18–19, Ruzivo rwatinowana muupenyu huno tinomuka narwo muKumutswa kuvakafa; 20–21, ose maropafadzo anouya nokuteerera mutemo; 22–23, Baba neMwanakoma vane miviri yenyama nemapfupa.

1 aPaachazviratidza Muponesi tichamuona sezvaari. Tichaona kuti bmunhu akaita sezvatakaita isu.

2 Uye naikokufambidzana kuripo pakati pedu pano, kunenge kuripo ikoko, chete kunenge kwasangana nokubwinya akwokusingaperi, uko kubwinya kuri kwatisina iye zvino.

3 Johane 14:23—Kuonekwa akwaBaba bneMwanakomana, mundima iyo, ckuonekwa ivo pachavo; uye pfungwa yekuti Baba neMwanakomana dvanogara mumwoyo wemunhu, idzidziso yezvikwata zvezvinamato zvekare isiri yechokwadi.

4 Mumhinduro kumubvunzo unoti—Handiti kuyerwa akwenguva yaMwari, nenguva yengirozi, nenguva yemuporofita, uye nenguva yemunhu kuri maererano nenyika yavanogara?

5 Ndinopindura kuti, Hongu. Asi hakuna angirozi dzinoshandira nyika ino asi idzo dzemuno kana dzakanga dziri dzemuno.

6 Ngirozi hadzigare munzvimbo yakaita sepasi pano;

7 Asi dzinogara panaMwari, panyika inenge agungwa regirazi bnemoto, apo zvose zvinhu nekubwinya kwavo zvonoratidzwa, zvakare, zvanhasi, nezvichauya, uye zviri pamberi paIshe nguva dzose.

8 Nzvimbo inogara Mwari aiUrimu neTumimi huru.

9 aNyika ino, kana ichinge yacheneswa isisafe ichaitwa sechiringiriro uye iri Urimi neTumimi kuvanhu vachagarapairi, umo mekuti zvose zvinhu zveumambo hwakaderera, kana hwose umambo hwakadzikira, zvicharatidzwa kune avo vagere mairi, uye nyika ino ichave yaKristu.

10 Zvino dombo jena rinotaurwa muna Zvakazarurwa 2:17, richave Urimi neTumimi kune munhu wose anoriwana, ipapo zvinhu zviri maererano nehurongwa hweumambo hwepamusoro, zvichaitwa kuti zvizivikanwe;

11 Uye dombo ajena rinopihwa kumumwe nemumwe anouya muumambo hweseresitiyaro apo pakanyorwa bzita idzva, risina munhu anoziva kunze kweuyo anoritambira. Zita idzva iri ndiro izwi rinokosha.

12 Ndinoporofita muzita raIshe Mwari, kuti kutanga akwematambudziko kuchakonzera kurasika kweropa rakawanda Mwanakomana weMunhu asati auya kuchave bkuSouth Carolina.

13 Kungangotanga pamusana penyaya yenhapwa. Izvi zvakataurwa kwandiri nezwi, pandakanga ndichinamata zvikuru pamusoro penyaya iyi, munaZvita 25, 1832.

14 Pane imwe nguva yandakanga ndichinamata zvikuru kuti ndizive nguva ayekuuya kweMwanakomana weMunhu, pandakanzwa izwi richidzokorora zvinotevera:

15 Joseph, mwanangu, kana ukararama kusvika wave nemakore makumi masere nemashanu, uchaona chiso cheMwanakomana weMunhu; naizvozvo rega izvi zvive zvakakwana, uye urege kundinetsa zvakare nenyaya iyi.

16 Ndakasiiwa ndakadaro, ndisina kugona kuziva kuti kuuya uku kwaive here kutanga mereniyamu kana kumwe kuzviratidza kwakapfuura, kana kuti ndinotofa kuti ndigoona chiso chake.

17 Ndinofunga kuti kuuya kweMwanakomana weMunhu hakungambove nguva iyoyo isati yasvika.

18 Ipi zvayo mitemo ayeruzivo rwatinokwanisa kuwana muneuno upenyu tichamuka nahwo bmukumutswa kubva kuvakafa.

19 Uye kana munhu akawana aruzivo neungwaru hwakawanda muupenyu huno kuburikidza bnekushingaira kwake cnekuteerera kupfuura mumwe, achave dnemukana wakanyanya wepamberi munyika ichauya.

20 Kune amutemo, wakatsiidzwa kudenga zvisingabvisike, hwaro hwenyika ino bhusati hwavepo, panove ndipo panobva cmaropafadzo ose—

21 Uye kana tikawana maropafadzo api zvawo kubva kuna Mwari, zvinokonzerwa nokuteerera kumutemo iwoyo panova ndipo paanobva.

22 aBaba vane bmuviri wenyama nemapfupa unobatika sewemunhu; kana neMwanakomanawo; asi Mweya cMutsvene hauna muviri wenyama nemapfupa, asi chimiro chemunhu weMweya. Dai zvisiri izvo, Mweya Mutsvene hawaigona kugara matiri.

23 Munhu angangogashira Mweya aMutsvene, uye ugodzika paari uye ugorega kugara naye.