Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 119


Chikamu 119

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita, paFar West, Missouri, 8 Chikunguru 1838, semhinduro kuchichemo chake: “Ishe! Ratidzai kumuranda wenyu kuti munoda zvakawanda zvakadii pamidziyo yevanhu venyu mukubvisa chegumi” (History of the Church, 3:44). Mutemo wechegumi, sekunzwikwa kwaunoitwa nhasi, hauna kunge wakapihwa kuChechi zvakazarurwa zvino zvisati zvauya. Izwi rinoti chegumi riri mumunamato wabva mukutaurwa uye uri mune zvakazarurwa zvakatanga (64:23; 85:3; 97:11) hauna kunge uchireva chidimbu chimwechete pagumi chete, asi yose mipiro inoitwa nekuda, kana kupa kuhomwe yeChechi. Ishe vakambenge vapa kuChechi mutemo wekutsaura uye nehutariri hwemidziyo, uwo nhengo (Kunyanya magosa anotungamira) dzaipinda mauri nechibvumirano chakanga chichifanira kusapera. Pamusana pekutadza kwevazhinji mukuchengeta chibvumirano ichi, Ishe vakachibvisa kwechinguva uye ndokubva vavapa munzvimbo yacho murau wechegumi kuChechi yose, Muporofita akabvunza Ishe kuti pazvinhu zvevanhu vaida zvakawanda sei zvokushandisa mumabasa anoyera. Mhinduro yacho ndicho chakazarurwa chino.

1–5, Vatendi vanofanira kubhadhara zvinhu zvavo zvavanosiya uye vagozopa, sechegumi, chikamu chimwechete mugumi mune zvavanowana pagore; 6–7, Kuita ikoko kuno chenesa nyika yeZioni.

1 Zvirokwazvo vanodaro Ishe, ndinoda zvinhu zvavo azvavanosiya zvose zviiswe mumaoko abhishopi wechechi yangu muZioni,

2 Kuti kuvakwe aimba yangu, uye nekuisa hwaro hweZioni uye nehufundisi, uye nezvikwereti zveHutungamiri hweChechi yangu.

3 Uye uku ndikokuchave kutanga kwekubvisiswa achegumi kwevanhu vangu.

4 Uye mushure mezvo, avo vanenge vanzi vabvise chegumi vachabvisa chikamu chimwechete mugumi chezvavanowana pagore; uye uyu uchave mutemo wakamiswa kwavari nariini, kuitira hupirisita hwangu hutsvene, vanodaro Ishe.

5 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvichaitika kuti vose avo vanoungana munyika ayeZioni vachabvisiswa chegumi pane zvinosara zvemidziyo yavo, uye vachacherechedza mutemo uyu, kana kuti havazowanikwa vakakodzera kugara pakati penyu.

6 Uye ndinoti kwamuri, kana vanhu vangu vasingacherechedze mutemo uyu, kuuchengeta uri mutsvene, uye kuti nemutemo uyu vachenese nyika ayeZioni kwandiri, kuti mirau yangu uye nekutonga kwangu kuchengetedzwe, kuti ive tsvene chaizvo, tarisai, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haingave nyika yeZioni kwamuri.

7 Uye izvi zvichave mufananidzo akuhoko dzose dzeZioni. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.