Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 112


Chikamu 112

Zvakazarurwa zvakapihwa kuburikidza naJoseph Smith Muporofita kuna Thomas B. Marsh, paKirtland, Ohio 23 Chikunguru 1837 (History of the Church, 2:499–501). Chakazarurwa ichi chineshoko raIshe kuna Thomas B. Marsh pamusoro peVaapositori vaneGumi neVaviri veGwayana. Muporofita anonyora kuti chakazarurwa ichi chakatambirwa muzuva rakatanga kuparidzwa vhangeri muEngland. Thomas B. Marsh panguva iyoyi akanga ari Mutungamiri wechikwata cheVaapostori vaneGumi neVaviri.

1–10, VaneGumi neVaviri vanofanira kutumira vhangeri uye nokusimudzira izwi rekuyambira kumarudzi ose nevanhu; 11–15, Vanofanira kutora muchinjikwa wavo, votevera Jesu, nekufudza hwai dzake; 16–20, Avo vanogamuchira Hutungamiri Hwekutanga vanogashira Ishe; 21–29, Rima rakafukidza pasi, uye avo chete vanotenda uye vakabhabhatidzwa ndivo vanoponeswa; 30–34, Hutungamiri Hwekutanga nevaneGumi neVaviri vane kiyi dzenguva yekuzara kwenguva.

1 Zvirokwazvo vanodaro Ishe kwauri iwe muranda wangu Thomas: Ndanzwa minamato yako; uye yauya asendangariro kwandiri, kuitira idzo hama dzako vakasarudzwa kuti vape uchapupu hwezita rangu bnokuritumira kure kumarudzi, madzinza, ndimi, nevanhu vose, uye kaburikidza nekushanda kwevaranda vangu.

2 Zvirokwazvo ndinoti kwauri, kune zvinhu zvange zviri mumwoyo mako uye zvauinazvo izvo zvisina kundifadza ini, Ishe.

3 Zvisinei, kana uri awazvidzikisa uchasimudzwa; nokudaro, zvitadzo zvako zvose wazviregererwa.

4 Mwoyo wako angaufare zvakanaka pamberi pechiso changu; uye uchapupura pamusoro pezita rangu, kwete bkumaJentairi chete, asiwo cnekuvaJuda; uye uchatumira izwi rangu kumiganhu yepasi.

5 aRwisa iwe, nokudaro mangwanani nemangwanani ezuva, zuva nezuva ita kuti bkuyambira kwako kuende munyika; uye kana husiku hwauya usaregere vagari vemunyika vachikotsira, pamusana pekutaura kwako.

6 Ita kuti paunogara pazivikanwe muZioni, uye ausabvise imba yako; nokuti Ini Ishe ndine basa guru rako rekuti uite, mukushambadza zita rangu pakati pevana vevanhu.

7 Naizvozvo, asungira nguwo dzako muchiuno chako kuitira basa. Tsoka dzako ngadzipfekedzwe shangu naidzowo, nokuti wasarudzwa, uye nzira yako iri mumakomo, nemukati memarudzi mazhinji.

8 Uye nezwi rako vazhinji vari pamusoro avachadzikiswa pasi, uye nezwi rako vazhinji vakadzikira vachasimudzwa.

9 Izwi rako richava chitsiuro kumutadzi; uye mukutsiura kwako ita kuti rurimi rwemunyepi ruregere hutsauki hwarwo.

10 Iva awakazvininipisa, uye Ishe Mwari vako vachakutungamirira neruoko, uye nokukupa mhinduro kuminamato yako.

11 Ndinoziva mwoyo wako, uye ndakanzwa minamato yako pamusoro pehama dzako. Usavade kupfuura vamwe vazhinji, asi rega arudo rwako kwavari ruve serwako; uye rudo rwako ngaruwande kuvanhu vose, uye nekune avo vose vanoda zita rangu.

12 Uye namatira hama dzako dzineGumi neVaviri. Vatsiure zvakasimba kuiitira zita rangu, uye urege varangwe pamusana pezvitadzo zvavo zvose, uye iwe uve wakatendeka pamberi pangu amuzita rangu.

13 Uye mushure amekuedzwa kwavo, uye bnokutambudzika kwakawanda, tarisai, Ini Ishe, ndichavanzwirwa nyasha, uye vakasaomesa mwoyo yavo, vakasaomesa mitsipa yavo kwandiri, cvachatendeutswa, uye ini ndichavarapa.

14 Zvino, ndinoti kwauri, uye zvandinotaura kwauri ndinozvitaura kune vaneGumi neVaviri vose: Simuka usungira nguwo dzako muchiuno chako, tora amuchinjikwa wako, unditevere, uye bufudze hwai dzangu.

15 Usazviise pamusoro; ausapandukira muranda wangu Joseph; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwauri, ndinaye ini, uye ruoko rwangu rwuchave paari; uye bkiyi dzandamupa, uyewo nekunewewo, hadzizobvutwa kwaari kusvika ndauya.

16 Zvirokwazvo ndinoti kwauri, muranda wangu Thomas, ndiwe munhu andasarudza kuti ubate kiyi dzeumambo hwangu, maererano nevaneGumi neVaviri, munyika pakati pamarudzi ose—

17 Kuti ugove muranda wangu kuti ugozarura musiwo weumambo munzvimbo dzose idzo muranda wangu Joseph, uye nemuranda wangu aSidney, nemuranda wangu bHyrum, dzavasingagone kuuya;

18 Nokuti pavari ndipopandaisa mutoro chechi dzose kwechinguva chakati kuti.

19 Nokudaro, kwose kwavachakutuma; enda, uye ini ndichave newe; uye nemunzvimbo yose yauchataura izwi rangu, pachazarurwa musiwo awekushanda nawo kwauri, kuti vagashire izwi rangu.

20 Uyo aachagashira izwi rangu anogashira ini, uye uyo anogashira ini, anogashira ivavo, veHutungamiri Hwekutanga, avo vandakatumira, avo vandakaita makurukota pamusoro pangu kwamuri.

21 Uye zvakare, ndinoti kwauri, uyo wauchatuma muzita rangu, nezwi rehama dzako, avaneGumi neVaviri, uye vakataurwa bvakabvumirwa newe, vachave nesimba rekuzarura musiwo weumambo hwangu kurudzi rwupi zvarwo kwose kwauchavatumira—

22 Kana vari vanozvininipisa pamberi pangu, uye vachigara muzwi rangu, uye avachiteerera kuzwi reMweya wangu.

23 Zvirokwazvo zvirokwazvo, ndinoti kwauri, arima rakaputira nyika, uye rima rakanyanya kupfungwa dzevanhu, yose nyama byakaora pamberi pechiso changu.

24 Tarisai, akudzorera kunouya nokukurumidza pavagari vepasi, zuva rehasha, zuva rekupisa, zuva rekuparara, brekuchema, nekugungudzika, uye nokukungura; uye sechamupupuri richauya panyika yose, vanodaro Ishe.

25 Uye pamba pangu andopazvichatangira, uye kubva pamba pangu zvichaenda mberi; vanodaro Ishe;

26 Kutanga pakati peavo vari pakati penyu, vanodaro Ishe, vakapupura kuti avanoziva zita rangu asi vasina bkundiziva, uye cvakandituka pakati pemba yangu, vanodaro Ishe.

27 Nokudaro, onai kuti hamuzvinetse pamusoro penyaya dzechechi yangu munzvimbo ino, vanodaro Ishe.

28 Asi achenesai mwoyo yenyu pamberi pangu; uye imi bendai munyika yose, uye muparidzire vhangeri rangu kuchisikwa chose chisati charitambira;

29 Uye uyo aanotenda bakabhabhatidzwa achaponeswa uye uyo asingatende, uye akasabhabhatidzwa cacharaswa.

30 Nokuti kwamuri avaneGumi neVaviri, uye neavo, veHutungamiri bHwekutanga, uye vakadomwa pamwechete nemi kuti vave makurukota enyu nekuve vatungamiri venyu, ndikwo kwakapihwa simba rehufundisi uhwu kwemazuva ekupedzisira uye kwenguva yekupedzisira, muri imo mune cmukuwo wekuzara kwenguva.

31 Riri iro simba ramuinaro, maererano neavo vose vakagashira zvenguva, panguva ipi zvayo kubvira pakutangwa kwekusikwa;

32 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, akiyi dzezvenguva iyoyi, iyo yamagashira, bdzakadzika kubva kumadzibaba, uye pekupedzisira, ndokutumirwa kubva kudenga kuuya kwamuri.

33 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, tarisai kukura kwakaita kudaidzwa kwenyu. aSukai mwoyo yenyu uye nenhumbi dzenyu, potse ropa rechizvarwa chino bringazodiwa mumaoko enyu.

34 Tendekai kudakara ndauya, nokuti andinouya nokukurumidza; uye mubairo wangu ndinawo kuti ndiripire wose munhu maererano nezvinenge zvakaita bbasa rake. Ndini Arfa naOmega. Ameni.